KUBVA MUDURA RENHOROONDO YEDU
Kushumira Jehovha Pasinei Nekuoma Kweupenyu
Munyika dzakawanda, zvinhu zviri kuwedzera kudhura uye upenyu huri kuomera vanhu vakawanda, kusanganisirawo Zvapupu zvaJehovha. Asi pane kuti vazvidye mwoyo, vanonyaradzwa nekuziva kuti Jehovha ‘haazombosiyi’ vashumiri vake. (VaHebheru 13:5) Jehovha ava nenguva achibatsira vashumiri vake sezvaakavimbisa. Akazviita kunyika yePhilippines, uko kune vanhu vakawanda vachiri kutambura. Makore ekuma1970 ne1980, zvinhu zvakanga zvakaoma zvisingaiti munyika iyoyo.
Hanzvadzi yedu inonzi Vicky a inoti “Dzimwe nguva ndaichema nekuti ndaisava nezvekudya. Pane dzimwe nguva, taingova nemupunga, munyu uye mvura chete.” Imwe hama inonzi Florencio yakamboita nguva ichishaiwa basa. Anoti: “Ndaingova nemasheti matatu nematirauzi matatu chete, uye ndozvandaipfeka pandaienda kumisangano nemagungano.” Vanhu vaJehovha vakatsungirira sei dambudziko iri rekushaiwa zvekurarama nazvo? Chii chakavabatsira kuti varambe vakasimba mune zvekunamata? Uye muenzaniso wavo unotibatsira sei mazuva ano kana zvinhu zvikangoerekana zvatichinjira?
Vakavimba naJehovha
Zvapupu zvekuPhilippines zvaiva nechokwadi chekuti Jehovha aizovachengeta panguva iyoyo yakaoma. (VaHebheru 13:6) Uye akatovabatsira nenzira dzavaisambofungira. Semuenzaniso, imwe hanzvadzi inonzi Cecille inoti: “Pashure pekunge tabika kapu yedu yekupedzisira yemupunga pakudya kwemangwanani, mhuri yedu yevanhu 4 yakasara isina kana chekubata. Saka takanyengetera tichikumbira Jehovha zvataida pakurarama zuva iroro. Patakanga tichiri kudya mangwanani iwayo, imwe hama yakatiunzira 5 kg yemupunga. Takachema misodzi yekufara tichitenda chipo ichi chakabva kuna Jehovha. Pane zvimwe zvakawanda zvakaitika zvakada kufanana neizvi.”
Uyewo, vanhu vaMwari vakashandisa uchenjeri hunobatsira huri muBhaibheri. (Zvirevo 2:6, 7) Semuenzaniso, imwe hanzvadzi yakanga ichangobva kubhabhatidzwa inonzi Arcelita, iyo yainge isina kuroorwa uye yaiomerwa neupenyu, yakadurura mwoyo wayo kuna Jehovha. Uye yakafungisisa mashoko ari pana Zvirevo 10:4 anoti: “Kugarira maoko kunokonzera urombo, asi maoko anoshanda nesimba anounza upfumi.” Achifunga nezvemashoko aya akasarudza kurima gadheni. Anoti, “Jehovha akakomborera zvandaiita. Ndakakohwa zvakawanda zvekuti ndaiva nezvekudya uye ndaitotengesa zvimwe kuti ndiwane mari yekufambisa.”
Havana Kurega Kuungana Pamwe Chete
Hama dzakanga dzisina mari yekutenga nzvimbo yekuvaka Dzimba dzeUmambo uye yekuvakisa. Asi izvozvo hazvina kuvatadzisa kuteerera murayiro wekuti vaungane nevamwe kuti vakurudzirane. (VaHebheru 10:24, 25) Vakangoita zvaienderana nezvaivapo. Semuenzaniso, imwe hanzvadzi inonzi Deborah inoti: “Ini nemusikana wandaipayona naye takavaka kaimba kadiki kataipindira misangano tiri 6. Takashandisa mashizha emuti unonzi muNipa palm pakugadzira denga, uye mashizha emuti unonzi muCoconut palm pakugadzira madziro, uye taigarira matanda emiti yemuchindwe.”
Asi kakawanda vanhu vaipindira misangano mudzimba. Hanzvadzi inonzi Virginia inoti, “Kaimba kedu kainge kakavakwa neuswa nemashenjere. Misi yeMigovera yega yega taifanira kubvisa midziyo mumba kuitira kuti tive nenzvimbo yekuitira misangano zuva raitevera.” Imwe imba yaiva nedenga raibvinza. Imwe hama inonzi Noel inoti, “Pakwainaya, taiisa migomo kuti mvura ipinde imomo. Asi taisamboona kuoma kwazvainge zvakaita nekuti taive pamwe chete nehama nehanzvadzi dzedu.”
Vakaramba Vachishingaira Muushumiri
Kusava nezvinhu zvakawanda zvekurarama nazvo hakuna kutadzisa Zvapupu kushingaira muushumiri. Lindina, uyo anogara kuchitsuwa chinonzi Negros, anotaura kuti: “Sezvo mhuri yedu yaiva hombe uye baba varivo vega vaienda kubasa, dzimwe nguva taishaya mari yekufambisa. Saka kakawanda taifamba netsoka kuenda kundima yatainoparidza. Asi zvainakidza nekuti taifamba takawanda. Taizivawo kuti takanga tiri kufadza Jehovha.”
Rimwe dambudziko hombe raisangana nehama nehanzvadzi nderekunoparidza kunzvimbo dziri kwadzo dzega mumakomo nekuti kwakanga kusina motokari kana mabhazi akawanda aienda ikoko. Esther, uyo anogara pachitsuwa cheLuzon anoti: “Boka redu revanhu 6 kusvika ku12 raifanira kusimuka mangwanani chaiwo nekuti taifanira kufamba makiromita akawanda. Taiswera zuva rese tichiparidza. Taienda nezvekudya zvedu zvakabikwa, uye taizodya takagara pamumvuri. Dzimwe hama dzedu nehanzvadzi dzaiuya dzisina chekudya. Taidziudza kuti, ‘Musanetseka, tine chikafu chinokwana munhu wese.’”
Jehovha akakomborera kuzvipira kwataiita. Semuenzaniso, muna 1970, muPhilippines maiva nevaparidzi 54 789. Pakazosvika 1989, nhamba yacho yainge yawedzera zvakapetwa kaviri, Zvapupu zvakanga zvava 102 487. Muna 2023, nhamba yevazivisi veUmambo muPhilippines yakasvika pa253 876.
“Kuva Varombo Hakuna Kutitadzisa Kuda Jehovha”
Pasinei nekuoma kwezveupfumi munyika, Zvapupu zvakaramba zvakasimba pakunamata. “Kuva varombo hakuna kutitadzisa kuda Jehovha,” yakadaro imwe hama inonzi Antonio. Hanzvadzi Fe Abad vanotiwo: “Pataishaya mari, ini nemurume wangu, takaramba tiri pedyo naJehovha uye takawana mufaro wekurarama tisina twakawanda-wanda. Izvi zvakaitawo kuti vana vedu vadzidze kuvimba naJehovha.”
Imwe hanzvadzi inonzi Lucila, iyo inogara kuchitsuwa chinonzi Samar inoti, “Kuva varombo harisi dambudziko kana tichishumira Jehovha.” Anowedzera kuti, “Patinoisa zvinodiwa naJehovha pekutanga muupenyu hwedu, tinogutsikana uye tinogara tichifara. Ndakafara chaizvo kuona vandaidzidzisa Bhaibheri vachisvika pakuziva Jehovha uye vachitangawo kupayona.”
Tichifunga nezvenguva dzakaoma dziri mberi, ngatigarei tichiyeuka mashoko akataurwa nemumwe mukuru anonzi Rodolfo, uyo akanyora kuti: “Zvinhu zvainge zvakaoma chaizvo kumakore ekuma1970 nema1980 asi ndakaona ruoko rwaJehovha muupenyu hwangu. Pasinei nekuti ndaiva nemari shoma, hapana chandaishaiwa. Jehovha akandichengeta. Ndararama upenyu hwakanaka iye zvino, uye ndinotarisira kurarama ‘upenyu chaihwo’ muParadhiso iri kuuya.”—1 Timoti 6:19.
a Mamwe mazita akachinjwa.