Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MASHANDISIRWO ARI KUITWA MARI YENYU YEZVIPO

Bhuku Rinobatsira Pakudzidza Bhaibheri Rakasiyana Nemamwe Ese

Bhuku Rinobatsira Pakudzidza Bhaibheri Rakasiyana Nemamwe Ese

1 APRIL 2022

 Muna January 2021, Dare Rinotungamirira rakazivisa nezvekubudiswa kwebhuku idzva rinobatsira pakudzidza Bhaibheri rinonzi Rarama Nekusingaperi Uchifara! a Wakanzwa sei pakapiwa chiziviso ichi? Matthew, wekuCanada, anoti: “Ndakafara chaizvo! Uye ndakatowedzera kufara pandakateerera hurukuro uye pandakaona mavhidhiyo aitsanangura kuti nei bhuku iri rakabudiswa uye kuti zvii zvakanga zvaitwa kuti zvionekwe kuti rinoshandisika zvakanaka here. Ndakanga ndatononokerwa nekuriona uye nekurishandisa.”

 Bhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! rine nzira itsva yekuitisa zvidzidzo zveBhaibheri. Asi izvozvo handizvo chete zvinoita kuti bhuku iri risiyane nemamwe mabhuku ataimboshandisa. Kana uchishandisa bhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! rakaprindwa zvichida wakatoona kuti bhuku iri rinewo zvimwe zvinorisiyanisa nemamwe. Kuti tione kuti nei zvakadaro, ngationgororei kuti bhuku racho rakagadzirwa sei.

Bhuku Idzva Rakanyatsosiyana Nemamwe

 Pepa remhando yepamusoro. Nei paidiwa pepa remhando yepamusoro? Bhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! rine mifananidzo inopfuura 600, kureva kuti, inopeta kanenge ka10 mifananidzo iri mubhuku raBhaibheri Rinotidzidzisei? Uyewo mapeji ebhuku iri idzva anewo nzvimbo dzakawanda dzisina kunyorwa chinhu uyewo dzisina mifananidzo. Izvi zvinoita kuti pave nedambudziko iri: Kana pepa riri dete, mifananidzo inenge iri kuseri kwepeji inogona kuoneka nekune rimwe divi repeji. Kuti izvi zvisaitika, hama dziri muInternational Printing Department (IPD), kuWallkill, New York, U.S.A., dzakaedza marudzi mana emapepa atiri kushandisa pakuprinda kuti vaone kuti nderipi rinonyatsoita. Komiti Yekunyora yeDare Rinotungamirira yakaongorora pepa rimwe nerimwe ichibva yasarudza risingaonekeri zvakanyanya. Pepa iroro rinodhura kudarika pepa rinoshandiswa pamabhuku edu akawanda, asi vakasarudza iroro nekuti pepa iri rinoita kuti vadzidzi veBhaibheri vasavhiringidzwa nemifananidzo iri kune rimwe divi repepa pavanenge vachiverenga.

Peji riri kurudyi rinoratidza pepa rakashandiswa pabhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara!

 Kavha yakasiyana nemamwe. Kavha yakashandiswa pabhuku idzva yakaiswa inonzi matte laminate, iyo isinganyanye kupenya sezvinoita yakaiswa pakavha yemamwe mabhuku edu inonzi gloss laminate. Kavha yakashandiswa inoita kuti mufananidzo uri pakavha unyatsooneka zvakanaka. Izvi zvinobatsirawo kuti bhuku racho rirambe rakachengeteka kunyange kana rikashandiswa kakawanda. Asi matte laminate inodhura zvinopeta ka5 kavha yegloss laminate iri pane mamwe mabhuku. Saka mapazi akawanda akashanda pamwe chete pakutsvaga kwaisinganyanyi kudhura.

Kuisa purasitiki pamakavha

 Nei vakasarudza kushandisa zvinhu zvinodhura kudaro? Imwe hama inoshanda mudhipatimendi reIPD inoti: “Tinotarisira kuti bhuku iri richashandiswa kakawanda, saka tinoda kuti rirambe richitaridzika zvakanaka pasinei nekuramba richishandiswa.” Eduardo, uyo anoshanda muhofisi yekuprinda yekuBrazil anoti: “Tinofara chaizvo kuona kuti sangano raJehovha rakashandisa zvinhu zvemhando yepamusoro kuitira kuti bhuku iri ringe richitaridzika zvakanaka, rigare kwenguva refu uye rishandisike, asiwo zvichiitwa nenzira isingapambadzi mari yezvipo.”

Kuprinda Panguva Yechirwere cheCOVID-19

 Takatanga kuprinda bhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! muna March 2021. Kwaiva nechirwere cheCOVID-19 , saka basa racho rakanga rakati omei. Sezvo Bheteri raiva mulockdown, hapana hama dzekunze dzaikwanisa kuuya kuzobatsira pabasa rekuprinda uyewo zvakanga zvisingaiti kukoka hama kuti dziuye kuzoshanda dzichigara paBheteri. Izvi zvakaita kuti pasava nevashandi vakakwana vanoita basa rekuprinda uye dzimwe nzvimbo dzatinoshandisa pakuprinda dzakambovharwa pachitevedzerwa mitemo yehurumende.

 Matambudziko aya akakurirwa sei? Pazvakanga zvava kubvumirwa kuita basa rekuprinda, hama nehanzvadzi dzaiva mune mamwe madhipatimendi epaBheteri dzakakumbirwa kuti dzimbonobatsira pabasa rekuprinda. Joel uyo anoshanda mudhipatimendi reIPD anoti: “Kuzvipira kwavo uye chido chavo chekudzidza mamwe mabasa zvakabatsira chaizvo pakuita kuti basa raida kuitwa riitwe.”

 Pasinei nematambudziko iwayo, takatoprinda mamiriyoni emabhuku aRarama Nekusingaperi Uchifara! Kuti tikwanise kuita izvozvo paidiwa zvinhu zvakawanda zvinosanganisira maprinting plates, purasitiki inonamirirwa pakavha, mapepa, ingi, uye guruu. Pakazopera mwedzi 5 yekutanga yekuprinda, takanga tashandisa mari inopfuura US$2,3 miriyoni kutenga zvinhu zvinodiwa chete. Kuti tisapambadza mari, takangoprinda nhamba yemabhuku aidiwa neungano.

“Bhuku Iri Rakanyorwa Zvakanaka Chaizvo”

 Vadzidzisi veBhaibheri uye vavanodzidzisa vari kunzwa sei nezvebhuku iri idzva rinobatsira pakudzidza Bhaibheri? Imwe hama yekuAustralia inonzi Paul inoti: “Bhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! rinonakidza chaizvo kushandisa zvekuti ndinonzwa kufara pandinofunga nezvekuitisa zvidzidzo zveBhaibheri. Manyorerwo arakaitwa anoyevedza uye anoita kuti muite zvekukurukurirana. Rine mashoko akajeka, mibvunzo inoita kuti munhu ataure zviri pamwoyo, mavhidhiyo, mifananidzo, machati uye zvinangwa zvekuti mudzidzi ashandire. Bhuku iri rakanyorwa zvakanaka chaizvo zvekuti rinotondibatsira kuti ndivandudze madzidzisiro andinoita.”

 Mumwe mudzidzi weBhaibheri wekuUnited States anoti: “Ndinofarira chaizvo bhuku idzva iri. Mifananidzo irimo inondibatsira kunzwisisa pfungwa huru. Mavhidhiyo arimo anondibaya mwoyo uye anoita kuti ndishandise zvandinodzidza muupenyu hwangu.” Mudzidzi uyu anodzidza kaviri pavhiki uye anopinda misangano yeungano nguva dzese.

 Mamiriyoni emabhuku aRarama Nekusingaperi Uchifara! achiri kufanira kuprindwa mune mimwe mitauro. Kusvika pari zvino, Dare Rinotungamirira rakatobvumira kuti bhuku iri ribudiswe mumitauro 710, kureva kuti rinopfuura bhuku raBhaibheri Rinotidzidzisei? nemitauro 340.

 Mari yekuprinda inobva kupi? Tinoshandisa mari inopiwa kutsigira basa remunyika yese. Kakawanda kacho inopiwa pachishandiswa chikamu chakanzi donate.pr418.com. Tinokutendai chaizvo nerupo rwamuinarwo, izvo zvinotibatsira kuti tibudise mabhuku anotibatsira pakudzidzisa Bhaibheri kuitira vaya vanoda kudzidza nezvaJehovha uye vanoda ‘kunakidzwa neupenyu nekusingaperi.’—Pisarema 22:26.

a Rakabudiswa paJW Broadcasting papurogiramu yaiva chikamu chemusangano wepagore.