Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MASHANDISIRWO ARI KUITWA MARI YENYU YEZVIPO

Kuita Kuti Vanhu Vange Vakachengeteka paDzimba dzeUmambo Panguva yeCOVID-19

Kuita Kuti Vanhu Vange Vakachengeteka paDzimba dzeUmambo Panguva yeCOVID-19

1 OCTOBER 2022

 “Dare Rinotungamirira rasarudza kuti ungano dzese dzitange kuita misangano paImba yeUmambo vhiki raApril 1, kunze kwekunge zvisiri kubvumirwa nehurumende.” Mashoko aya aiva pachiziviso chakaiswa pajw.org kutanga kwaMarch 2022. Zvapupu zvaJehovha pasi rese zvakafara pazvakanzwa mashoko aya. Asi chirwere cheCOVID-19 chakanga chichiripo. a Zvii zvaidiwa kuti vaya vaizopinda misangano paImba yeUmambo vasabatwa nechirwere ichi? Pashure pemakore maviri tisingaitiri misangano paImba yeUmambo, zvaiita here kuti tibve tatotanga kushandisa Dzimba dzeUmambo?

 Hama dzedu dzakanga dzatova nemwedzi yakawanda dzichigadzirira kuti titangezve kuitira misangano paDzimba dzeUmambo.

Kugadzirisa Matambudziko Nenzira Dzakasiyana-siyana

 Pashure pemwedzi mumwe chete kubva patakamira kuitira misangano paDzimba dzeUmambo muna 2020, Dhipatimendi Rinoona Nezvemapurani Nekuvaka Pasi Rese (WDC), riri kuWarwick muNew York, rakatanga kuongorora kuti COVID-19 yaigona kuzochinja sei mashandisiro atinoita Dzimba dzedu dzeUmambo uye kuti zvii zvaifanira kuitwa kuti vanhu vange vakachengeteka panzvimbo dzatinoitira misangano yedu.

 Kakawanda kacho, zvaidiwa mune imwe nzvimbo zvainge zvakasiyana nezvaidiwa kune dzimwewo nzvimbo. Matthew De Sanctis, uyo anoshanda mudhipatimendi reWDC anoti: “Mune dzimwe nzvimbo, rimwe dambudziko nderekuti havana nzvimbo dzekugezera maoko. Kana Dzimba dzeUmambo dzisina mvura yemupombi, mvura inofanira kuita zvekutengwa kana kuti kunocherwa kurwizi kana mutsime. Mune dzimwe nyika, hurumende dzakachinja mitemo yadzo panyaya dzemaair-conditioner, kupinda uye kubuda kunoita mhepo muchivakwa, uyewo zvikwangwani zvine chekuita neutano nerucheno zvinofanira kuiswa pazvivakwa.”

 Hama dzedu dzakaita sei kuti dzikwanise kukunda matambudziko iwayo? Vakaona kuti paDzimba dzeUmambo dzakawanda, “zvinhu zviri nyore uye zvisingadhuri ndizvo zvaizonyatsoshanda,” anodaro Matthew. Semuenzaniso, muPapua New Guinea, makarongwa kuti pave nenzvimbo dzekugezera maoko dzinenge dziine mabhaketi epurasitiki anopinda marita 20 anenge aine pombi nechekuzasi. Saka paImba yeUmambo yekumaruwa pakashandiswa mari inosvika US$40 kuti hama dzedu dziwane pekugezera maoko. PaDzimba dzeUmambo dzemuAfrica, zvekushandisa kugezera maoko zvinopfuura 6 000 zvemhando yepamusoro zvakatengwa kuAsia.

Vabereki vanoratidza muenzaniso kuvana vavo panyaya yerucheno

 Zvimwewo zvaifanira kuitwa kuti mhepo ifambe zvakanaka muDzimba dzeUmambo zvaisanganisira kuisa mafeni matsva nemimwe michina inopinza nekubudisa mhepo muzvivakwa kana kuvandudza zvagara zviripo. Ungano dzakawanda dzakatenga mapole akareba ekuisa mamaikirofoni kuitira kuti vanhu vasaita zvekutambidzana maikirofoni. Pakarongwawo kuti nzvimbo dzinogara dzichibatwa dzakadai semadhoo uye pombi, dzigare dzichipukutwa nemushonga unouraya utachiona sezvo dzichigona kuparadzira utachiona. Dzimwe ungano dzakaisa pombi dzinogona kuvhura nekuvhara dzega kana ukaisa maoko pedyo. MuChile, paidiwa mari inenge US$1 400 kuti zvinhu zvese zvichinjwe paImba yeUmambo imwe neimwe.

Mamaikorofoni aisaita zvekutambidzanwa

 Kunyange zvazvo hama dzainyanya kukoshesa kuti vanhu vange vakachengeteka paDzimba dzeUmambo, vaiedzawo nepese pavaigona kuti mari yezvipo isapambadzwe. Semuenzaniso, mune dzimwe nyika vakashandisa urongwa hwakaitwa nehurumende hwekuti vanhu vaigona kutenga zvinhu zvinodiwa pakugadzira nzvimbo dzekugezera maoko uye mapole emamaikirofoni akareba vasingabhadhari mutero. Mahofisi emapazi aishanda pamwe chete kuti mari isapambadzwa kuburikidza nekutenga zvinhu zvaidiwa kamwe chete zvakawanda. Mahofisi emapazi uye Dhipatimendi Rinoona Nezvekutengwa Kwezvinhu vaiwanzotenga zvinhu kubva kune vanozvigadzira, izvo zvaiita kuti vatenge nemutengo wakaderera uyewo zvinhu zvacho zvikurumidze kusvika.

Nzvimbo ine sanitizer

“Zvakaita Kuti Ndinzwe Ndakachengeteka”

 Urongwa uhwu hwakaita kuti vaya vakatanga kupinda misangano paDzimba dzeUmambo vanzwe vakachengeteka uye vasina chekutya. Imwe hanzvadzi yekuPeru inonzi Dulcine, yakati yakatya payakanzwa kuti taizotanga kupinda misangano paImba yeUmambo. Dulcine anoti: “Ndakabatwa neCOVID-19 nguva pfupi denda iri richangobva kutanga. Saka ndaiti ityei pandaifunga nezvekuenda kuImba yeUmambo, ndichiziva kuti ndaigona kubatwazve nechirwere ichi. Asi pandakasvika paImba yeUmambo, ndakaona kuti vakuru vakanga vaita urongwa hwekuti tinge takachengeteka, hwakadai sekuva nemasanitizer uye kuisa mapole akareba pamamaikirofoni, uyewo kuva nepurogiramu yekupukuta zvinhu nemishonga inouraya utachiona paImba yeUmambo misangano isati yatanga uye pashure payo. Zvese izvi zvakaita kuti ndinzwe ndakachengeteka.” b

Kuuraya utachiona paImba yeUmambo

 Imwe hanzvadzi yekuZambia inonzi Sara yakasangana nedambudziko rakasiyana. Inoti: “Murume wangu akafa nechirwere cheCOVID-19 mwedzi yakati kuti yapfuura. Ndainetseka kuti ndaizonzwa sei pandaizopinda misangano paImba yeUmambo kekutanga ndisiri naye.” Iye zvino ava kunzwa sei nezvekupinda misangano paImba yeUmambo? Anoti: “Kupinda misangano paImba yeUmambo kwakandiratidza kuti Jehovha anesu mumazuva ano ekupedzisira. Iye zvino, ndinonyatsoona kuti ndinogona kukurudzirwa, kuratidzwa rudo uye kuwana rutsigiro rwandinoda kubva kuvakuru uye kune dzimwe hama nehanzvadzi dzangu.”

Vari kufara kuti vari kupinda misangano paImba yeUmambo zvakare

 Pasi rese, vamwe vatinonamata navo vanoonga chaizvo mukana uyu wekudzokera kuDzimba dzeUmambo. Tinokutendai chaizvo nemari yenyu yezvipo iyo kakawanda kacho iri kupiwa pachishandiswa donate.pr418.com. Mari iyoyo yakabatsira pakuita kuti nzvimbo dzekunamata kwakachena dzinge dzakanaka uye dzichiita kuti vanhu vange vakachengeteka.

a Pazvaiita, vaya vaida kuramba vachipinda misangano nevideoconferencing kana kuti pafoni vaikwanisa kuita kudaro.

b Vanhu vese vakakurudzirwa kuti vapfeke mamask pavanopinda misangano paImba yeUmambo.