Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MASHANDISIRWO ARI KUITWA MARI YENYU YEZVIPO

Kuyamura Vakawirwa Nenjodzi Muna 2022—Kuratidza Rudo Kuhama Dzedu

Kuyamura Vakawirwa Nenjodzi Muna 2022—Kuratidza Rudo Kuhama Dzedu

1 JANUARY 2023

 Bhaibheri rakagara rataura kuti munguva yatiri kurarama kwaizoitika hondo, kudengenyeka kwenyika, matenda, uye ‘kwaizoonekwa zvinhu zvinotyisa.’ (Ruka 21:10, 11) Uprofita ihwohwo hwakazadziswawo mugore rebasa a ra2022. Semuenzaniso, hondo yekuUkraine iri kuenderera mberi uye yavhiringa upenyu hwemamiriyoni evanhu. Nyika dzakawanda dzichiri kuedza kugadzirisa matambudziko akakonzerwa nechirwere cheCOVID-19. Uyewo, vanhu vakawanda vakawirwa nenjodzi dzinongoitika dzega dzakadai sekudengenyeka kwenyika kwakaitika kuHaiti uye madutu akaitika kuCentral America, kuPhilippines, uye kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweAfrica. Zvapupu zvaJehovha zvakabatsira sei vanhu vakasangana nenjodzi idzi?

 Mugore rebasa ra2022, kwakaitika njodzi dzinosvika 200 uye sangano redu rakayamura vanhu vakawirwa nenjodzi idzi! Takashandisa mari inosvika $12 miriyoni pakuyamura vanhu. b Onai kuti mari yezvipo yakashandiswa sei pakubatsira vanhu vakawirwa nedzimwe njodzi mbiri.

Kudengenyeka Kwenyika kuHaiti

 Musi wa14 August 2021, kumaodzanyemba kweHaiti kwakaitika kudengenyeka kwenyika kukuru kwakaparadza zvinhu zvakawanda. Zvinorwadza kuti hanzvadzi dzedu mbiri nehama imwe chete vakafa pakaitika kudengenyeka uku. Vaya vakapona vakasara vachirwadziwa nemhaka yekuparadzwa kwakaitwa zvinhu uye vachishungurudzika. Imwe hama inonzi Stephane yakati: “Muguta racho makafiwa zvisingaiti zvekuti kwemwedzi inopfuura miviri dzaingova nzufu dzega dzega.” Imwe hama inonzi Éliézer yakati: “Zvapupu zvakawanda zvakasara zvisina pekugara, zvekupfeka nezvimwe zvinhu zvinokosha zvekushandisa. Vanhu vakawanda vakaita mwedzi yakawanda vachingotya nekuti kwaigara kuchidengenyeka.”

 Sangano redu rakakurumidza kubatsira. Bazi rekuHaiti rakapa matani anopfuura 53 ezvekudya, uyewo matende, mamattress, uye macharger esolar ekuchajisa mafoni. Uyewo mugore rebasa ra2022, dzimba dzinopfuura 100 dzakagadziridzwa kana kuti kuvakwazve. Takashandisa mari inodarika 1 miriyoni pakuita basa iri rekuyamura.

Vachiendesera vanhu zvekudya kuHaiti

 Hama nehanzvadzi dzedu dzakatenda chaizvo. Lorette akati: “Imba yedu nebhizinesi redu zvakaparara pakaitika kudengenyeka uku. Takanga tisina kana chekudya. Asi sangano raJehovha rakatibatsira nezvese zvataida.” Micheline akati: “Kamba kandaigara nevanakomana vangu vaviri kakaparadzwa pakaitika kudengenyeka. Ndaisaziva kuti ndodii. Chandaingokwanisa kuita kunyengetera kuti Jehovha andibatsire uye akandipindura achishandisa sangano rake. Iye zvino tava neimba yakanaka kudarika yataiva nayo. Ndinoda kuita zvese zvandinogona kuti ndiratidze kuti ndinotenda zvandakaitirwa naJehovha.”

 Vehurumende vakaona zvataiita pakuyamura vakawirwa nenjodzi. Mukuru mukuru wepamahofisi eguta reL’Asile akati: “Ndinokutendai nekukurumidza kwamakaita kuuya kuzobatsira. Ndinokurumbidzai nekuti munoremekedza vane masimba. Ndinofara kuti hamusi vanhu vanoda mari asi munoda kubatsira vanhu. Rudo ndirwo runoita kuti muite zvamunoita.”

Dutu Rinonzi Ana Rakarova Malawi neMozambique

 Musi wa24 January 2022, dutu rinonzi Ana rakarova Mozambique richibva razonanga kuMalawi. Dutu iri rakaunza mvura yakawanda uye mhepo yaifamba makiromita 100 paawa. Rakadonhedza tambo dzemagetsi, rakaparadza mabhiriji uye rakakonzera mafashamo munzvimbo dzakawanda.

 Dutu iri rakavhiringidza upenyu hweZvapupu zvinopfuura 30 000 muMalawi nemuMozambique. Charles, imwe hama yaibatsira pakuyamura vanhu yakati: “Pandakaona hama dzichitambura uye kurasikirwa kwavakanga vaitwa nezvinhu zvavo, ndakarwadziwa chaizvo uye ndakashaya kuti ndodii.” Chimwe chakatoita kuti vanyanye kuomerwa ndechekuti zvekudya zvishoma zvavaiva nazvo uye zvavainge varima muminda zvakakukurwa nemvura. Dzimba dzakawanda dzakaparara. Zvinorwadza kuti mudzimai weimwe hama nevanasikana vayo vaviri vadiki vakanyura mumvura chikepe chakanga chauya kuzovanunura pachakapidiguka.

Imba yezvimwe Zvapupu yakawondomotswa nemvura kuMozambique

Imba yacho yavakwazve

 Dutu racho raityisa chaizvo. Nenguva dza1:00 pakati peusiku mutaundi reNchalo, kuMalawi, mhuri yekwaSengeredo yakanzwa kutinhira kunotyisa kwemvura. Paiva nenzizi mbiri dzakanga dzazara! Hama Sengeredo nemhuri yavo vakasarudza kusiya musha wavo. Ichi chaiva chisarudzo chekuchenjera nekuti pasina nguva mvura iyoyo yakaparadza musha wavo. Zvimwe zvinhu zvavo zvakakukurwa nemvura uye zvimwewo zvakakanganisika. Mhuri yacho yakafunga kuenda kuImba yeUmambo. Vaiwanzofamba kwemaminitsi 30 kuti vasvike paImba yeUmambo asi musi uyu vakaita maawa maviri. Vakasvika zvakanaka asi vainge vakatota uye varukutika.

 Bazi rekuMalawi nerekuMozambique rakakurumidza kuronga kuti vanhu vabatsirwe. Vakakumbira vatariri vematunhu nevakuru kuti vaongorore zvaidiwa nehama dzakanga dzawirwa nenjodzi uye kuti vavakurudzire nekuvanyaradza. MaKomiti Ekubatsira Panoitika Njodzi akaumbwa kuti atungamirire basa rekuyamura hama uye makomiti acho akabva atotanga kubatsira hama kuti dziwane zvekudya nezvimwe zvinokosha. Pakashandiswa mari inopfuura $33 000 pakubatsira vanhu uye inopfuura $300 000 pakugadziridza uye kuvakazve dzimba

 Makomiti aya akashandisa mari nekuchenjera. Izvi zvaikosha chaizvo nekuti mitengo yezvinhu yaingoramba ichikwira. Semuenzaniso, mumwedzi 7 yekutanga vachiita basa iri rekuyamura, muMalawi mutengo wehupfu wakakwira neinenge 70%. Mutengo wemafuta ekushandisa mumota wakakwirawo. Kuti vachengetedze mari, vakatenga zvekudya nezvekuvakisa zvakawanda uye vakazvitenga muMalawi imomo. Izvi zvakaita kuti vaderedzerwe mutengo uye vaderedze mari inodiwa pakutakura zvinhu zvacho.

 Basa iri rekuyamura rakabaya mwoyo yevanhu vaJehovha. Imwe hama yekuMozambique inonzi Felisberto yakati: “Handisati ndamboona sangano rinopa vanhu zvinhu zvakawanda kudaro: zvekuvakisa, zvekutakurisa zvinhu, vanhu vanoita basa rekuvaka, zvekudya uye mirayiridzo. Basa iri rekuyamura rakanyatsoratidza pachena rudo rwakataurwa naJesu pana Johani 13:34, 35.” Ester, imwe chirikadzi yekuMalawi, uyo ane imba yakaparadzwa akati: “Ndaisaziva kuti ndodii nekuti ndaisava nemari yekuvaka imwe imba. Saka hama padzakauya dzikandivakira, ndakaona sekunge kuti ndatova muParadhiso.”

 Tinotarisira kuona njodzi dzichitowedzera nyika itsva zvayava pedyo kudai. (Mateu 24:7, 8) Asi nemhaka yemipiro yamuri kupa, tine chivimbo chekuti vanhu vaJehovha vachawana rubatsiro rwavanenge vachida. Nzira dzekupa mipiro dzinotsanangurwa pakanzi donate.pr418.com. Tinokutendai nerupo rwenyu.

a Gore rebasa ra2022 rakatanga musi wa1 September 2021, rikapera musi wa31 August 2022.

b Mari yese iri kutaurwa munyaya ino ndeyekuAmerica.