Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KUBVA MUDURA RENHOROONDO YEDU

Vakaramba Vakasimba Pakunamata Panguva Dzakaoma

Vakaramba Vakasimba Pakunamata Panguva Dzakaoma

 Pakapera Hondo Yenyika II, chikamu chakakura cheEurope chakanga chaparadzwa. Asi chinofadza ndechekuti Zvapupu zvaJehovha nevamwewo vanhu vakanga vasunungurwa kubva mumisasa yevasungwa yeNazi. Kunyange zvakadaro, upenyu hwakanga huchakavaomera. Vanhu vaJehovha vaishayiwa zvekudya, zvekupfeka, pekugara nezvimwewo zvinhu zvinodiwa pakurarama sezvaingoitawo vamwe. Hanzvadzi Karin Hartung vakati, “Nekunetsa kwaiita pekugara munhu wese aitofanira kugara nehama dzake mumba make kana kuti kurendesa imba yake.” Semuenzaniso, hanzvadzi Gertrud Poetzinger, avo vaimbova mumisasa yevasungwa kwemakore 7 nehafu, vakambogara munzvimbo yaichengeterwa maturusi uye vairara vakagara pacheya. a

 Zvii zvaiitwa nesangano raJehovha kuti ribatsire hama nehanzvadzi dzaiva munzvimbo dzainge dzaparadzwa nehondo? Uye zvii zvatinodzidza kubva kuhama nehanzvadzi dzakararama panguva iyoyo yainge yakaoma pakapera hondo?

Kuita Kuti Hama Nehanzvadzi Dziwane Zvekurarama Nazvo

 Sangano raJehovha rakakurumidza kubatsira vanhu vaMwari vaiva kuEurope. Hama Nathan Knorr nahama Milton Henschel vaiva kumahofisi makuru vakashanyira hama nehanzvadzi kuti vaone kuti zvii zvavaida pakurarama. Kubva muna November kusvika muna December 1945, vakaenda kuEngland, Switzerland, France, Belgium, Netherlands, Denmark, Sweden, Finland, nekuNorway. Hama Knorr vakati, “Kuno tazvionera tega kuti hondo yakaparadza zvakadii muno muEurope.”

Hama Nathan Knorr vachitaura neZvapupu muHelsinki, kuFinland, musi wa21 December, 1945

 Hama Knorr vakarambidzwa kupinda muGermany panguva iyoyo. Asi hama Erich Frost, avo vaitungamirira pakuronga basa raiitwa pamahofisi ebazi muGermany vakakwanisa kubuda muGermany kuti vanoonana navo kwavaiva. b Hama Erich vakati, “Hama Knorr vakatipa mazano anobatsira uye vakativimbisa kuti taizotumirwa zvekudya nezvekupfeka. Pasina nguva, takatumirwa zvinhu zvakawanda zvakadai sefurawa, mafuta, nezvimwewo. Hama dzaiva kune dzimwe nyika dzakatumirawo mabhokisi mahombe ehembe dzaisanganisira, masutu, hembe dzemukati, nebhutsu.” Hama dzakachema padzakagamuchira zvinhu izvi. Mumwe mushumo unotiwo, “Zvapupu hazvina kungotumira zvinhu izvi kamwe chete. Vakaita makore maviri nehafu vachitumira zvinhu zvekuyamura!” c

Zvapupu zvekuUnited States zvichirongedza hembe dzekunopa vanoshayiwa kuEurope

Vakaramba Vakaisa Pfungwa Pakushumira Jehovha

 Zvinhu pazvaiita nani, hama dzakaramba dzakaisa pfungwa pakushumira Jehovha. Chii chakavabatsira kuti vadaro?

Hama Jürgen Rundel (kumberi nechekuruboshwe) muna1954 vaine hama dzemuungano yeSpittal an der Drau kuAustria

 Vaigara vachidzidza Bhaibheri, vachipinda misangano yeungano uye vachiita basa rekuparidza. (VaEfeso 5:15, 16) Hondo yakaita kuti mabhuku edu anetse kuwana, uye izvi zvakambovhiringidza kunamata kweZvapupu. Asi pakapera hondo, misangano yeungano yakatanga kuitwa nguva dzese, pamwe chete nebasa rekuparidza. Hama Jürgen Rundel, avo vanogara kuAustria vanoti: “Takakurudzirwa nevatariri vematunhu uye nechinyorwa chainzi Informant d kuti tigare tichiita zvinhu zvekunamata.” Takaisa pfungwa pana Jehovha, Jesu, pakudzidza Bhaibheri, uye kuparidza. Pakanga pasina zvinhu zvaigona kutidyira nguva zvakadai semaTV.”

 Hanzvadzi Ulrike Krolop vanoti: “Ndinoyeuka kufara kwandaiita pandaidzidza zvakadzama imwe nyaya ine chekuita neBhaibheri. Murume wangu aiita zvakanaka chaizvo panyaya yekudzidza. Pese pataigamuchira magazini itsva yeNharireyomurindi, aibva ambosendeka zvimwe zvinhu zvese oidzidza.” Karin, watambotaura nezvake anoti: “Munguva yehondo, takaona kuti unogona kungosara usisina zvinhu zvese zvawakashandira. Asi tairamba tichiwana zvataida pakunamata kunyange zvazvo zvaiva zvishoma. Jehovha akakomborera vashumiri vake vakatendeka.”

Ulrike Krolop

 Vakatangazve kuparidza. (Mateu 28:19, 20) Hondo yakaita kuti vanhu vaJehovha vashaye rusununguko rwekuparidza uye kudzidzisa vanhu. Hama inonzi Friedhelm inoti hondo payakangopera, “munhu wese akabva angotangazve kuparidza.” Hanzvadzi Ulrike vanoti: “Chapupu chakatanga kuparidzira murume wangu chainge chichakapfeka hembe dzemujeri! Zviri pachena kuti akatanga kuparidza paakangobudiswa mujeri.” Hama Jürgen vanoti, “Tingatoti munhu wese aishingaira kuparidza pakapera hondo. Vechidiki vakawanda vakatanga basa renguva yakazara.”

 Hanzvadzi Ulrike vanoti “Kurarama mumaguta makanga makabhombwa muhondo kwaiva kwakaoma.” Vakawanda vaigara muzvivakwa zvakadhirika! Zvapupu zvaiwana sei vanhu ivavo kuti zvivaparidzire? Hanzvadzi Ulrike, avo vanobva mumhuri yakazowana chokwadi hondo yapera vanoti: “Taitarisa maiva nerambi kana kuti paiva nechimini yaipfungaira utsi.”

 Vaikurudzirana. (1 VaTesaronika 5:11) Munguva yehondo, Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvaiitirwa utsinye. Pakapera hondo, havana kuramba vachingonetseka nemabatirwo avakaitwa, asi vakakurudzirana. Kutenda kwavo “kwakaedzwa” kwakaita kuti vafare zvikuru. (Jakobho 1:2, 3) Hama Johannes avo vava kugara kuUnited States vanoti: “Mutariri wedu wedunhu, uyo akambogara mumisasa yevasungwa akataura nezvekubatsirwa kwavakaitwa naJehovha. Izvi zvakatikurudzira chaizvo uye zvakasimbisa kutenda kwedu.”

 Hama Johannes vanoti, ‘Pakapera hondo, chimwe chinhu chakaita kuti hama nehanzvadzi dzedu dzirambe dziine ushamwari hwakasimba naJehovha, kuyeuka kuti akavabatsira sei mumisasa yevasungwa uye kuti akapindura sei minyengetero yavo.’ Sezvambotaurwa, Zvapupu zvainge zvasunungurwa zvakaramba zvichiita zvinhu zvakadai sekuverenga Bhaibheri, kupinda misangano yechiKristu, uye kuparidza. Hanzvadzi Elisabeth avo vakapinda gungano muNuremberg, muna 1946, vakati hama nehanzvadzi dzakasunungurwa dzainge “dzakaonda uye dzichiratidza kuti hadzina simba, asi ‘dzaipisa nemweya’ pakutaura zvakaitika padzaiva vasungwa.”—VaRoma 12:11.

Karin Hartung

 Vakaramba vakabatana nevamwe vaKristu. (VaRoma 1:11, 12) Panguva yehondo, Zvapupu zvaisakwanisa kuungana pamwe chete zvakasununguka nemhaka yekutambudzwa kwakaipisisa. Hanzvadzi Karin vanoti, “Vaishanyirana pano neapo kuitira kuti vasabatise vamwe vaKristu.” Asi zvinhu zvakachinja pakapera hondo. Hama Friedhelm vakati, “Hama nehanzvadzi dzaiedza zvese kuti dziite zvinhu pamwe chete. Vaipinda misangano yeungano uye vaiita basa rekuparidza nguva dzese.”

 Mumwe mukuru wekuGermany anonzi Dietrich anoyeuka kuti “hondo payakapera paingova neZvapupu zvishoma zvaiva nemota. Saka taifamba netsoka kuenda kumisangano. Asi taifamba takawanda. Kuita zvinhu zvedu pamwe chete seizvi kwaiita kuti tiwedzere kubatana. Taiita sekuti tiri mhuri imwe chete.”

Zvatinodzidza

 Mazuva ano, vashumiri vaJehovha vakawanda vari kutambura nemhaka yenjodzi dzinongoitika dzega, zvirwere, hondo, kutambudzwa, uye kudhura kwezvinhu. (2 Timoti 3:1) Asi hatifaniri kunyanya kunetseka. Nemhaka yei? Zvakaitika kuhama nehanzvadzi dzedu kuGermany panguva yehurumende yeNazi zvinotibatsira kuona kuti Jehovha haasi kuzotisiya mumazuva ekupedzisira atiri kurarama. Ngativei nemaonero aiva naPauro uyo akanyora kuti: “[Ngativei] vakanyatsoshinga tichiti: ‘Jehovha ndiye mubatsiri wangu; handizotyi. Munhu angandiitei?’”—VaHebheru 13:6

a Kuti unzwe nezvahanzvadzi Poetzinger verenga nyaya yavo yeupenyu yakanzi, “Putting the Kingdom First in Postwar Germany.”

b Kuti unzwe nezvahama Frost verenga nyaya yavo yeupenyu yakanzi, “Deliverance From Totalitarian Inquisition Through Faith in God.”

c Kuti unzwe zvakawanda nezvebasa rekuyamura raiitwa pakapera Hondo Yenyika II, verenga nyaya yakanzi “Vakapa Zvakanakisisa Zvavaiva Nazvo,” pamwe chete nemabhokisi ari papeji 211, 218, uye 219 mubhuku raUmambo hwaMwari Huri Kutonga!

d Mazuva ano ungano dzava kushandisa Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa.