RAMBAI MAKAMUKA!
Nyanzvi Yezveutano Iri Kuti Social Media Inogona Kukanganisa Vana—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
Musi wa23 May 2023, imwe nyanzvi panyaya dzeutano kuUnited States yakati social media iri kukanganisa vana vakawanda.
“Kunyange hazvo social media iine zvimwe zvainobatsira vana, pane umboo hwakawanda hunoratidza kuti ine zvakawanda zvainovakanganisa mupfungwa uye pakukura kwavo.”—Social Media and Youth Mental Health: The U.S. Surgeon General’s Advisory, 2023.
Nyanzvi iyi panyaya dzeutano yakataura nezveongororo dzakaitwa dzinoratidza kuti iyi inyaya hombe.
Vana vane makore ari pakati pe12 ne15 “vanopedza maawa 3 zvichikwira vari pasocial media vane mikana yakapetwa kaviri yekubatwa nezvirwere zvepfungwa zvakadai sedepression uye kuzvidya mwoyo.”
Pavana vane makore 14, vaya vanonyanya kushandisa social media vane dambudziko rekunetseka pakurara, vanoshungurudzwa nevamwe paindaneti, vanonetseka nezvakaita muviri wavo, vanozvitarisira pasi uye vanoita depression kunyanya vasikana.”
Vabereki vangabatsira sei vana vavo kuti vasapinda mudambudziko iri? Bhaibheri rine mazano anobatsira panyaya iyi.
Zvii zvingaitwa nevabereki?
Batsirai mwana wenyu. Sevabereki, muchitarisa ngozi dzinogona kuvapo nemhaka yekushandisa social media ongororai kuti mosiya mwana wenyu achiishandisa here kana kuti momurambidza.
Zvinotaurwa neBhaibheri: “Dzidzisa mwana nzira yaanofanira kufamba nayo.”—Zvirevo 22:6.
Kuti munzwe zvakawanda verengai nyaya yakanzi “Mwana Wangu Anofanira Kuenda paSocial Media Here?”
Kana mukabvumira mwana wenyu kushandisa social media, zivai ngozi dzinogona kuvapo uye garai muchiona kuti mwana wenyu ari kuishandisa sei. Mungazviita sei?
Itai kuti mwana wenyu asakanganiswa nezvinhu zvakaipa zvinobuda pasocial media. Dzidzisai mwana wenyu kuti azive kuti zvinhu zvakaipa ndezvipi uye kuti zvii zvaanofanira kuita kana akasanganidzana nazvo.
Zvinotaurwa neBhaibheri: “Upombwe nezvinhu zvisina kuchena zvemarudzi ese kana makaro ngazvirege kana kutombotaurwa nezvazvo pakati penyu, . . . kana kuzvibata zvinonyadzisa kana kutaura kweupenzi kana kusetsa vamwe nezvinhu zvinonyadzisira.”—VaEfeso 5:3, 4.
Kuti muwane mamwe mazano verengai nyaya yakanzi “Kudzidzisa Mwana Wenyu Ari Kuyaruka Kuti Ashandise Social Media Zvakanaka.”
Isai miganhu. Semuenzaniso isai mitemo yakadai seyekuti anofanira kushandisa social media nguvai uye kwenguva yakareba sei.
Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Rambai makanyatsongwarira mufambe sevanhu vakachenjera, muchishandisa nguva yenyu nekuchenjera.’—VaEfeso 5:15, 16.
Shandisai vhidhiyo yakanzi Chenjerera Pakushandisa Social-Network kuti mubatsire mwana wenyu kunzwisisa kuti sei muri kumupa mitemo.