KUBVA MUDURA RENHOROONDO YEDU
Sangano Remagariro Evanhu Raidzidzisa Chokwadi cheBhaibheri
Vadzidzi veBhaibheri, avo vakazozivikanwa seZvapupu zvaJehovha, vakatanga kuparidza zvakarongeka muMexico muna 1917. Mumakore akatevera, mazana evanhu akatanga kunamata Jehovha. Asi pairwiwa Hondo Yenyika II, hurumende yeMexico yaisafara nenzvimbo dzataiparidza tiri uye nezvivakwa zvataipindira misangano yedu.
Panguva iyoyo, mutemo wemuMexico waiti mabasa ese ekunamata aifanira kuitirwa muzvivakwa zvehurumende. Izvi zvaiita kuti zviome nekuti taipindira magungano edu muzvivakwa zvisiri zvehurumende, taipindira misangano yedu mudzimba dzezvimwe Zvapupu zvaJehovha uye taiparidzira mumigwagwa uye paimba neimba.
Kuti titeerere mutemo uyu, muna 1943 sangano redu rakanyoreswa sesangano risingaiti zvebhizinesi rinoona nezvemagariro evanhu uye rinobatsira kudzidzisa vanhu kuitira kuti vavandudze upenyu hwavo. Izvi zvaireva kuti taizopiwa kodzero dzesangano remagariro evanhu kwete dzesangano rechitendero. Saka takanga tava kukwanisa kuparidza nekuungana munzvimbo dzakawanda, kwete muzvivakwa zvehurumende chete.
Mabasa edu aisanganisira mapurogiramu aiva nechekuita nemagariro evanhu uyewo ekudzidzisa vanhu. Saka tainyatsoita zvaitarisirwa nehurumende kumasangano anoona nezvemagariro evanhu. (VaRoma 13:1) Asi chinangwa chedu chakaramba chingori chekudzidzisa vanhu chokwadi cheBhaibheri. (Isaya 48:17, 18) Hazvina kutitorera nguva kuti tione kuti Jehovha aikomborera urongwa uhwu. Sekutaura kunoita Zvapupu zvakawanda, urongwa hwacho hwakabatsira vanhu vakawanda kuti vauye muchokwadi.
Kuchinja Maitiro Ataiita Ushumiri Hwedu
Basa guru rataiita muMexico raiva rekuparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari. Asi kungofanana nezvakaitwa nemuapostora Pauro, takachinja maitiro ataiita ushumiri hwedu kuti aenderane nezvakanga zvavapo. (1 VaKorinde 9:20-23) Semuenzaniso, Pauro paakataura nevarume vekuAtene paAreyopago, haana kutaura zvakananga nezveMagwaro. (Mabasa 17:22-31) Ndizvo zvataiitawo pakuparidza. Taisaenda nemaBhaibheri uye taisatombotaura nezvaro pataitanga kutaura nevanhu.
“Taiudza vanhu kuti tiri vamiririri vesangano rinoona nezvedzidzo uye magariro evanhu,” anodaro Isabel. “Kakawanda ndaitaura nezvenyaya dziri muMukai! dzaisataura nyaya dzeBhaibheri zvakananga.” Ko kana saimba akaratidza kuti aida kuziva zvakawanda nezvaMwari? Taibva tamuudza chokwadi chiri muBhaibheri. Aurora anoti: “Sezvo taisatakura maBhaibheri, taifanira kutobata mavhesi akawanda nemusoro.” Vanhu vataikurukura navo vaifara chaizvo pataishandisa maBhaibheri avo.
Kubatsirwa neMakadhi Kuti Tiparidze Paimba Neimba
Taigara takagadzirira kutsanangurira vanhu vaisava nechokwadi chekuti basa redu raibvumidzwa here nemutemo. (VaFiripi 1:7) Makadhi ataiva takapiwa nehurumende aibatsira chaizvo. a “Taigara nemakadhi ainge akasainwa neMunyori weBazi Rinoona nezveKudyidzana neDzimwe Nyika,” anodaro María. Samuel anoti: “Vashandi vehurumende pavaitibvunza kuti takanga tiri kuitei, taibva tabudisa makadhi edu.”
Makadhi iwayo akatibatsira chaizvo pataipikiswa. Semuenzaniso, Jesús, uyo aishumira muJalisco State, akati: “Muna 1974 imwe mhomho yevanhu yaitungamirirwa nemumwe mupristi yakatitora, ini nemumwe murume nemudzimai wake vakatiendesa kumapurisa vachida kuti tirege kuita basa redu. Patakangoratidza mapurisa makadhi edu, munhu wese akabva adzikama. Mutemo wakatibatsira kuti tikwanise kuramba tichibatsira vanhu vanofarira munharaunda iyoyo. Pari zvino, muguta iroro mune ungano dzakawanda.”
Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Uye Kuvadzidzisawo Kuverenga Nekunyora
Sesangano raisimudzira zvedzidzo, taidzidzisa vanhu kuverenga nekunyora tisingavabhadharisi. b “Urongwa uhwu hwakauya panguva chaiyo,” inodaro imwe hama inonzi Ariel. “Panguva iyoyo, vanhu vakawanda vakanga vasina kuenda kuchikoro, asi vaida chaizvo kuverenga Bhaibheri. Taivadzidzisa kuverenga nekunyora, uye pasina nguva, vakawanda vavo vaibva tanga kudzidza Bhaibheri nesu.”
Imwe hanzvadzi inonzi Ruth inoti: “Vaingoti vakatanga kugona kuperengera, vaisazombodzoka shure. Kudzidza kuverenga nekunyora kwaiita kuti vanzwe kuti vaita chimwe chinhu chinokosha uye kwaiita kuti vafare. Pashure pekunge vava kugona kuverenga nekunyora, taivaona vachitora matanho ekuwedzera kuswedera pedyo naJehovha.”
Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvakanyoreswa sesangano rinoona nezvemagariro evanhu kubva muna 1943 kusvika muna 1993. Mumakore aya, takabatsira vanhu vanopfuura 127 000 kuti vagone kuverenga nekunyora, uye vanopfuura 37 000 kuti vavandudze manyorero nemaverengero avo. Hurumende yakarumbidza zvatakaita pakubatsira vanhu kudzidza kuverenga nekunyora. (VaRoma 13:3) Semuenzaniso, muna 2010 vakatipa mubayiro vachitenda “kushanda nesimba kwatakaita kwemakumi emakore tichibatsira zviuru zvevanhu muMexico yese kuti vadzidze kuverenga nekunyora.”
Misangano Yedu
Nemhaka yemanyoreserwo akaitwa sangano redu, nzvimbo dzataiunganira kuti tiite misangano yedu dzainge dzakagadzirwa semakirasi uye taidziti Dzimba Dzekudzidza nezveMagariro Evanhu. Taipindira misangano yedu imomo uye ndimo mataidzidzisirawo vanhu kuverenga nekunyora.
Imwe hama inonzi Ángel inoti: “Kazhinji nzvimbo idzi dzaiva padzimba dzehama, uye vakawanda vavo vaiva varombo. Ndaivayemura chaizvo. Vaizvipira kuti chimwe chikamu cheimba yavo chishandiswe kupindira misangano ivo vogara vakamanikidzana mune chimwe chikamu.”
Kuzvipira seizvi kwaikosha chaizvo. Achitaura nezvemisangano yeungano, Ángel anoti: “Dzimwe nguva, vanhu vaiuya vakawanda chaizvo zvekuti vamwe vedu taitomira panze. Taiita zvekudongorera nepamahwindo kuti tikwanise kupindurawo. Asi tainakidzwa chaizvo nemisangano.”
Kuti tisazvipinza mumatambudziko, taisaimba kana kunyengetera zvinonzwika pamisangano yedu. Imwe hama inonzi Edmundo inoti: “Paipiwa Hurukuro Yemagariro Evanhu, yava kunzi hurukuro yavose, vakurukuri vaitaura kushanda kunoita mazano eBhaibheri kuti vabatsire vateereri kuvandudza upenyu hwavo.” Nekufamba kwaiita nguva, takatomira kushandisa mazita emabhuku eBhaibheri. Vateereri vaiziva sei magwaro anenge achitaurwa nemukurukuri? Imwe hama inonzi Manuel yakatipa muenzaniso. Yakati: “Pane kuti Zvakazarurwa chitsauko 21, vhesi 3 ne4, taiti, ‘Bhuku rechi66, 21, 3 ne 4.’” Chimwe Chapupu chinonzi Moises, chakawedzerawo kuti: “Izvi zvaireva kuti taitofanira kuziva manhamba anoenderana nemabhuku eBhaibheri kuti tikwanise kuwana mavhesi anenge achitaurwa.”
Zvidzidzo Zvatinowana Kubva Panhoroondo Yedu yemuMexico
Zvizhinji zvaiitwa nesangano redu muMexico zvakanga zvakangofanana nezvaiitwa nesangano redu mune dzimwe nyika. Kunyange zvazvo paiva nezvimwe zvinhu zvatairambidzwa kuita, zvaiva pachena kuti Jehovha aikomborera basa redu. Patakanyoresa sesangano rinoona nezvemagariro evanhu muna 1943, muMexico maiva nevaparidzi 1 565. Takazonyoreswa zviri pamutemo sesangano rechitendero muna 1993. Gore iroro, avhareji yevaparidzi yakasvika 366 177. Basa rakaitwa neZvapupu izvi rakatoita kuti vanhu vakawanda vauye muchokwadi. Pakazosvika gore ra2021, avhareji yevaparidzi muMexico yakanga yawedzera kusvika 864 633. Zvidzidzo zvipi zvatinowana kubva panhoroondo iyi?
Panomuka zvinhu zvinovhiringidza basa redu, chinja kuti uite zvinoenderana nemamiriro ezvinhu anenge avapo. MuMexico, kuita izvi kwakabatsira kuti tikwanise kuita basa redu zviri pamutemo kwemakore 50. “Dzimwe nguva ndainetseka kuti nei taisakwanisa kunamata Jehovha sezvaiitwa nehama dzedu mune dzimwe nyika,” inodaro imwe hama inonzi Mario. “Asi handina kumbobvira ndanzwa mumwe munhu achiratidza kusava nechokwadi nezvataiudzwa nesangano. Tainyatsoziva kuti Jehovha aitungamirira sangano rake. Saka taiteerera zvese zvataiudzwa.”
Isa pfungwa pabasa raJehovha. “Taigara takabatikana mubasa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi zvekuti hapana chimwe chinhu chatainetseka nacho,” inodaro imwe hanzvadzi inonzi Guadalupe. “Taifara zvikuru kuti takanga tichishumira Jehovha. Izvozvo ndizvo zvaikosha kupfuura chero chii zvacho.”
Gara uri pedyo nevamwe vaKristu. “Zvinhu zvataisakwanisa kuita paDzimba Dzekudzidza nezveMagariro Evanhu, zvakadai sekuimba nziyo dzeUmambo, taizviitira mudzimba dzedu,” inodaro imwe hanzvadzi inozi Anita. “Taigara takabatana uye taiita nguva yakawanda tichitandara tiri pamwe chete. Pataiungana tichitandara, taigara tichikurukura zvinhu zvine chekuita nekunamata kwedu.”
Imwe hama inonzi Florentino inotaura nezvenguva iyi ichiti: “Pandinoyeuka zvakaitika kare, ndine chokwadi chekuti zvese zvakaitika zvaiva nechinangwa uye zvakatidzidzisa zvinhu zvinokosha. Zviri pachena kuti pasinei nekuti basa redu raipikiswa, Jehovha aitungamirira zvinhu.”
a Makadhi aya aingova ekuti vazivikanwe kuti vaiva vanaani. Magwaro haatsigiri pfungwa yekuti muKristu apiwe mvumo yepamutemo yekuti aparidzire vavakidzani vake chokwadi cheBhaibheri. Iye zvino, Zvapupu zvaJehovha hazvitsvagi makadhi akadaro.
b Maererano neimwe ongororo yakaitwa, mumakore ekuma1940 nekuma1950, inenge hafu yevanhu vemuMexico yaisagona kuverenga nekunyora.
Zvapupu zvaJehovha zvakabata “Nharireyomurindi” yeSpanish zviri panze peimba yavaiitira misangano muna 1952. Chikwangwani chacho chakanyorwa nechiSpanish kuti: “Imba Yekudzidza nezveMagariroEvanhu.”
Zvapupu zviri pahofisi yebazi muMexico City muna 1947. Pane chikwangwani chakanyorwa nechiSpanish kuti: “The Watchtower, Sangano Remagariro Evanhu”
Zvapupu zviviri zvichipa mumwe murume magazini yechiSpanish yeNharireyomurindi kunharaunda yekumamisha eHidalgo, Mexico, muna 1959
Hurumende yaipa Zvapupu makadhi azvaishandisa pazvinenge zvichidiwa muushumiri
Muna 2010, Munyori mubazi rehurumende Rinoona nezveDzidzo muMexico rakapa Zvapupu zvaJehovha mubayiro nemhaka yekudzidzisa kwavakaita vanhu kuverenga nekunyora
Kunyoreswa kwakanga kwakaitwa Zvapupu sesangano rinoona nezvemagariro evanhu kwakavabatsira kuti vaite magungano akakura akadai segungano iri reInternational Cultural Assembly muna 1969