Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MASHANDISIRWO ARI KUITWA MARI YENYU YEZVIPO

Kubatsira Paiitika Njodzi Muna 2021—Hama Nehanzvadzi Dzedu Hadzisi Kusiyiwa Dzichitambura

Kubatsira Paiitika Njodzi Muna 2021—Hama Nehanzvadzi Dzedu Hadzisi Kusiyiwa Dzichitambura

1 JANUARY 2022

 Mugore rebasa ra2021, a chirwere cheCOVID-19 chakaramba chichitambudza vanhu pasi rese. Sezvakatsanangurwa munyaya yaiti “Rubatsiro Panguva yeCOVID-19,” takashandisa mamiriyoni emadhora b kuyamura vanhu munguva yeCOVID-19 uye pakarongwa Makomiti Ekubatsira Panoitika Njodzi anopfuura 950.

 Panguva yainetsa chirwere ichi, hama nehanzvadzi dzedu pasi rese dzakawirwawo nenjodzi dzinongoitika dzega uye dzinokonzerwa nevanhu. Komiti Yevanoronga yeDare Rinotungamirira yakabvumira kuti mari inosvika 8 miriyoni ishandiswe pakubatsira vakawirwa nenjodzi dzakadaro dzinopfuura 200, kuwedzera pakuyamura kuri kuitwa hama nehanzvadzi munguva ino yeCOVID-19. Inzwai kuti mari yenyu yezvipo yakashandiswa sei kubatsira vaya vakawirwa nenjodzi mbiri dzichangobva kuitika.

Kuputika Kwegomo Rinonzi Nyiragongo

 Musi wa22 May 2021, gomo rinonzi Nyiragongo, iro riri kuDemocratic Republic of the Congo, rakatanga kuputika. Mazibota aiyerera achibva mugomo racho akaparadza dzimba, zvikoro uye madhamu. Asi mazibota iwayo, handiwo chete akakonzera njodzi. Pashure pekunge kuputika kwapera, muguta reGoma makaita mazuva muine guruva rinokuvadza rakakonzerwa nekuputika kwakanga kwaitika uyewo kwakaitika kudengenyeka kwenyika kusina kunyanya kusimba kwakawanda. Vanhu vanopfuura hafu vemuguta racho vakaudzwa kuti vabve munzvimbo iyoyo. Vanhu vakawanda vakatiza uye vamwe vakatizira kuRwanda.

Komiti yekubatsira panoitika njodzi iri kupa vanhu bota paImba yeUmambo

 Pane vaya vakanzi vabve muguta racho paiva neZvapupu zvaJehovha zvinenge 5 000. Vamwe vakaparadzirwa dzimba dzavo nekuputika kwakaitika uye vamwe vakabirwa zvinhu zvavo pavakanga vatiza. Makomiti ekubatsira panoitika njodzi ekuRwanda neekuDemocratic Republic of the Congo akaronga kuti hama idzodzo dzibatsirwe. Richitaura nezveimwe yemakomiti iwayo, bazi rekuCongo (Kinshasa) rakati: “Pasinei nekuti zvinhu zvainge zvisina kugadzikana muguta uye kunyange vanhu pavakanga vasati vaudzwa kuti vatize, komiti iyi yakabva yatotanga kupa vanhu zvekudya, mvura, magumbeze uyewo zvipfeko.” Mune rimwe guta kwakanga kwatizira hama dzedu dzinopfuura 2 000, komiti yekubatsira panoitika njodzi yakagadzira matende, ikapa vanhu mamask, uyewo ikavatsanangurira zvavangaita kuti vaderedze kupararira kwechirwere cheCOVID-19 uye cholera.

Masaga ezvekudya ari kuyerwa asati aendeswa kuZvapupu zvakasiya misha yazvo

 Pashure pemwedzi mitatu kubva pakaitika njodzi iyi, hama dzakanga dzapa vanhu matani 6 erice, matani 6 efurawa, marita anopfuura 8 000 emafuta ekubikisa, uyewo marita anopfuura 8 000 emvura. Bazi rakaronga kuti vatenge zvekudya zvakawanda zvinogadzirwa munyika yacho pane kutenga zvekudya zvinodhura zvinobva kune dzimwe nyika kuti vasevhe mari.

 Imwe hanzvadzi yakanga ichangobva kuvaka imba uye imba yacho ichibva yaparadzwa pakaputika gomo yakati: “Takaora mwoyo uye takarwadziwa.” Asi mhuri yavo yakapiwa zvainoda pakurarama uye yakakurudzirwa kuti irambe yakatendeka. Hanzvadzi yacho inoti: “Tichibatsirwa naJehovha, tiri kuwana zvatinoda pakurarama. Takaona kuti Jehovha anotakura mutoro wedu kuti usanyanya kutiremera.”

Kuderera Kwezveupfumi kuVenezuela

 Venezuela yava nemakore ichitambura panyaya dzeupfumi. Hama dzedu dziri kusangana nematambudziko akaita sekuomerwa neupenyu, kushaya zvekudya zvakakwana uye kuwedzera kwekuparwa kwemhosva. Asi sangano raJehovha harina kumbovakanganwa.

Masaga erice ari kuiswa mumarori kuti aendeswe munzvimbo dzakasiyana-siyana dzemuVenezuela

 Mugore rebasa rapfuura, mari inopfuura $1,5 miriyoni yakashandiswa kutenga uye kuendesa zvekudya nesipo kumhuri dzaida rubatsiro. Bazi rekuVenezuela rinoti: “Hazvisi nyore kuendesa matani 130 ezvekudya kumativi mana enyika yacho mwedzi nemwedzi uye kuita kuti zvekudya izvozvo zvisvike kuhama dzinenge dzichida rubatsiro.” Hama dzinowanzotumira zvekudya zvisingakurumidzi kuora kuitira kuti hama dzedu dzizviwane zvichiri kudyika. Bazi racho rinowedzera kuti: “Tinoedza kutenga zvekudya zvakawanda panguva imwe chete uye tinotengawo zvinhu panguva yazvinenge zvichikohwewa nekuti ndopazvinenge zvakachipa. Tinobva tazvitumira nenzira yakachipa.”

Nemhaka yekushayikwa kwemafuta ekufambisa motokari, uyewo kushayikwa kwemotokari dzacho, hama dzechidiki dzinoita rwendo rwemakiromita 18 kuenda nekudzoka nemabhasikoro vachiendesera ungano dzavo zvekudya

 Leonel, uyo anobatsira panoitika njodzi anofarira basa rake. Anoti: “Basa rekuyamura rakakosha.” Anowedzera kuti: “Basa iri riri kundikurudzira chaizvo kubva pakashaya mudzimai wangu nechirwere cheCOVID-19. Ndinogara ndakabatikana uye ndinoona kuti pane zvandinogona kuitawo pakubatsira hama dzinenge dzichida rubatsiro. Ndiri kunyatsoona kuti Jehovha anozadzisa sei vimbiso yake yekuti haazombosiyi vanhu vake.”

 Imwe hama yakawana rubatsiro yakamboshanda mukomiti yekubatsira panoitika njodzi. Anoti: “Iye zvino ndini ndava kudawo rubatsiro. Hatina kungobatsirwa pane zvekurarama nazvo chete. Hama dzakabatsira ini nemudzimai wangu kuti tirambe takadzikama. Dzakatiitira hanya, dzikatinyaradza, uye dzikatikurudzira.”

 Dzimwe njodzi dzinongoerekana dzaitika. Kunyange zvakadaro, sangano raJehovha rinowanzokurumidza kutsvaga zvekubatsira vanenge vawirwa nenjodzi uye kuzviendesa kwazvinenge zvichidiwa nemhaka yemari yezvipo yamunopa kubasa remunyika yese. Dzimwe nzira dzamunogona kushandisa pakupa mari dzinowanika pachikamu chakanzi donate.pr418.com. Tinokutendai chaizvo nerupo rwamuinarwo.

a Gore rebasa ra2021 rakatanga musi wa1 September 2020 rikapera musi wa31 August 2021.

b Mari yese iri kutaurwa nezvayo munyaya ino imari yekuAmerica.