RAMBAI MAKAMUKA!
Ndiani Waungavimba Naye?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
Vanhu vanorwadziwa chaizvo pavanonyeperwa nevanhu vavanovimba navo. Vakawanda havachavimbi . . .
nevezvematongerwo enyika vanongotsvaga zvakavanakira vasingafungi zvinobatsira veruzhinji.
nevanobudisa nhau dzakarerekera kwavanenge vachida kana kuti dzekunyepa.
nemasaindisti anotaura zvinhu zvisiri zvechokwadi zvisingabatsiri vanhu.
nevatungamiriri vezvitendero vanonyura mune zvematongerwo enyika panzvimbo pekuita zvaMwari.
Vanhu vanofanira kungwarira vanhu vavanovimba navo. Bhaibheri rinoyambira kuti:
“Musavimba nevatungamiriri vevanhu; hapana munhu anogona kukuponesai.”—Pisarema 146:3, Good News Translation.
Ndiani waungavimba naye?
Bhaibheri rinoratidza kuti Jesu Kristu ndiye waunogona kuvimba naye. Tinoziva kuti Jesu akararama pano panyika mazana emakore akadarika, asi hazvina kugumira ipapo. Mwari akamugadza ‘kuti ave Mambo, uye Umambo hwake hahuzogumi.’ (Ruka 1:32, 33) Jesu ndiMambo weUmambo hwaMwari kureva hurumende iri kutonga iri kudenga.—Mateu 6:10.
Kuti udzidze kuti nei uchigona kuvimba naJesu, verenga nyaya yakanzi “Ndiani Mambo weUmambo hwaMwari?” uye yakanzi “Umambo hwaMwari Huchaitei?”