Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RAMBAI MAKAMUKA!

Vanhu 6 Miriyoni Vakafa neCOVID—Bhaibheri Rinotii Nezvazvo?

Vanhu 6 Miriyoni Vakafa neCOVID—Bhaibheri Rinotii Nezvazvo?

 Maererano nesangano rinoona nezveutano pasi rese reWorld Health Organization (WHO), pakazosvika musi wa23 May, 2022, vanhu vanosvika 6, 2 miriyoni vakanga vafa nechirwere cheCOVID-19. Asi nhau dzakabudiswa nesangano reWHO musi wa5 May, 2022, dzaiti nhamba yevanhu vakafa nechirwere ichi inotodarika ipapo nekure. Rakati mugore ra2020 nera2021, “nhamba yevanhu vakafa neCOVID-19 kana kuti nezvimwewo zvikonzero. . . inosvika 14, 9 miriyoni.” Bhaibheri rine zvarinotaura here nezvezvinhu zvakadai zvinorwadza?

Bhaibheri rakagara rataura kuti kwaizova nezvirwere zvinopararira zvinouraya

  •   Jesu akataura kuti kwaizova nezvirwere kana kuti “hosha” dzinopararira munguva inonzi neBhaibheri “mazuva ekupedzisira.”—Ruka 21:11, The Bible in Union SHONA Version; 2 Timoti 3:1.

 Uprofita hwakataurwa naJesu huri kuzadziswa mazuva ano. Kuti unzwe zvakawanda, verenga nyaya yakanzi “Chiratidzo ‘Chemazuva Ekupedzisira,’ Kana Kuti “Nguva Yekupedzisira” Ndechipi?

Bhaibheri rinotinyaradza

  •   “Mwari wekunyaradza kwese, anotinyaradza pamatambudziko edu ese.”—2 VaKorinde 1:3, 4.

 Vanhu vakawanda vakafirwa nehama neshamwari dzavo vakanyaradzwa nezvinotaurwa neBhaibheri. Kuti unzwe zvakawanda, verenga nyaya yakanzi “Zvaungaita Kuti Utsungirire Kana Wafirwa” neyakanzi “Mazano Anonyatsobatsira Vakafirwa.”

Bhaibheri rinotiudza kuti dambudziko racho richagadziriswa sei

  •   “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe, panyika, sekudenga.”—Mateu 6:10.

 Munguva pfupi iri kuuya, “Umambo hwaMwari” huchaita kuti pasava “[nemunhu] achati: ‘Ndiri kurwara.’” (Mako 1:14, 15; Isaya 33:24) Kuti unzwe zvakawanda nezvehurumende iyi yekudenga uye zvaichaita, ona vhidhiyo yakanzi Umambo hwaMwari Chii?

 Tinokukurudzira kuti udzidze zvakawanda zvinotaurwa neBhaibheri kuti iwe nemhuri yako mubatsirwe nemazano arimo uye zvarinovimbisa nezveramangwana.