Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MASHANDISIRWO ARI KUITWA MARI YENYU YEZVIPO

Mahofisi Eshanduro Ari Kubatsira Mamiriyoni Evanhu

Mahofisi Eshanduro Ari Kubatsira Mamiriyoni Evanhu

1 MARCH, 2021

 Inopfuura hafu yevashanduri vedu inoshanda iri kumahofisi eshanduro. Nei urongwa uhwu huchibatsira? Zvii zvinodiwa kuti vashanduri vanyatsoita basa ravo kumahofisi aya? Uye nzvimbo inoitira vashanduri basa ravo inobatsira sei kuti basa racho ribude zvakanaka?

 Hofisi yeshanduro inoita kuti vashanduri vagare munzvimbo inotaurwa mutauro wacho. Karin, uyo anoshandura mutauro weLow German, anoti: “Kubva patakauya kuhofisi yeshanduro iri kuCuauhtémoc, Chihuahua muMexico, tinogara tichitaura Low German nevandinoshanda navo, muushumiri uye patinoenda kunotenga. Tinogara pakati pevanhu vanotaura mutauro uyu. Tinonzwa madimikira atava nenguva tisina kumbonzwa uyewo tinonzwa mashoko matsva anenge ava kushandiswa nevanhu.”

 James uyo anoshanda neboka rinoshandura mutauro weFrafra kuGhana anoti dzimwe nguva anombosuwa kuva pamwe chete nevanoshanda vari paBheteri. Asi anozoti: “Ndinonakidzwa nekushanda pahofisi yeshanduro. Kuparidza nemutauro wevanhu vekuno uye kuona kufara kwavanoita pavanonzwa mashoko akanaka kunoita kuti ndifare.”

 Hama dzedu dzinosarudza sei nzvimbo inogona kushandiswa sehofisi yeshanduro? Joseph uyo anoshanda muDhipatimendi Rinoona Nezvemapurani Nekuvaka Pasi Rese kuWarwick, New York, USA anoti: “Rimwe dambudziko ratinosangana naro nderekuti dzimwe nzvimbo dzinonetsa magetsi, mvura uye Indaneti iyo inoshandiswa pakuita kuti vashanduri vakwanise kutumirwa basa ravo. Saka patinenge tichida kuva nehofisi yeshanduro tinoongorora nzvimbo dzakasiyana-siyana dzinotaurwa mutauro wacho.”

 Imwe nzira inoita kuti pakurumidze kuva nehofisi yeshanduro pasina kushandiswa mari yakawanda ndeyekuita kuti hofisi yacho ive paImba Yemagungano, Imba yeUmambo kana kuti paimba yemamishinari, uye vashanduri vanenge vachingonoshanda vodzokera kwavanogara. Kana pasina nzvimbo idzi, hama dzinogona kubvumidzwa kuti dzitenge nzvimbo dzakatovakwa kuti vashanduri vagare uye vashandire ipapo. Kana zvinhu zvikachinja, nzvimbo idzodzo dzinogona kutengeswa zviri nyore mari yacho yoshandiswa pane zvimwe zvinhu.

Zvinhu Zvinodiwa Kuti Basa Racho Rirambe Richiitwa

 Mugore rebasa ra2020, takashandisa mari yekuAmerica inosvika mamiriyoni 13 kuti basa rirambe richiitwa mumahofisi eshanduro. Vanhu vanoshanda pamahofisi aya vanoda makombiyuta, mapurogiramu emakombiyuta, zvinhu zvekushandisa pakurekodha, indaneti uye zvimwewo zvinhu zvekushandisa. Semuenzaniso, kuti munhu mumwe nemumwe ave nekombiyuta yake uye zvimwe zvinhu zvaanoda pakuita basa rake, panodiwa mari yekuAmerica inosvika $750. Makombiyuta aya anoiswa mapurogiramu akasiyana-siyana uye purogiramu yesangano inonzi Watchtower Translation System iyo inobatsira vashanduri kuti varonge basa ravo uye vakwanise kutsvakurudza.

 Vashanduri vanopiwawo zvinhu zvinoita kuti vakwanise kurekodha vari pamahofisi eshanduro. Zvinhu izvi zvakabatsira chaizvo pakatanga chirwere cheCOVID-19, nekuti vashanduri vakawanda vakakwanisa kuenda nezvinhu zvacho kumba ndokuenderera mberi nekurekodha zvinhu zvavainge vashandura uye mavhidhiyo.

 Vaparidzi vemunzvimbo dzacho vanowanzobatsira nekuongorora mabhuku anenge ashandurwa uyewo pamabasa anoita kuti mahofisi acho agare achiratidzika zvakanaka. Cirstin uyo anoshanda pahofisi yeshanduro yeAfrikaans kuCape Town muSouth Africa anoti: “Vaparidzi vakawanda uye mapiyona enguva dzese vane mukana wekushandisa zvipo zvavo pano.”

 Hama nehanzvadzi dzinofara chaizvo padzinowana mukana uyu. Imwe hanzvadzi inobatsira pahofisi yeshanduro inoti kushanda ipapo kunoita kuti ifare chaizvo. Dzimwe hama nehanzvadzi dzinoshandiswawo pakurekodha. Juana uyo anoshanda pahofisi yeshanduro yeTotonac muVeracruz kuMexico anoti: “Iye zvino nekuti tava kugara pedyo nemaguta anotaura mutauro wedu, zvava nyore kuti hama nehanzvadzi dzakawanda dzibatsire pakurekodha zvinhu zvekuteerera uye mavhidhiyo.”

 Asi kuva nemahofisi eshanduro, kuri kubatsira here pakuvandudza basa rekushandura? Vakawanda vanoverenga mabhuku edu vanoti zviri kubatsira. Cédric uyo anoshanda pahofisi yeshanduro yeKongo iri kuDemocratic Republic of Congo, anoti: “Dzimwe hama nehanzvadzi dzaimbotaura nezveshanduro yedu yeKongo dzichiiti ‘Kongo yemabhuku eZvapupu,’ nekuti handiwo mataurirwo aiitwa mutauro weKongo. Asi iye zvino vava kuti mabhuku edu ava kushandurwa sematauriro anoita vanhu mutauro wacho.”

 Andile anoshanda pahofisi yeshanduro yeXhosa anoti ndizvo zviri kuitikawo muSouth Africa. Anoti: “Vanhu vakawanda vari kutiudza kuti mabhuku edu ava kunzwisisika. Kunyange vana vaimboshandisa Nharireyomurindi yeChirungu iye zvino vava kushandisa yeXhosa. Vanonyanya kufarira mashandurirwo akaitwa Shanduro yeNyika Itsva yakadzokororwa.”

 Mari yese inoshandiswa kuti pave nemahofisi eshanduro, mahofisi acho arambe achiratidzika zvakanaka, uye kuchengeta vanoshanda ipapo inobva pamari yezvipo inopiwa kubasa remunyika yese, kusanganisira iya inopiwa pachishandiswa donate.pr418.com.