Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kirasi yeGiriyedhi muna 2017

MASHANDISIRWO ARI KUITWA MARI YENYU YEZVIPO

Chikoro cheGiriyedhi—Kubatsira Kwachinoita Vanhu Pasi Rese

Chikoro cheGiriyedhi—Kubatsira Kwachinoita Vanhu Pasi Rese

1 DECEMBER 2020

 Gore negore, vamwe vanenge vari mubasa renguva yakazara vanobva munyika dzakasiyana-siyana vanokokwa kuti vapinde Chikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi, chinoitirwa paWatchtower Educational Center iri kuPatterson muNew York. a Pachikoro ichi, vadzidzi vanodzidziswa kuti vangava sei neunyanzvi pamabasa akasiyana-siyana avanoita musangano raJehovha. Zvavanodzidziswa zvinovabatsirawo kuti vasimbise uye vatsigise ungano nemapazi pasi rese.

 Giriyedhi chikoro chinopindwa nevanhu vanobva pasi rese. Semuenzaniso, kirasi yechi147, yakaitwa muna 2019 yaiva nevadzidzi 56, vaibva munyika 29. Vadzidzi vanopinda chikoro cheGiriyedhi vanenge vari mubasa renguva yakazara zvimwe vachishanda paBheteri, vari vatariri vematunhu, mamishinari kana kuti mapiyona chaiwo.

 Chikoro cheGiriyedhi chinotanga kugadzirirwa pachiine nguva, vadzidzi vasati vatombotanga kudzidza. Semuenzaniso, Dhipatimendi Rinobatsira Vafambi Rekumahofisi Makuru rinotengera vanenge vakokwa kuchikoro matiketi endege. Pakirasi yechi147 yeGiriyedhi, mari yekufambisa yakashandiswa pane mudzidzi mumwe nemumwe aibva kune imwe nyika yaiva inenge US$1 075. Vadzidzi vaibva kuSolomon Islands vaifanira kukwira ndege 4 kuti vaende kuPatterson uye vaizokwira 3 pakudzokera kumba saka vakafamba makiromita anodarika 35 400! Mudzidzi mumwe nemumwe aida US$2 300 yekufambisa. Kuti vachengetedze mari, dhipatimendi iri rinoshandisa purogiramu yepakombiyuta kutsvaga matiketi akachipa. Kunyange kana vakawana anenge akachipa, vobva vabatira nzvimbo, vanoita mavhiki kana mwedzi vachingotarisa kuti vaone kana pane mamwe akachipa kupfuura iwayo. Dhipatimendi Rinobatsira Vafambi rinoshandisawo mapoints ekufamba nendege avanopihwa sezvipo kuti vatenge mamwe matiketi.

 Vadzidzi vakawanda vanenge vachidawo mavhiza kuti vapinde muUnited States. Dhipatimendi Remutemo Rekumahofisi Makuru ndiro rinobatsira vadzidzi kuti vawane mapepa ekufambisa anodiwa. Kuti mudzidzi mumwe nemumwe awane vhiza uye abhadhare zvimwe zvinodiwa panodiwa mari inenge US$510.

 Zvinodzidzwa nevadzidzi veGiriyedhi zvinotibatsira sei? Hendra Gunawan, anoshumira semukuru kuSoutheast Asia, ari muungano ine mhuri yakapinda chikoro cheGiriyedhi. Akati, “Ungano yedu yakanga isina mapiyona enguva dzese. Asi kubva pakauya mhuri iyi yakabva kuGiriyedhi, kushingaira uye kuzvipira kwavo kwakakurudzirawo vamwe kuti vatange kupayona. Imwe hanzvadzi yemuungano medu yakatozopinda Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo!”

 Sergio Panjaitan anoshanda paBheteri nevamwe vakapinda chikoro cheGiriyedhi kuSoutheast Asia. Akati, “Zvavakadzidza hazvina kungobatsira ivo chete asi zviri kutotibatsirawo. Vakadzidza zvakawanda! Kunyange zvakadaro havatsvagi kuda kuonekwa nekuti vanoziva zvakawanda asi vanotoudzawo vamwe zvavakadzidza. Izvozvo zvinoita kuti tese tirambe tichisimbiswa pakunamata.”

 Mari inodiwa kuti chikoro ichi chiitwe inobva kupi? Inobva pamari yezvipo inopiwa kuti itsigire basa remunyika yese. Yakawanda yacho inopiwa pachishandiswa donate.pr418.com. Tinokutendai chaizvo nekuzvipira kwamunoita kupa zvipo izvi zvinotsigira chikoro ichi chiri kubatsira vanhu pasi rese.

a Zvinhu zvinodzidzwa muchikoro ichi zvinogadzirwa neDhipatimendi Rezvikoro Zvesangano riri pasi peKomiti Yekudzidzisa yeDare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha. Vadzidzisi vechikoro ichi vanotorwa kubva mudhipatimendi iroro uyewo pane vamwe vanenge vasiri mudhipatimendi iri asi vokumbirwa kuti vazova vadzidzisi. Nhengo dziri muDare Rinotungamirira dzinouyawo dzichizodzidzisa.