Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rui Almeida Fotografia/Moment via Getty Images

RAMBAI MAKAMUKA!

Kurwisana Kwevanhu Vezvematongerwo Enyika—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

Kurwisana Kwevanhu Vezvematongerwo Enyika—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

 Kurwisana kuri kuita vezvematongerwo enyika kuri kuramba kuchiwedzera pasi rese uye zvava kuita kuti vanhu vanetseke.

  •   KuMexico kune vanhu 39 vakanga vachikwikwidza musarudzo vakaurayiwa uye vanhu vanga vari kurwisana munyika iyi. Izvi zvakabva zvavhiringidza sarudzo dzaifanira kuitwa muna 2023 na2024.

  •   KuEurope pane kurwisana kuri kuitika kuri kukonzerwa nezvematongerwo enyika uye prime minister wekuSlovakia akapotsa aurayiwa musi wa15 May 2024.

  •   Donald Trump uyo aimbova mutungamiriri wenyika kuUnited States akapotsa aurayiwa musi wa13 July 2024 uye izvi zvakavhundutsa chaizvo vanhu vemunyika yacho.

 Nemhaka yei kurwisana kuri kuwedzera kudai? Zvichazombopera here? Bhaibheri rinomboti kudii?

Kusabatana kwevanhu vezvematongerwo enyika kwakagara kwataurwa

 Bhaibheri rakagara rataura kuti nguva yatiri kurarama, iyo inonzi “mazuva ekupedzisira,” vanhu vakawanda vaizova neunhu hunoita kuti pasava nekuwirirana uye vagare vachirwisana.

  •   ‘Mumazuva ekupedzisira, nguva dzakaoma, dzinonetsa kurarama madziri dzichasvika. Nekuti vanhu vachava vasingaongi, vasina kuvimbika, vasingatombodi kubvumirana, vanotyisa, vatengesi, vakaoma musoro, uye vanozvitutumadza.’—2 Timoti 3:1-4.

 Bhaibheri rakagara rataurawo kuti nguva yatiri kurarama zvinhu zvakadai sekupandukira hurumende uye kurwisana nenyaya dzezvematongerwo enyika zvaizowedzera. (Ruka 21:9, mashoko emuzasi) Asi zvinhu izvi hazvisi kuzoramba zvakadai, zvichapera.

Kupera kuchaita kurwisana

 Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari achaparadza hurumende dzese dziri panyika odzitsiva nehurumende yake yekudenga.

  •   ‘Mwari wekudenga achaita kuti pave neumambo huchapwanya, hwogumisa umambo hwese uhwu, uye ndihwo hwega hucharamba huripo nekusingaperi.’—Dhanieri 2:44.

 Umambo hwaMwari ndihwo chete huchaita kuti panyika pave nerunyararo.

  •   Mutungamiriri wacho, Jesu Kristu anonzi “Muchinda weRugare,” uye achaita kuti ‘rugare rurambe ruripo.’—Isaya 9:6, 7.

  •   Kunyange iye zvino chaiye, vaya vanobvuma kutongwa nehurumende yaMwari vari kutodzidzira kurarama murunyararo. Ndosaka Bhaibheri richiti: “Vachapfura mapakatwa avo kuti ave miromo yemagejo, nemapfumo avo kuti ave mapanga ekuchekerera miti. Rudzi haruzosimudziri rumwe rudzi bakatwa, uye havazodzidzi kurwa zvakare.”—Isaya 2:3, 4.

 Kana uchida kunzwa zvakawanda, verenga nyaya yakanzi “Umambo hwaMwari Huchaitei?” uye ona vhidhiyo yakanzi Umambo hwaMwari Chii?