Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KUBVA MUDURA RENHOROONDO YEDU

Zvapupu zvaJehovha muNew Zealand VaKristu Vane Runyararo Uye Vakazvipira Here?

Zvapupu zvaJehovha muNew Zealand VaKristu Vane Runyararo Uye Vakazvipira Here?

 Vane Runyararo Uye Vakazvipira Here?

 Musi wa21 October 1940, hurumende yeNew Zealand yakati Zvapupu zvaJehovha vaiva sangano rinopandukira uye rine ngozi. Pasinei nematambudziko akazouya zvichibva pachisarudzo ichi, Zvapupu zvaJehovha zvakaramba zvakashinga. Semuenzaniso, vakaramba vachiungana kuti vanamate pasinei nekuti vaigona kuzotorerwa zvinhu kana kusungwa.

 Andy Clarke, murume wechimwe Chapupu chinonzi Mary, akaona kushinga kwaiva kwakaita mudzimai wake kuramba achipinda misangano pasinei nekurambidzwa kwacho. Aityira kuti mudzimai wake aizosungwa vari pamisangano. Saka Andy akabva atanga kupindawo misangano naMary achibva amuudza kuti, “Kana vakakusunga, vachatosungawo neni!” Kubva ipapo Andy haana kuzomborega kupinda misangano. Nekufamba kwenguva akabhabhatidzwa seChapupu. Kushinga kwakanga kwakaita Mary panguva iyi, ndiko kwainge kwakaitawo Zvapupu zvakawanda muNew Zealand panguva yairwiwa Hondo Yenyika II.

Kuparidzira Mujeri

 Rimwe zuva mapurisa akamisa John Murray aiva nemakore 78 paakanga achitaura nezveBhaibheri paimba neimba. Dare rakamuti ane mhosva yekuita mabasa esangano rainge rarambidzwa. Zvimwe Zvapupu zvakawanda zvakaunzwa kudare; vamwe vakabhadhariswa faindi, vamwe vakaiswa mujeri kweinenge mwedzi mitatu.

 Zvapupu zvairamba kuita mabasa echiuto nekuti hana dzavo dzakadzidziswa neBhaibheri dzaisavabvumira. (Isaya 2:4) Izvi zvakaita kuti vatambure chaizvo munguva yehondo sezvo vakawanda vainzi vaende kuhondo. Panguva yese yairwiwa hondo, Zvapupu zvinenge 80 zvakaendeswa kumajeri nekuti havana kubvuma kupinda muchiuto. Hama idzi dzakaramba dzichinamata Jehovha dzichifara pasinei nekushungurudzwa uye kutonhorwa zvakanyanyisa kwavaiita mumwaka wechando.

 Zvapupu zvaiva muusungwa zvakakurumidza kuronga kuti zvirambe zvichinamata. Vakaumba ungano, vachiita misangano nguva dzese uye vakaronga kuti vaparidzire vamwe vaiva mujeri. Mune mamwe majeri, Zvapupu zvacho zvakatobvumirwa kuita magungano paine mupurisa mumwe chete aivarinda. Vamwe vasungwa vakadzidza chokwadi chiri muBhaibheri panguva iyi uye vakabhabhatidzwa.

Zvapupu zvaiva muusungwa zvakaronga Chikoro chaMwari cheUshumiri

 Bruce, mwanakomana mudiki waMary naAndy vambotaurwa patangira nyaya ino, akaona nguva yaainge akasungwa semukana wekudzidza zvakawanda nezvaMwari. Akati, “Kana ndiri ini, zvaiita sekunge ndiri kuchikoro nekuti ndaigona kudzidza zvakawanda pane zvaitaurwa nehama dzakakura pakunamata dzaiva mujeri.”

 Muna 1944 hurumende yakafunga kubudisa vamwe vaiva vakasungwa. Asi vakuru vemauto vakaramba nekuti vaiti kana Zvapupu zvikabudiswa zvaizoramba zvichiudza vamwe nezvezvinhu zvavanotenda. Tsamba yacho yaiti: “Kusunga vanhu ava kunogona kuvatadzisa kuita mabasa avo, asi kutenda kwavo hakumbofi kwakachinja.”

Havakanganisi Magariro Evanhu

 Nyaya yekurambidzwa kwebasa reZvapupu zvaJehovha yakaita kuti vanhu vakawanda vade kuziva kuti Zvapupu vambori vanhu vakaita sei. Nekufamba kwenguva vanhu vakawanda vakaona kuti Zvapupu zvaJehovha hazvikanganisi magariro evanhu. Asi kuti vatori vaKristu vane runyararo. Izvi zvakaguma nekuwedzera kweZvapupu muNew Zealand, kubva paZvapupu 320 mugore ra1939 kusvika pa536 muna 1945!

 Dzimwe nguva vakuru vehurumende vanonzwisisa vaiona kurambidzwa kweZvapupu sekusina musoro. Mumwe mejasitiriti, paaitonga nyaya yeimwe hama yakanga yawanikwa ichiparidzira, akati haana mhosva. Mejasitiriti wacho akati: “Ndaona zvisina musoro kufunga kuti kuparadzira mabhuku anotaura nezveBhaibheri kunzi kutyora mutemo.”

 Pakazobvumirwa basa redu hondo yapera, Zvapupu zvainge zvawedzera kutsunga kubatsira vamwe kudzidza nezveUmambo hwaMwari. Muna1945 hofisi yebazi yakanyorera ungano dzese dzemuNew Zealand kuti: “Mumwe nemumwe wedu ngaave akachenjera, ane ushamwari uye ane tsitsi kuvanhu vese. Musaita nharo kana kunetsana nevanhu. Yeukai kuti vanhu vatinoparidzira vane zvavanotenda nemwoyo wese uye vanozvikoshesa. . . . Vakawanda vacho makwai aIshe atinofanira kutungamirira kuna Jehovha uye kuumambo hwake.”

 Mazuva ano, Zvapupu zvaJehovha zviri kuramba zvichizivisa mashoko ari muBhaibheri kuvagari vemuNew Zealand uye kune vanoshanyira nyika iyi. Rimwe zuva mumaawa mashoma, Zvapupu 4 zvemuTurangi zvakataura nevanhu 67 vakanga vashanya vachibva kunyika 17!

 Zviri pachena kuti vanhu vekuNew Zealand vanoona Zvapupu zvaJehovha sevanhu vane runyararo, vaKristu vakatendeka vanokoshesa chokwadi chiri muBhaibheri. Gore negore zviuru zvevanhu zvinobhabhatidzwa seZvapupu zvaJehovha. Muna 2019, munyika iyi makanga mava neZvapupu 14 000 zviri kushumira Jehovha.

Musangano wekudzidza Bhaibheri wakaitwa pane imwe nguva basa redu rarambidzwa muna 1940

Zvitokisi zvinopinda munhu mumwe chete zviri pajeri rekuNorth Island kuNew Zealand

Jeri rinonzi Hautu riri kuNorth Island, kuNew Zealand

Zvapupu zvaiva mujeri muna 1949 nemhaka yekusapinda muchiuto