Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MASHANDISIRWO ARI KUITWA MARI YENYU YEZVIPO

Kabhokisi Kari Kuita Kuti Vanhu Vawane Zvekudya Zvekunamata

Kabhokisi Kari Kuita Kuti Vanhu Vawane Zvekudya Zvekunamata

1 SEPTEMBER 2020

 Zvapupu zvaJehovha zvava kuwana mabhuku nemavhidhiyo pamafoni kupfuura zvavaiita kare. Asi munyika dzakawanda, hama dzedu hadzikwanisi kuenda paIndaneti nekuti zvinovadhurira. Vamwe vanogara munzvimbo dzinonetsa Indaneti kana kuti dzisitorina Indaneti yacho.

 Asi kunyange zvakadaro, hama nehanzvadzi dzedu dzakawanda dzava kukwanisa kudhaunirodha mabhuku nemavhidhiyo kunyange pasina Indaneti! Vanozviita sei?

 JW Box, kabhokisi kadiki kanotumirwa ungano dzinenge dziri munzvimbo dzinonetsa Indaneti. JW Box ine kanhu kanoita kuti ubate Indaneti kanonzi router, uyewo mune software yakagadzirwa neDhipatimendi Remakombiyuta riri paBheteri, uyewo zvakare munenge muine mabhuku nemavhidhiyo anowanikwa pajw.org. Kabhokisi kamwe nekamwe kari kuma US$75.

 PaImba yeUmambo, hama nehanzvadzi dzinokonekita mafoni adzo paJW Box pasina tambo vobva vatodhaunirodha mabhuku nemavhidhiyo. Kunyange mafoni asiri echimanjemanje uye asingadhuri anogona kukonekitawo. Ko kana ungano iri munzvimbo isina Indaneti, vanoita sei kuti JW Box yavo igare iine zvinhu zvitsva? Nguva nenguva hofisi yebazi inotumira ungano USB inenge iine zvinhu zvitsva zvinenge zviri pajw.org, USB yacho inobva yazokonekitwa paJW Box. USB iri kuma US$4.

 JW Box iri kubatsira sei hama dzedu? Mumwe murume anonzi Nathan Adruandra anogara kuDemocratic Republic of Congo anoti: “Ndakanga ndava nenguva yakareba ndichiedza kudhaunirodha dhirama rinonzi ‘Haiwa Jehovha, . . . Ndinovimba Nemi’ nerimwe rinonzi Yeuka Mudzimai waRoti. Asi zvairamba uye zvakandiodza mwoyo. Iye zvino ndava kukwanisa kudhaunirodha mavhidhiyo aya pafoni yangu uye ari kutibatsira chaizvo pakudzidzisa vana vedu.”

 Imwe hama iri kuNigeria inobatsira ungano pakushandisa JW Box inoti: “Hama dzinoona JW Box sechipo chinokosha chinobva kuna Jehovha. Vari kufara chaizvo kuti vava kukwanisa kudhaunirodha zviri nyore mabhuku nemavhidhiyo ari muBhokisi reMaturusi Ekudzidzisa.”

 MaJW Box anopfuura 1 700 akatumirwa hama dzedu kuAfrica, kuOceania, neSouth America uye pane urongwa hwekuti mamwe agotumirwa kune dzimwe ungano dzakawanda. Mari yekutenga zvinhu zvese izvi inobvepi? Inobva pamari yezvipo inopiwa pakutsigira basa rinoitwa pasi rese, uye yakawanda yacho inopiwa pachishandiswa donate.pr418.com. Tinokutendai chaizvo nerutsigiro rwenyu.