Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pawel Gluza/500Px Plus/Getty Images

RAMBAI MAKAMUKA!

Mhuka Dzemusango Dziri Kupera Zvinotyisa—Bhaibheri Rinoti Kudii?

Mhuka Dzemusango Dziri Kupera Zvinotyisa—Bhaibheri Rinoti Kudii?

 Musi wa9 October 2024, sangano reWorld Wildlife Fund rakataura nezvekuparadzwa kwemhuka dzemusango kuri kuitwa nevanhu. Mushumo wacho wakataura kuti “mhuka dzemusango dziri kupera chaizvo. Mumakore 50 apfuura, kubva muna 1970 kusvika muna 2020, mhuka dzemusango dzakadzikira ne73%.” Mushumo wacho waiva neyambiro yekuti: “Tinogona kutaura kuti zvinhu zvichaitika mumakore 5 anotevera zvicharatidza kuti panyika pachange pachiraramika here.”

 Vanhu vakawanda vanovhunduka pavanonzwa mashoko akadai. Tinoda chaizvo nyika nezvinhu zviri pairi uye tinorwadziwa patinoona mhuka dzemusango dzichipera. Tinonzwa saizvozvo nekuti Mwari akatisika aine chinangwa chekuti tichengetedze mhuka.—Genesisi 1:27, 28; Zvirevo 12:10.

 Saka unogona kunge wava kuzvibvunza kuti, ‘Tichakwanisa kuchengetedza mhuka kuti dzisapera here? Bhaibheri rinoti kudii?’

Zvinhu zvichanaka

 Pasinei nezvese zvatingaedza kuita, hatikwanisi kuita kuti mhuka dzisapera panyika. Mwari chete ndiye anozvigona. Pana Zvakazarurwa 11:18, Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari ‘achaparadza vanhu vari kuparadza nyika.’ Vhesi iyoyo inotidzidzisa zvinhu zviviri:

  1.  1. Mwari haasi kuzorega vanhu vachiparadza nyika zvekuti inenge isisagariki.

  2.  2. Mwari ava pedyo nekugadzirisa zvinhu. Tinozviziva sei? Nekuti zviri kuitwa nevanhu zvinoratidza kuti kana vakasiyiwa vakadaro vanogona kuparadza mhuka dzese panyika.

 Mwari achagadzirisa sei dambudziko iri? Achaita kuti Umambo hwake, kureva hurumende yake yekudenga, hutonge pasi rese. (Mateu 6:10) Hurumende iyoyo ichadzidzisa vanhu kuti vachengetedze mhuka panyika.—Isaya 11:9.