MASHANDISIRWO ARI KUITWA MARI YENYU YEZVIPO
Kuchengetedza Dzimba Dzedu dzeUmambo
1 APRIL 2024
Imwe hanzvadzi ine makore 17 inonzi Nicole iyo inogara kuColombia inoti: “Ndinoda Imba yedu yeUmambo! Ndimo matinoungana nehama nehanzvadzi dzangu.” Unonzwawo saizvozvo here?
Pasi rese, Zvapupu zvaJehovha zvinoungana muDzimba dzeUmambo dzinosvika 63 000. Zvivakwa izvi zvinoita kuti tive nepekunamatira Mwari pakanaka. Asi dzimba idzi dzine zvimwe zvadzinobatsira. Mumwe piyona wenguva dzese anonzi David wekuColombia akati: “Imba yedu yeUmambo inoita kuti shoko ratinoparidza riwedzere kufarirwa nevanhu. Vanhu vakawanda vanotishanyira vanobayiwa mwoyo pavanoona kuchengetedza kwatinenge tichiita imba yedu yeUmambo yakanaka.” Chii chinoita kuti dzimba dzedu dzeUmambo dzigare dzakanaka uye dzakachena saizvozvo? Tinoshanda nesimba pakudzichenesa uye kudzigadziridza. Asi chii chinoita kuti tikwanise kuita izvozvo?
Basa Rekugadziridza Imba yeUmambo Rinorongwa Sei?
Ungano inoshandisa Imba yeUmambo ndiyo ine basa rekuichengetedza kuti irambe yakanaka. Saka hama nehanzvadzi dzemuungano yacho dzinogara dzichichenesa Imba yavo yeUmambo. Vanogara vachichinja zvinhu zvidiki zvinofanira kuchinjwa uye vanogara vachigadzira zvinhu zvinenge zvisingachashandi zvakanaka.
Dhipatimendi Remapurani Nekuvaka (LDC) rinosarudza hama dzinoshanda sevarayiridzi veLDC kuti vadzidzise ungano kuchengetedza Imba yeUmambo. Murayiridzi mumwe nemumwe anopiwa Dzimba dzeUmambo 6 kusvika ku10. Anoshanya paImba yeUmambo odzidzisa vaparidzi kuti vangachengetedza sei Imba yavo yeUmambo. Pamakore matatu ega-ega, anoongorora chivakwa chimwe nechimwe oona kana paine zvinhu zvinogona kukonzera njodzi uye zvinoda kugadziridzwa.
Hama nehanzvadzi dzedu dzinokoshesa chaizvo kudzidziswa kwadzinoitwa nevarayiridzi veLDC. Imwe hanzvadzi yekuIndia inonzi Indhumathi yakati: “Takadzidziswa zvinhu zvinobatsira chaizvo. Zvaifadza chaizvo kudzidza kuti tinochengetedza sei Imba yedu yeUmambo.” Imwe hama yekuKenya inonzi Evans inoti: “Takadzidza kuti tinofanira kugadzira zvinhu zvisati zvanyanya kufa kuitira kuti zvisazotidhurira.”
Mari Inoshandiswa Inobva Kupi?
Mari inodiwa pagore kuti imba yeUmambo irambe ichishanda zvakanaka inogona kusvika mazana kana kuti zviuru zvemadhora, asi izvi zvinoenderana nekune imba yacho, makore ayo kubva payakavakwa, uye uwandu hweungano dzinoishandisa. Mari yekuita izvi inobva kupi?
Mari yekuchengetedza Imba yeUmambo inobva pamari yezvipo. Imwe hama inonzi Alexander yekuKazakhstan inoti: “Imwe mari yacho inoshandiswa kubhadhara indaneti, mvura uye magetsi nezvimwewo. Imwe mari yacho inoshandiswa kutenga zvinhu zvisingafaniri kushayika zvakadai semagirovhosi, zvekushandisa pakuchenesa uye pendi.” Imwe mari yese inenge yasara inobva yapiwa sangano kuti ishandiswe kutsigira basa remunyika yese uye kuita mabasa akakura ekugadziridza zvivakwa pasi rese.
Mabasa Akakura Ekugadziridza Zvivakwa
Kana pachidiwa mari inopfuura inogara ichishandiswa nehama kwemwedzi miviri kana mitatu pakuchengetedza imba iyoyo, vakuru vanotaura nemurayiridzi weLDC. Kana LDC ikapa mvumo yekuti Imba yeUmambo igadziridzwe, kazhinji mari inoshandiswa pabasa racho inotorwa pamari yebasa remunyika yese. Mugore rebasa ra2023, pakashandiswa mari inosvika US$76, 6 miriyoni kugadziridza zvivakwa 8 793. Ngatimbokurukurai zvimwe zvivakwa zvakagadziridzwa.
MuAngola, imwe Imba yeUmambo yaiva nezvakawanda zvaida kugadziridzwa. Zvinhu zvemagetsi zvainge zvava kuda kuchinjwa, madziro ainge atsemuka, uye vavakidzani vaiti pane mvura yaierera ichienda kudzimba dzavo. VeLDC vakaronga kuti paitwe basa rekugadziridza zvinhu izvi. Basa racho raida US$9 285. Vavakidzani vakatenda chaizvo nebasa rakaitwa uye vakakangwa mate mukanwa nemaitirwo akaitwa basa racho.
MuPoland, denga reimwe Imba yeUmambo raipinza mvura, uye kapeti yainge yava kuda kutochinjwa. VeLDC vakaronga kuti paitwe basa rekugadziridza denga racho uye rekuisa kapeti itsva. Pakashandiswa mari inosvika US$9 757. Saka pachatoita makore akawanda pasina basa rakakura richaitwa pakugadziridza Imba yeUmambo iyoyo.
Kuchengetedza Zvivakwa Kunoita Kuti Jehovha Akudzwe
Kuchengetedza zvivakwa zvichishanda zvakanaka kunochengetedza mari uye kunoita kuti Jehovha akudzwe. Shaun, imwe hama yekunyika inonzi Tonga yakati: “Basa ratakaita rakatibatsira kuti tive neImba yekunamatira Jehovha yakachena, yakarongeka, uye inoshanda zvakanaka, iyo iri kuita kuti Mwari akudzwe. Hatizezi kukoka vanhu kuImba yeUmambo.”
Ungabatsirawo Sei?
Tese tinogona kubatsira kuti chivakwa chatinonamatira chigare chichishanda zvakanaka uye chakachena. Marino, murayiridzi weLDC wekuAustralia akati: “Tese tinogona kubatsirawo pakuchengetedza Imba yeUmambo. Kana tikadaro, tinenge tichibatsira pakuchengetedza mari yezvipo kuti izoshandiswa kumwe kwainenge ichidiwa.”
Imwe hama yekuIndia inonzi Joel inofarira chaizvo kuchengetedza Imba yeUmambo yakanaka. Anoti: “Kushanda nehama dzangu inotova nzwisa yezvatichaita munyika itsva.” Nicole ambotaurwa nezvake anoti: “Munguva yapfuura, ndaikorobha uye hama dzaigadzira paibuda nemvura muchimbudzi. Kunyange zvazvo ndisina kuita basa ravaiita, ndakabatsira kuti pasaitika tsaona.”
Kana uchida kubatsirawo pakugadziridza Imba yenyu yeUmambo, unogona kutaura nevakuru vemuungano menyu. Unogona kupa mari yezvipo kuti ubatsire pakugadziridza Imba yenyu yeUmambo uyewo dzimwe Dzimba dzeUmambo dziri pasi rese. Unogona mari yezvipo uchishandisa mabhokisi ari muimba yenyu yeUmambo kana kushandisa chikamu chakanzi donate.pr418.com. Tinokutendai chaizvo nezvipo zvamuri kuramba muchipa.