Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MASHANDISIRWO ARI KUITWA MARI YENYU YEZVIPO

Kubatsira Vari Kuwirwa Nenjodzi

Kubatsira Vari Kuwirwa Nenjodzi

1 FEBRUARY 2021

 Muna 2020 pane njodzi dzinongoitika dzega dzakasiyana-siyana dzakaitika uye ndipo pakatanga chirwere cheCOVID-19 pasi rese. Zvapupu zvaJehovha zvakabatsira sei vaya vakawirwa nenjodzi idzi?

 Mugore rebasa a ra2020, Komiti Yevanoronga yeDare Rinotungamirira yakabvumira kuti madhora anosvika 28 miriyoni b ashandiswe pakubatsira vanhu vakanga vawirwa nenjodzi. Mari iyi yakabatsira vanhu vakawirwa nenjodzi dzinodarika 200 dzinosanganisira chirwere cheCOVID-19, madutu akasiyana-siyana, mafashamo muAfrica, kushaika kwezvekudya muVenezuela uye nzara inokonzerwa nekusanaya kwemvura muZimbabwe. Mari iyi yezvipo yakashandiswa pakubhadhara zvekudya, mvura, pekugara, zvekupfeka uye zvinhu zvaidiwa pakurapa. Yakashandiswawo pakutenga zvinhu zvekuchenesa, pakugadziridza uye pakuvakazve zvivakwa zvainge zvaparadzwa. Inzwa zvimwe zvakaitwa pakubatsira vainge vawirwa nenjodzi.

 Chirwere cheCOVID-19. Chirwere ichi chavhiringa upenyu hwehama nehanzvadzi dzedu pasi rese zvekuti vamwe zviri kuvaomera kuwana chekurarama nacho. Kuti hama idzi dzibatsirwe, pakarongwa Makomiti Ekubatsira Panoitika Njodzi anodarika 800 pasi rese. Makomiti aya anogara achiona kuti zvii zvinodiwa nehama dzedu okurumidza kuendesa mashoko ayo anozobatsira Komiti Yevanoronga kuona kuti ingabatsira sei hama idzi.

 Mugore ra2020, Makomiti Ekubatsira Panoitika Njodzi akabatsira vakawanda kuti vawane zvekudya, mvura, zvinhu zvekushandisa pakuchenesa uye mishonga. Mune dzimwe nzvimbo makomiti aya akashanda nevakuru vemunzvimbo dzacho kuti vabatsire hama kuti dziwane rubatsiro rwaibva kuhurumende.

 Vanhu vasiri Zvapupu vanoona basa rekuyamura ratinoita. Semuenzaniso, Field Simwinga, anotungamirira nharaunda inonzi Nakonde iri kuZambia, akaudza Zvapupu kuti: “Tinokutendai chaizvo nekukurumidza kwamunoita kubatsira mhuri dzinenge dzawirwa nematambudziko.”

 Kushaika Kwezvekudya kuAngola. Chirwere cheCOVID-19 chakaita kuti zvekudya zvitange kushaika uye zvidhure kuAngola. Hama nehanzvadzi dzedu dzakawanda dzakanga dzava kuomerwa kuti dzitenge zvekudya.

Tsapo dzezvekudya dzaitumirwa kubva kuBrazil dzichienda kuAngola

 Bazi rekuBrazil rakakumbirwa kuti ribatsire hama dzedu dzekuAngola nekudzitumira zvekudya. Kuti mari yezvipo ishandiswe zvakanaka, hama dzakaongorora nzira yakanaka yekuzvitenga uye yekuzvitumira, saka zvekudya zvacho zvakatengwa zvakawanda. Zvekudya izvi zvaikamurwa kuita zvitsapo, uye chitsapo chimwe nechimwe chaida $22 kuchitenga nekuchitumira uye chairema anenge makirogiramu 20. Chitsapo chimwe nechimwe chaiva nezvekudya zvakadai semupunga, bhinzi uye mafuta ekubikisa. Kusvika parizvino kwatumirwa zvitsapo 33 544 zvinorema matani 721. Zvitsapo izvi pamwe chete nezvekudya zvinowanika ikoko zvakabatsira vanhu vanodarika 50 000 kuti vawane zvekudya!

 Hama dzedu dziri kunzwa sei nerubatsiro rwadziri kuwana? Alexandre, uyo anogara munzvimbo iri kwayo yega muAngola, anoti: “Izvi zvinondiratidza kuti Jehovha anondida uye handisi ndega. Sangano raJehovha rinondikoshesa!” Mariza, mubereki anorera vana ari ega anoti: “Jehovha akanzwa munyengetero wangu. Ndinotenda sangano rake!”

Hama dzekuAngola dzichitenda rubatsiro rwadzakawana

 Kupa Rubatsiro Rwezvekudya muZimbabwe. Mugore rebasa ra2020, muZimbabwe hamuna kunaya mvura yakakwana uye izvi zvakaita kuti mamiriyoni evanhu ashaye zvekudya. Zviuru zveZvapupu muZimbabwe zvakashaya zvekudya zvakakwana.

 Pakaumbwa Makomiti Ekubatsira Panoitika Njodzi 5 kuti abatsire pakupa zvekudya kuhama dzedu. Vaparidzi vakawanda vakabatsira pakurongedza zvekudya zvacho, pakuzvikwidza mumota uye vamwe vakabatsira nemota dzavo. c Mugore rebasa ra2020 pakashandiswa mari inosvika $691 561 kuti vanhu vanodarika 22 700 vawane zvekudya!

Hama dzemuZimbabwe dzinogamuchira zvekudya (COVID-19 isati yatanga)

 Dzimwe nguva rubatsiro rwaisvika hama dzedu dzisisina kana chekubata. Paisvika zvekudya zvacho, hama dzedu dzairumbidza Jehovha. Vamwe vaitotanga kuimba nziyo dzeUmambo.

 Mune imwe nzvimbo chirikadzi mbiri dziri Zvapupu zvaJehovha dzakaenda kumusangano wakaitwa munzvimbo yacho waitaura nezvekupiwa zvekudya nesangano risiri rehurumende. Asi pamusangano wacho pakazotanga kunyanya kuitwa zvematongerwo enyika zvekuti hanzvadzi dzedu dzakaona kuti dzaisakwanisa kuita zvaidiwa kuti dziwane rubatsiro rwacho. Pavakanga vava kubva pamusangano wacho, vaisekwa vachiudzwa kuti, “Musazouya kumba kwedu muchitsvaga zvekudya!” Asi mumavhiki maviri chete akazotevera, hama dzedu dzakabva dzatosvika munzvimbo yacho dzikapa hanzvadzi dzedu zvekudya, sangano riya risati ratombouya kuzobatsira vanhu!

Prisca anoti: “Jehovha haana kumbobvira arasisa vashumiri vake”

 Basa rekuyamura rakaitwa muZimbabwe rakaita kuti pave neuchapupu hwakanaka. Semuenzaniso, inzwa zvakaitika kuna Prisca, uyo anogara munzvimbo iri kumaruwa. Pasinei nematambudziko aikonzerwa nekusanaya zvakanaka kwemvura, Prisca aiita basa rekuparidza musi weChitatu nemusi weChishanu wega wega, kunyange zvazvo yaiva nguva yekurima. Vanhu vemunharaunda yake vaimutuka vachiti: “Uchauraya vana nenzara nekuparidza kwako uku.” Prisca aivapindura achiti: “Jehovha haana kumbobvira arasisa vashumiri vake.” Pasina nguva, akagamuchira zvinhu zvekuyamura zvaibva kusangano redu. Izvi zvakashamisa vavakidzani vake, vakamuudza kuti: “Mwari wako haana kumbokurasisa, saka tinoda kudzidza nezvake.” Vavakidzani vake 7 vari kuteerera misangano yeungano paredhiyo.

 Sezvatinoramba tichiswedera pedyo nemugumo, ticharamba tichisangana nenjodzi dzinongoitika dzega. (Mateu 24:3, 7) Tinokuongai chaizvo nezvipo zvamunopa nenzira dzakasiyana-siyana dziri pakanzi donate.pr418.com. Mari iyi inoshandiswa kubatsira vanenge vari mumatambudziko panguva yavanenge vachida kubatsirwa.

a Gore rebasa ra2020 rakatanga muna September 2019 kusvika muna August 2020.

b Mari yese iri kutaurwa nezvayo munyaya ino imari yekuAmerica.

c Sezvo zvanhu vari kurambidzwa kufamba nemhaka yechirwere cheCOVID-19, hama dzedu dzaitofanira kupiwa tsamba kuti dzikwanise kuendesa zvekudya. Dzaitorawo matanho kuitira kuti naidzowo dzisabatwa nechirwere ichi.