Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MASHANDISIRWO ARI KUITWA MARI YENYU YEZVIPO

‘Kunzwa Uye Kuona’ Mapurogiramu Egungano

‘Kunzwa Uye Kuona’ Mapurogiramu Egungano

1 JULY 2024

 Zvapupu zvaJehovha zvava nemakore anopfuura 130, zvichiungana pamagungano gore negore. Mazuva ano, pamagungano aya panopiwa mharidzo dzeBhaibheri dzinopfuura 40, panewo vanhu vanobvunzwa zvakaitika muupenyu hwavo, panoratidzwa mavhidhiyo uye panoridzwa mimhanzi. Kuti gungano ribatsire uye rikurudzire vanhu, purogiramu yacho inofanira kunge ‘ichinzwika uye ichioneka’ zvakajeka. (Ruka 2:20) Mari yenyu yezvipo iri kushandiswa sei kuitira kuti tive nechokwadi chekuti vanhu vese vari kubatsirwa nemagungano aya pasinei nekwavanogara?

MaTV Nemasipika Anoshandiswa Pagungano Anoitwa Kuti Aenderane Neparinenge Richiitirwa

 Nhandare dzakawanda dzemazuva ano dzekunyika dzekumadokero dzine masipika nemaTV. Saka patinohaya nzvimbo idzodzo kuti tiitire gungano, nei kakawanda kacho tichizoshandisa masipika edu nemaTV? David, uyo anoshanda muDhipatimendi reBroadcasting kumahofisi edu makuru anoti: “Nhandare dzakawanda dzatinohaya hadzina kugadzirwa nechinangwa chekuti vanhu vanenge varipo vateerere purogiramu inenge iine vanhu vanenge vachitaura kwemaawa anopfuura 6. Semuenzaniso, nhandare dzemitambo dzinoshandisa masipika pakupa zviziviso zvipfupi uye pakuridza mimhanzi kwenguva pfupi. MaTV avo ndeekuratidza zvibodzwa, kushambadzira, uye kudzokorora zvinenge zvaitika mumitambo. Asi isu tinenge tichida kuti vanhu vanenge vari pagungano vaone mavhidhiyo akareba uye vanzwisise zvese zvinenge zvichitaurwa.”

 Nzvimbo dzinoitirwa magungano dzakasiyana, saka masipika nemaTV anoshandiswa anofanira kunge achienderana nenzvimbo imwe neimwe. Kana nzvimbo dzichaitirwa magungano dzangosarudzwa, madhipatimendi eBroadcasting epamapazi edu anosarudza magariro achaita vanhu munhandare yacho zvichienderana nekuti vanhu vangani vachauya uye kuti nzvimbo yacho inokwana vanhu vakawanda sei. Hama dzinobva dzasarudza kuti masipika uye maTV achazoiswa papi uye kuti tambo dzichafamba nepapi, uyewo vanozonyora pasi zvinhu zvese zvichadiwa kuitira kuti munhu wese achazovapo akwanise kuona uye kunzwa purogiramu zvakanaka.

Hama dzemudhipatimendi reBroadcasting dzichinyatsotevedzera zvakanyorwa

 Kanenge kari kabasa chaiko kutepfenyura purogiramu kana pari pagungano rine mitauro yakawanda. Kana gungano richiturikirwa mune mumwe mutauro, mashoko anenge achitaurwa uye vhidhiyo zvinofanira kunge zvichinzwiwa nemushanduri, asi zvaanenge achiturikira zvinofanira kuzongonzwiwa nevanhu vemutauro waari kuturikira chete. Chinofadza ndechekuti pane mapurogiramu epakombiyuta anoita kuti mavhidhiyo akwanise kuratidzwa vanhu vese vanenge vari pagungano panguva imwe chete, vachinzwa mashoko emavhidhiyo acho mumitauro yavo. Mapurogiramu aya anogona kuita kuti mashoko acho anzwike kunyange mumitauro 8. David anoti, “Mapurogiramu aya haasi nyore kuashandisa, saka vanhu vanoashandisa vanofanira kunyatsodzidziswa basa racho.”

 Mapazi akawanda ane masipika nemaTV anoshandiswa gore negore pamagungano. Kana gungano rapera, zvinhu izvi zvinotakurwa zvoendeswa kunenge kuchiitirwa rimwe gungano. Bazi rekuUnited States chete rinoshandisa mari inopfuura US$200 000 gore negore pakutakura midziyo iyi panguva yemagungano. Asi izvi zvinoita kuti pashandiswe mari shoma pane yaizoshandiswa kutenga mimwe midziyo uye kuichengetedza. Steven, uyo aiona nezvemasipika uye maTV pane rimwe gungano kuCanada anoti, “Vanhu vatinoshanda navo kudhipatimendi redu vanova nechokwadi chekuti kanhu kese kashandiswa pagungano kachengetedzwa uye karongedzwa, ingava tambo, bhaudhi, kana chii zvacho kuitira kuti zvinhu izvozvo zvizoshandiswa pagungano rinotevera.”

Kutenga uye Kuchengetedza Zvinhu Zvinoshandiswa Pamagungano

 Kuhaya masipika nemaTV kunodhura chaizvo, uye kazhinji kacho zvinhu izvozvo zvinenge zvisiri zvemhando yepamusoro uye zvisingashandi zvakanaka. Saka tinowanzotenga tega zvinhu zvekushandisa zvatinoda. Iye zvino, TV yekumadziro inenge yakareba anenge mamita 3 uye yakafara mamita anosvika 5 inoita inenge US$24 000, uye tambo yemaikorofoni yakareba mamita 15 inoita inenge US$20. Saka Dhipatimendi reBroadcasting rinoshanda neDhipatimendi Rinoona Nezvekutengwa Kwezvinhu kuti riongorore nyaya dzemari vasati vatenga zvinhu zviri kudiwa. (Ruka 14:28) Semuenzaniso, vanotarisa kuti vanhu vangani vachabatsirwa nemidziyo ichashandiswa ipapo? Kutenga zvinhu zvitsva ndiyo nzira yakanakisisa here? Tine nzvimbo yakanaka yekuchengetera zvinhu izvi here? Tine here maturusi ekushandisa uye vanhu vakadzidziswa vanokwanisa kuita kuti midziyo iyi irambe ichishanda zvakanaka?

 Tinogara tichigadziridza midziyo iyi kuitira kuti ishande zvakanaka kwenguva refu uye tichengetedze mari yezvipo. Uye patinenge tichitakura midziyo iyi kuenda kune imwe nzvimbo, tinoiisa mumabhokisi akasimba kuti isaputsika, uye mabhokisi aya anogara achigadziridzwawo.

Kugadziridza midziyo inoshandiswa pagungano kunoita kuti igare kwenguva refu ichishanda zvakanaka

Uchapupu Hwakanaka uye Gungano Remhando Yepamusoro

 Vanhu vasiri Zvapupu vanoshamiswa chaizvo nemhando yepamusoro yemavhidhiyo uye midziyo yatinoshandisa pamagungano. Pane rimwe gungano, mumwe mushandi wekambani yakakura chaizvo yekutepfenyura mavhidhiyo nemashoko, akataura nezvekutepfenyura kwatinoita pamagungano edu. Jonathan uyo anobatsira pane zvine chekuita nemasipika uye maTV anoshandiswa pamagungano akati: “Mushandi uyu akashamiswa paakaona kuti vanhu vese vanoona nezvemaTV uye masipika epamagungano havasi vanhu vakatoita zvekudzidza nezvebasa racho kuzvikoro, asi kuti vanhu vanenge vachizvipira kuita basa racho. Mushandi wacho akawedzera kuti basa ratakaita nezuva rimwe chete nehafu pakugadzirira gungano rinogona kutorera kambani yake mazuva 5.” Pane rimwe gungano, maneja wenzvimbo yacho akati, “Pane nyanzvi dzakawanda dzezvemimhanzi uye mavhidhiyo dzakamboshandisa nhandare ino, asi handisati ndamboona vanhu vane unyanzvi hunosvika pane hwenyu!”

Hama nehanzvadzi dziri pagungano

 Wakabatsirwa sei nemaTV nemasipika anenge ari pagungano? Zvimwe unonzwa saDavid anogara kuEngland. Anoti: “Ndine makore 88 uye kweupenyu hwangu hwese ndaipinda magungano. Asi iye zvino, zvava nyore kuti ndinyatsoteerera pagungano. Mavhidhiyo anobatsira chaizvo, uye purogiramu yese inokurumidza kufamba ukuwo mashoko achinyatsobuda zvakajeka uye zvakatsetseka.” Micheal, uyo anogara kuNigeria, anoti, “Sezvo hama dzedu dzisisanetseke nekunzwa mukurukuri kana kuona mavhidhiyo, vava kukwanisa kunyatsoisa pfungwa papurogiramu uye kunakidzwa nayo.”

 Pauchapinda gungano regore rino rine musoro unoti “Zivisa Mashoko Akanaka”!, chimbofungawo nezvebasa rakaitwa kuti unzwe uye uone purogiramu yacho. Tinofara chaizvo kuti mari yenyu yezvipo yamuri kupa, kusanganisira yamakapa muchishandisa chikamu chakanzi donate.pr418.com iri kubatsira kuti magungano aya abudirire. Tinokutendai chaizvo.