Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nhepfenyuro yeparedhiyo inonzi WBBR, muna 1924

KUBVA MUDURA RENHOROONDO YEDU

Kutepfenyura Mashoko Akanaka

Kutepfenyura Mashoko Akanaka

 Musi weSvondo manheru, 24 February, 1924, nhepfenyuro yeparedhiyo yeVadzidzi veBhaibheri a yainzi WBBR yakatanga kutepfenyura kekutanga. Nhepfenyuro iyoyo yekutanga yainge yakamira sei? Ndivanaani vakaiteerera? Uye Zvapupu zvaJehovha zvakaramba sei zvichishandisa michina yemazuva ano kuti zvizivise “mashoko akanaka eUmambo. . . munyika yese”?—Mateu 24:14.

Hama ichitepfenyura WBBR

“Tichibva Tatanga Kutepfenyura”

 Nhepfenyuro iyoyo yekutanga yakaita maawa maviri ichitepfenyura, kubva na8:30 dzemanheru. Purogiramu yacho yaibva kustudio yainge ichangobva kuvakwa kuStaten Island, New York. Hama Ralph Leffler, avo vaiona nezvekuti nhepfenyuro yacho yaibuda zvakanaka, vanoyeuka zvaiitika musi wacho vachiti “vanhu vaiva mustudio vaifara uku vachitya kuti zvichabuda zvakanaka here. Vanhu vese vachanyatsotinzwa zvakanaka here?” Vanoti: “Ndakabva ndabatidza, tichibva tatanga kutepfenyura, tichingoti dai zvikafamba zvakanaka.”

 Hama Victor Schmidt ndivo vaiva sachigaro wenhepfenyuro musi iwoyo, uye ndivo vaitungamirira pakuona nezvekushanda kwayo. Vakatanga purogiramu yacho nekusuma vaimbi vakasiyana-siyana, uye vaimbi vacho vese vaiva Vadzidzi veBhaibheri. Hama yairidza piano ndiyo yakatanga. Pava paya, Cora Wellman akaimba nziyo yekuti “The Ninety and Nine,” iyo yaitaura nezvemufananidzo waJesu wegwai rakarasika. (Ruka 15:4-7) Vamwe vaimbi vakazoteverawo, kusanganisira hama Frederick W. Franz, avo vakaimba yekuti “The Penitent,” iyo yaitaura nezvemwanakomana mupambadzi.—Ruka 15:11-25.

Purogiramu yekutanga yeWBBR

 Hama Joseph F. Rutherford, avo vaiona nezvebasa reVadzidzi veBhaibheri panguva iyoyo, vakapa hurukuro yekukumikidza nhepfenyuro yacho vachiti basa rayo “nderekutaura nezveumambo hwaMesiya.” Vakati: “Sezvo Jehovha akabvumira kuti vanhu vakwanise kugadzira nhepfenyuro iyi, zviri pachena kuti anoda kuti tiishandise kudzidzisa vanhu nezvekuzadzika kweuprofita hwake hukuru.”

“Zvese Zvaitaurwa Zvainzwika Zvakanaka Chaizvo”

 Vanhu vakawanda vaiva kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweUnited States vakanzwa nhepfenyuro iyoyo yekutanga. Mumwe akaiteerera uyo aiva kure nemakiromita anopfuura 320, kuMorrisville, Vermont, akati: “Kunoku ndainyatsonzwa zvakanaka. . . . Inzwi raHama Rutherford rainyatsonzwika zvakanaka. . . . Zvese zvaitaurwa zvainzwika zvakanaka chaizvo.” Kunyange mumwe aiteerera ari kuMonticello, Florida, akakwanisawo kunzwa purogiramu yacho! Nhepfenyuro iyi itsva yakabudirira, uye vanhu vakawanda vakatumira tsamba dzekutenda.

Hama Joseph Rutherford vari pamaikorofoni mustudio yeWBBR. Hama Victor Schmidt vari sachigaro

 Nhepfenyuro iyi yakaramba ichitepfenyura shoko reUmambo kwemakore 33, b kunyanya munzvimbo dziri kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweUnited States. Dzimwe nguva WBBR yaimboshanda pamwe chete nedzimwe nhepfenyuro, uye izvi zvakaita kuti ikwanise kusvika kumamiriyoni evanhu vaiva muUnited States, Canada, uye dzimwe nzvimbo dziri kure chaizvo. Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra1975 rakataura kuti: “Gore ra1933, ndiro gore raiva nenhamba yevanhu vakawanda kudarika mamwe makore yevakateerera shoko reUmambo panhepfenyuro. Kwaiva nenhepfenyuro 408 dzaishandiswa kutepfenyura pasi rese, uye hurukuro dzeBhaibheri 23 783 dzaitepfenyurwa . . . Mazuva iwayo, munhu aigona kungochuna kamwe chete obva atotanga kunzwa nhepfenyuro dzeWatch Tower dzaibva kunhepfenyuro dzeparedhiyo dzakasiyana-siyana. Kwese kwese munhu aiteerera redhiyo aigona kunzwa mashoko echokwadi aikudza Mwari.”

Kuparidza Paimba Neimba Kwakashanda Kudarika Kushandisa Redhiyo

 Vadzidzi veBhaibheri pavakatanga kushandisa WBBR, muUnited States makanga mava nevaparidzi veUmambo vangangosvika 1 064. Redhiyo yakabatsira chaizvo Zvapupu izvi zvishoma kusvitsa mashoko akanaka kuvanhu vakawanda. Asi pakazosvika 1957, muUnited States makanga mava neZvapupu zvinenge 187 762 uye pasi rese vakanga vava kusvika 653 273. Uyewo nekudzidziswa kwavaiita pamisangano yeungano, hama nehanzvadzi idzodzo dzaishingaira dzakaramba dzichiwedzera kuva neunyanzvi pabasa repaimba neimba uye kushandisa dzimwe nzira dzekuparidza nadzo.

 Izvi zvakaita kuti hama dzaitungamirira dziongorore zvakare kuti dzione kana redhiyo yakanga ichiri kunyatsobatsira kana ichienzaniswa nekushanyira vanhu padzimba dzavo. Zvakaguma nei? Hama dzakasarudza kutengesa WBBR, nhepfenyuro yavakanga vasara nayo yaishandiswa neWatchtower Society. Nhepfenyuro yacho yakatengeswa musi wa15 April, 1957. Kwasara zuva rimwe chete kuti itengeswe, hama Nathan H. Knorr vakabvunzwa kuti nei vakanga vava kuitengesa. Vakataura kuti kuwanda kwaita Zvapupu zvaJehovha zvabva pakuti vakawanda vavo vakaparidzirwa paimba neimba. Vakaenderera mberi vachiti, “Nhamba yevanhu vakawanda vakagamuchira chokwadi ndeyevanhu vanogara munzvimbo dzisina WBBR.” Saka hama dzakaona kuti kuparidza paimba neimba kunogona kubatsira vanhu zvakanyanya kupfuura kushandisa redhiyo. Asi zvekushandisa nhepfenyuro hazvina kubva zvapera. Papera makore akawanda, yakazotangazve kushandiswa, asi yati siyanei neyekare.

Kushandisa Broadcasting Mazuva Ano

 Musi wa6 October, 2014, musangano raJehovha makaitika chinhu chinofadza. Ndipo pakatanga nhepfenyuro yepaIndaneti inonzi JW Broadcasting. Zvapupu zvaJehovha nevamwewo vasiri Zvapupu, vanoona mapurogiramu ebroadcasting anobuda mwedzi nemwedzi. Mapurogiramu aya anobuda kana ukaenda pawebsite yejw.org, paJW Library, pazvigadzirwa zvinokwanisa kuita stream, kana kuti kushandisa satellite. c Asi mune dzimwe nyika, vanhu vaJehovha vachiri kushandisa redhiyo neTV pabasa rekuparidza. Vanozviita sei?

Purogiramu yekutanga yeJW Broadcasting, yaOctober 2014

 Mumakore achangobva kupfuura, sangano raJehovha rakashandisa nhepfenyuro dzeparedhiyo nepaTV dzemamwe makambani pakutepfenyura misangano yeungano vhiki nevhiki pamwe chete nemagungano emunharaunda munzvimbo dzinonetsa indaneti. Vanhu vakawanda chaizvo vasiri Zvapupu, kusanganisira vanoda kudzidza zvakawanda nezveBhaibheri vainzwa shoko raMwari richitsanangurwa paredhiyo nepaTV. Semuenzaniso, kubva muna 2021 kusvika muna 2022, maneja weimwe nhepfenyuro yeparedhiyo akaudza hofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha reEast Africa kuti vanhu vakawanda vasiri Zvapupu vaitenda chaizvo misangano yedu yaibudiswa paredhiyo. Vanhu vakawanda vaiteerera kuKenya, South Sudan, uye Tanzania vakatokumbira kuti mumwe munhu auye kuzodzidza navo Bhaibheri.

 Asi nzira huru dzinonyanya kushandiswa neZvapupu zvaJehovha pakuparadzira shoko reUmambo munyika yese kuparidza paimba neimba, kushandisa zvingoro zvemabhuku, uye website inonzi jw.org. Website yedu inoita kuti vanhu vanoda havo vakwanise kuverenga Bhaibheri nemamwe mabhuku, zviri nyore mumitauro inopfuura 1 080 vasingabhadhari. Vanogonawo kuwana mhinduro dzemibvunzo yavanenge vainayo nezveBhaibheri uye kuziva nguva nenzvimbo kwavanogona kupindira misangano yechiKristu. Nemhaka yekushandisa nzira idzi, Zvapupu zvaJehovha zviri kuita kuti zvive nyore kuti vanhu vadzidze mashoko akanaka eUmambo kupfuura nakare kwese! Zvechokwadi, mashoko akanaka eUmambo ari kuparidzwa “munyika yese,” sezvakagara zvataurwa neBhaibheri.—Mateu 24:14.

a Muna 1931 Vadzidzi veBhaibheri vakatanga kushandisa zita rekuti Zvapupu zvaJehovha.

b Kwenguva yakati, Zvapupu zvaJehovha zvaiva nenhepfenyuro dzazvo dzeparedhiyo munyika dzakadai seAustralia uye Canada.