Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhaibheri Rakagara Rataurei Nezvekudengenyeka Kwenyika Kukuru?

Bhaibheri Rakagara Rataurei Nezvekudengenyeka Kwenyika Kukuru?

 Gore rega rega, kudengenyeka kwenyika kunoitika kakawanda. Kunyange zvazvo kakawanda kacho kusina kunyanya kusimba, panoitika kudengenyeka kwenyika kukuru, zvivakwa zvinoparara, vanhu vanotambura, uye panofiwa. Dzimwe nguva, kunokonzera tsunami, idzo dzinosimudza mafungu emvura ane simba dzoparadza nzvimbo dziri pedyo nemakungwa, uye vanhu vakawanda vanogara munzvimbo idzodzo vanofa. Bhaibheri rakagara rataura nezvekudengenyeka kwenyika kukuru uku here?

Zviri munyaya ino

 Bhaibheri rakaprofita nezvekudengenyeka kwenyika here?

 Bhaibheri rinotaura nezvekudengenyeka kwenyika muuprofita hwakataurwa naJesu. Mashoko aakataura akanyorwa mumabhuku eBhaibheri matatu seizvi:

 “Rudzi ruchamukira rudzi uye umambo huchamukira umambo, uye kuchava nenzara nekudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakawanda.”Mateu 24:7.

 “Rudzi ruchamukira rudzi neumambo huchamukira umambo; kuchava nekudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakawanda; kuchavawo nenzara.”—Mako 13:8.

 “Kuchava nekudengenyeka kwenyika kukuru, uye munzvimbo dzakawanda muchava nenzara nematenda.”—Ruka 21:11.

Jesu akaprofita kuti “kudengenyeka kwenyika kukuru” kwaizoitika  “munzvimbo dzakawanda” panguva inenge ichiitikawo hondo, nzara, uye matenda. Zvinhu zvese izvi pazvaizoitika panguva imwe chete zvaizonyatsoratidza pachena kuti tava kurarama munguva iyo ‘nyika inenge yava kumagumo kwayo,’ kana kuti “mumazuva ekupedzisira.” (Mateu 24:3; 2 Timoti 3:1) Patinoongorora nguva maererano nezvinotaurwa muBhaibheri, tinoona kuti “mazuva ekupedzisira” akatanga muna 1914 uye haasati aguma.

 Kudengenyeka kwenyika kuri kuitika mazuva ano kuri kuzadzisa uprofita hweBhaibheri here?

 Ehe. Uprofita hwakataurwa naJesu, kusanganisira zvaakataura nezvekudengenyeka kwenyika, hunoenderana nezviri kuitika mazuva ano. Kubvira muna 1914, pakaitika kudengenyeka kukuru kunopfuura 1 950, uye vanhu vanopfuura mamiriyoni maviri vakafa. a Ona mienzaniso mishoma kubva mumakore ekuma2000 zvichienda mberi.

 2004—Indian Ocean. Kudengenyeka kwenyika kwaiva nesimba chaizvo kwakakonzera tsunami, iyo yakasimudza mafungu emvura ane simba akasvika munyika dzakawanda, ikauraya vanhu vanenge 225 000.

 2008—China. Kudengenyeka kwenyika kune simba kwakaparadza misha nemaguta, uye zvinofungidzirwa kuti kwakauraya vanhu 90 000, kukakuvadza vanenge 375 000, uye mamiriyoni evanhu akasiyiwa asisina pekugara.

 2010—Haiti. Kudengenyeka kwenyika kwaiva nesimba kwakateverwa nekumwe kudengenyeka kwenyika kwainge kwakasimba zvekuti pakafa vanhu vanopfuura 300 000, uye mamiriyoni evanhu akasara asisina pekugara.

 2011—Japan. Kudengenyeka kwenyika kwaiva nesimba chaizvo uye tsunami dzakwakakonzera zvakauraya vanhu vanenge 18 500 uye zviuru zvevanhu zvaitofanira kusiya misha yazvo. Imwe nzvimbo inobikwa magetsi inonzi Fukushima Power Plant yakaparadzwa, uye mwaranzi yaikuvadza yaibuda ichibva ipapo. Kunyange zvazvo papfuura makore 10, vanhu vanenge 40 000 havasati vava kukwanisa kudzokera kumisha yavo iri pedyo nenzvimbo yacho nemhaka yemwaranzi iyi.

 Uprofita hweBhaibheri hune chekuita nekudengenyeka kwenyika hunotibatsira sei?

 Uprofita hweBhaibheri hunotaura nezvekudengenyeka kwenyika hunotiyambira nezvezvava pedyo kuitika. Jesu akati: “Pamunoona zvinhu zvese izvi zvava kuitika, zivai kuti Umambo hwaMwari hwava pedyo.”—Ruka 21:31.

 Bhaibheri rinotsanangura kuti Umambo hwaMwari ihurumende chaiyo iri kudenga uye Jesu Kristu ndiye Mambo wayo. Umambo uhwu ndihwo uhwo Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti vanyengeterere.—Mateu 6:10.

 Umambo hwaMwari pahunenge hwava kutonga panyika, Mwari achaita kuti pasava nenjodzi dzinongoitika dzega dzinokuvadza vanhu, kusanganisira kudengenyeka kwenyika. (Isaya 32:18) Achagadzirisawo zvese zviri kukonzerwa nekudengenyeka kwenyika kuri kuitika, kungava kukuvadzwa kwevanhu kana kuti kushushikana mupfungwa. (Isaya 65:17; Zvakazarurwa 21:3, 4) Kuti unzwe zvakawanda, verenga nyaya inoti “Umambo hwaMwari Huchaitei?

a Manhamba ari kutaurwa munyaya ino akatorwa muGlobal Significant Earthquake Database iyo inowana mashoko kubva kuUnited States National Geophysical Data Center.