Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KUBVA MUDURA RENHOROONDO YEDU

Kubatsira Vanhu Kuverenga Nekunyora

Kubatsira Vanhu Kuverenga Nekunyora

 Agostinho wekuBrazil anoti, ‘Ndakakurira papurazi, uye tainge tiri varombo. Ndakatosiyira chikoro panzira kuti ndibatsire vabereki vangu pakuriritira mhuri yedu.’ Agostinho akatozotanga kugona kuverenga nekunyora ava nemakore 33. Anoti, “Izvi zvakandibatsira kuti ndinzwewo semunhu kana ndiri pane vamwe.”

 Agostinho mumwe wevanhu vanoda kusvika 250 000 vakadzidziswa kuverenga nekunyora neZvapupu zvaJehovha mumakore 70 adarika. Nei Zvapupu zvaJehovha zvichiita makirasi aya? Vanhu vakabatsirwa sei nedzidzo iyi?

Kudzidza Kunooma Kana Usingakwanisi Kuverenga Nekunyora

 Pakazosvika gore ra1935, Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvava kuparidza munyika 115. Kuti vakwanise kubatsira vanhu vaitaura mitauro yakasiyana-siyana, mamishinari airidza mharidzo dzeBhaibheri dzakanga dzakarekodhwa, uye dzimwe nguva vaipa vanhu mabhuku anotsanangura Bhaibheri mumitauro yemunzvimbo yacho. Kunyange zvazvo vanhu vakawanda vairatidza kuti vaida zveBhaibheri, kusakwanisa kuverenga nekunyora kwaiita kuti vakawanda vaomerwe.

 Nechikonzero chekutadza kuzviverengera vega Bhaibheri, vanhu vaiomerwa nekuona kuti vangashandisa sei zvinotaurwa neBhaibheri muupenyu hwavo. (Joshua 1:8; Pisarema 1:2, 3) Vaisanganawo nematambudziko pakuita mabasa avo echiKristu. Semuenzaniso, kana vabereki vasingakwanisi kuverenga, raitozova basa chairo kudzidzisa vana vavo. (Dheuteronomi 6:6, 7) Uye Zvapupu zvitsva zvaisakwanisa kuverenga zvaitadza kuzoshandisa Bhaibheri pakudzidzisa vamwe.

Kutanga Urongwa Hwekudzidzisa Vanhu Kuverenga Nekunyora

 Kumakore ekuma1940 nema1950, Nathan H. Knorr naMilton G. Henschel, avo vaitungamirira basa reZvapupu zvaJehovha, vakafamba munyika dzakawanda kuti vabatsire kuronga basa rekuparidza. Munyika dzaiva nevakawanda vaisakwanisa kuverenga nekunyora, vakakurudzira mahofisi ebazi emo kuti atange makirasi ekudzidzisa vanhu muungano.

Bhuku rinobatsira pakuverenga Cinyanja rinobudiswa pagungano muChingola, kuZambia, muna 1954

 Mahofisi emapazi aizotumira ungano mirayiridzo yekuti makirasi acho aizoitwa sei. Mune dzimwe nyika, hurumende dzaitova nemapurogiramu aigona kushandiswa. Semuenzaniso muBrazil, hofisi yebazi yakagamuchira zvekushandisa uye mabhuku kubva kuhurumende ndokuzvitumira kuungano. Mune dzimwe nyika Zvapupu zvaifanira kutoronga purogiramu yavo vega yekudzidzisa vanhu kuverenga nekunyora.

 Makirasi aya aiva evarume zvese nevakadzi, vadiki nevakuru. Chinangwa chaiva chekubatsira vadzidzi kuti vakwanise kuverenga mumutauro waamai, kunyange zvazvo izvi zvaireva kudzidzisa mitauro yakawanda muungano imwe chete.

Purogiramu Inobatsira Vanhu

 Vanhu vakabatsirwa sei nepurogiramu yekudzidza kuverenga nekunyora? Chapupu chekuMexico chinoti: “Iye zvino ndava kukwanisa kunzwisisa zvinorehwa neBhaibheri, uye rava kunyatsondisvika pamwoyo. Kukwanisa kuverenga kwakandibatsira kuti ndigone kutaura nevavakidzani vangu ndakasununguka, uye ndakakwanisa kuudza vanhu vakawanda zvinotaurwa neBhaibheri.”

 Kudzidza kuvenga nekunyora kune zvimwewo zvakwakabatsira kuwedzera pakubatsira vanhu kunzwisisa Bhaibheri. Isaac wekuBurundi anoti: “Kudzidza kuverenga nekunyora kwakandibatsira kuti ndidzidzire mabasa ekuvaka. Iye zvino kuvaka ndiro ratova basa rangu, uye ndava kutotungamirira pamabasa makuru ekuvaka.”

Vanhu vari kudzidziswa Chichewa paImba yeUmambo muLilongwe, kuMalawi, muna 2014

 Jesusa wekuPeru aiva nemakore 49 paakatanga kupinda makirasi ekudzidza kuverenga nekunyora. Anoti, “Semudzimai, ndinofanira kuziva mitengo yezvinhu uye mazita ezvinhu muzvitoro. Kare zvainge zvakandiomera. Asi makirasi aya akandibatsira kuti ndikwanise kunotenga zvinhu zvemhuri yangu ndisina kana chekutya.”

 Kwemakore akawanda, vakuru vakuru vemunyika dzakawanda vakarumbidza Zvapupu zvaJehovha nebasa ravaita pakuita kuti vanhu vawedzere kudzidza kuverenga nekunyora. Mazuva ano, Zvapupu zvaJehovha zvichiri kuita makirasi ekudzidzisa kuverenga nekunyora, vachishandisa mapurogiramu nematurusi anga achivandudzwa nekufamba kuri kuita makore. Vakagadzirawo nekuprinda mabhuku anoda kusvika 224 miriyoni mumitauro 720 kuti vabatsire vanhu kudzidza kuverenga nekunyora. a

a Muenzaniso ndewebhuku rinonzi Shingairira Kuverenga Nokunyora rinowanikwa mumitauro 123, uye bhuku rinonzi Teerera Mwari rinowanika mumitauro 610.