RAMBAI MAKAMUKA!
VaKristu Vanofanira Kurwa Hondo Here? Bhaibheri Rinoti Kudii?
Vafundisi vakawanda vari kukurudzira vanhu kuti vapindire muhondo iri kurwiwa kuUkraine. Inzwa kuti vafundisi vari kutsigira sei mauto acho maviri ari kurwisana:
“Tinokudza uye tinotenda chaizvo mauto edu ari kurwira nyika yawo . . . Muri pamwoyo pedu, tiri kukunyengetererai nemwoyo wese, uye ticharamba tichikutsigirai.”—Metropolitan Epiphanius I of Kyiv, sezvakataurwa muThe Jerusalem Post, 16 March 2022.
“Mukuru wechechi yeRussian Orthodox akaita musangano wechechi unokosha musi weSvondo. Pamusangano wacho akakurudzira masoja eRussia kuti arwire nyika yawo sezvo ‘izvozvo zvichigona kungoitwa nevanhu vemuRussia chete,’ pahondo iyi iri kurwiwa neRussia muUkraine.”—Reuters, 3 April 2022.
VaKristu vanofanira kurwa hondo here? Bhaibheri rinoti kudii?
Bhaibheri rinomboti kudii chaizvo?
Bhaibheri rinoti vanhu vanonyatsotevera Jesu Kristu havapindire muhondo.
“Dzorera bakatwa rako parinogara, nekuti vese vanotora bakatwa vachaparara nebakatwa.”—Mateu 26:52.
Munhu anokurudzira hondo kana kuti anorwa muhondo anenge achiteerera mashoko aJesu here?
“Ndiri kukupai murayiro mutsva, kuti mudanane; sekukudai kwandakaita, imiwo dananai. Vese vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.”—Johani 13:34, 35.
Munhu anotsigira hondo anenge achiratidza rudo rwakanzi naJesu ndirwo runoratidza kuti vateveri vake ndevapi here?
Kana uchida kunzwa zvakawanda, verenga nyaya yakanzi “VaKristu Vanofanira Kubatanidzwa Muhondo Here?”
VaKristu vanofanira kuona sei hondo dziri kurwiwa?
Zvine musoro here kuti vaKristu varege kupindira muhondo dziri kurwiwa mazuva ano? Hongu. Bhaibheri rakagara rataura kuti panguva yatiri kurarama iyo inonzi ‘mazuva ekupedzisira,’ paizova nevanhu vanobva mumarudzi ese ‘vasingazodzidzi kurwa zvakare.’ Izvi zvinonyatsopindirana nezvakadzidziswa naJesu.—Isaya 2:2, 4.
Kuti udzidze zvakawanda, verenga nyaya inoti “Mwari Anoona Sei Hondo?” iri muNharireyomurindi, nedzimwewo nyaya dzinotaura nezvehondo mumagazini yacho.
Munguva pfupi iri kuuya, Jehovha, a “Mwari werugare,” achashandisa hurumende yake yekudenga kuti anunure vanhu vari ‘kudzvinyirirwa uye vari kurwiswa.’—VaFiripi 4:9; Pisarema 72:14.
Ona vhidhiyo yakanzi Umambo hwaMwari Chii? kuti unzwe kuti achazviita sei.
a Jehovha ndiro zita raMwari.—Pisarema 83:18.