Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

kovop58/stock.adobe.com

RAMBAI MAKAMUKA!

Mitambo yemaOlympics Inoita Kuti Vanhu Vanyatsobatana Here?—Bhaibheri Rinoti Kudii?

Mitambo yemaOlympics Inoita Kuti Vanhu Vanyatsobatana Here?—Bhaibheri Rinoti Kudii?

 Panguva ichange ichiitwa mitambo yemaOlympics muna July kusvika muna August, zviri kufungidzirwa kuti vanhu vanosvika 5 bhiriyoni vachange vachiona vanhu vanobva munyika 206 vachitamba mitambo iyi. Mukuru mukuru wekomiti yemaOlympics vaThomas Bach, vakati “Mitambo iyi yatiri kuita ichabatsira kuti vanhu pasi rese vabatane. Ngatitsigirei chiitiko ichi chinokurudzira vanhu kuti vabatane pasinei nekuti tinobva kupi, tiri vedzinza ripi kana mutauro upi.”

 Mitambo yemaOlympics ingakwanisa kuita kuti vanhu vabatane here? Pane here chinokwanisa kuitwa nevanhu chingaita kuti vabatane uye vagarisane murunyararo?

Mitambo iyi inokwanisa here kuita kuti vanhu vabatane?

 MaOlympics egore rino anga akasiyana neemamwe makore. Mitambo iyi iri kuratidza zvinhu zvinoita kuti vanhu vatadze kubatana pamagariro uye pane zvematongerwo enyika. Nyaya dzaibatwa dzaisanganisira kodzero dzevanhu, rusarura, kusabatwa zvakanaka kunoitwa vanhu vezvimwe zvitendero uye kusabatwa zvakaenzana kunoitwa vanhu pane dzimwewo nyaya.

 Mitambo yakadai semaOlympics inoita kuti vanhu vawane nguva yekumbofara vachinakidzwa nezvinhu zvakasiyana-siyana. Asi zvinoitwa ipapo zvinosimudzira mafungiro nemaitiro anoparadzanisa vanhu pane kuti vabatane vachigarisana murunyararo.

 Bhaibheri rakagara rataura kuti vanhu vaizova neunhu hunoita kuti zviome kuti vagarisane murunyararo. (2 Timoti 3:1-5) Kana uchida kunzwa zvakawanda zvakaprofitwa neBhaibheri nezvazvo, verenga nyaya yakanzi “Bhaibheri Rakagara Rataura Here Unhu Hune Vanhu Mazuva Ano?

Chii chichaita kuti vanhu vese panyika vabatane uye vagarisane murunyararo?

 Bhaibheri rinotiudza kuti rugare rwechokwadi panyika yese ruchabva kupi. Rinotiudza kuti vanhu vese panyika vachatongwa nehurumende imwe chete inonzi “Umambo hwaMwari.”—Ruka 4:43; Mateu 6:10.

 Mutungamiriri wehurumende iyoyo ndiJesu Kristu uye achaita kuti panyika yese pave nerunyararo. Bhaibheri rinoti:

  •   “Vakarurama vachabudirira, uye rugare ruchawanda.”—Pisarema 72:7.

  •   “Achanunura murombo anochemera kubatsirwa. . . Achavanunura pakudzvinyirirwa nepakurwiswa.”—Pisarema 72:12, 14.

 Mazuva ano chaiwo, zvakadzidziswa naJesu zviri kubatanidza mamiriyoni evanhu munyika dzinosvika 239. Zvapupu zvaJehovha pasi rese zvinoziva chinonzi runyararo. Kana uchida kuona kuti zvii zvavari kuita kuti vagarisane zvakanaka verenga Nharireyomurindi ine musoro unoti “Kuvengana Kungapedzwa Sei?