Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MASHANDISIRWO ARI KUITWA MARI YENYU YEZVIPO

Nhepfenyuro yeJW yepaSatellite Iri Kushandiswa Kunzvimbo Dzisina Indaneti

Nhepfenyuro yeJW yepaSatellite Iri Kushandiswa Kunzvimbo Dzisina Indaneti

1 APRIL 2021

 Mwedzi wega wega tinotarisira kuona mapurogiramu ekunamata uye mavhidhiyo anokurudzira anobuda paJW Broadcasting. Asi hama dzedu dzakawanda dzemuAfrica hadzikwanisi kuwana mapurogiramu aya dzichishandisa Indaneti. Nemhaka yei?

 Nzvimbo dzakawanda dziri muAfrica hadzina Indaneti. Munzvimbo dzainowanika haishandi zvakanaka kana kuti inodhura. Semuenzaniso mumwe mutariri wedunhu wekuMadagascar akambodhaunirodha purogiramu yeJW Broadcasting ari panzvimbo inobhadhariswa vanhu kuti vashandise Indaneti. Akabhadhariswa $16 uye mari iyi inopfuura inotambirwa nevamwe vanhu pavhiki! a

 Pasinei nematambudziko aya, mamiriyoni evanhu muAfrica ava kukwanisa kuona JW Broadcasting asingashandisi Indaneti. Vari kuzviita sei?

 Kubva muna 2017, vaya vanogara munyika dzemuAfrica dziri kumaodzanyemba kweSahara, vava kukwanisa kuona JW Broadcasting pamasatellite dish. Vanhu vanokwanisa kuona nhepfenyuro iyi mazuva ese mumitauro 16 vasingabhadhari.

Hama dzekuMozambique dzichigadzirisa mudziyo unoita kuti vakwanise kuona nhepfenyuro yeJW paImba yeUmambo muna 2018

 Kuti vakwanise kuita izvi, Zvapupu zvaJehovha zvinobhadhara imwe kambani inoita nezvenhepfenyuro yeTV kuti ibudise mapurogiramu eJW Broadcasting kunzvimbo dzakasiyana-siyana pachishandiswa masaisai. Masaisai acho anosvika kunyika 35 dzemuAfrica dziri kumaodzanyemba kweSahara. Zvapupu zvinobhadhara mari inopfuura $12,000 pamwedzi. Pane dzimwe nguva vanobhadhara imwe mari kuti vakwanise kushandisa imwe nhepfenyuro pakubudisa mamwe mapurogiramu anenge achiitwa. Izvi zvinoita kuti hama dzakawanda dzikwanise kunakidzwa nekuona magungano kana kuti mamwe mapurogiramu anoitwa panoshanyirwa mapazi.

Boka rekuMalawi rekuvaka reLDC richiona nhepfenyuro yepaTV yeJW muna 2018

 Vanhu vakawanda kusanganisira vaya vasiri Zvapupu, vanoona nhepfenyuro iyi paTV vari mudzimba dzavo. Asi dzimwe hama dzedu hadzikwanisi kutenga zvinhu zvinodiwa kuti dzikwanise kuona nhepfenyuro yacho. Dzimba dzeUmambo dzinodarika 3 670 dzakaiswa zvinhu zvinobatsira hama nehanzvadzi kuti dzikwanise kuona JW Broadcasting dzichishandisa nhepfenyuro iyi. Kana kuri kuti Imba yeUmambo itori neTV kana kuti purojekita nechekare zvimwe zvinhu zvinodiwa kusanganisira kuzvitakura, zvingangoda mari inosvika $70. Asi kana Imba yeUmambo isina zvese izvi panodiwa mari inogona kusvika $530.

 Hama nehanzvadzi dzedu dzinotenda chaizvo urongwa hwenhepfunyuro iyi. Mumwe mukuru wekuCameroon anoti: “Yakaita semana yatiri kupiwa semhuri tiri murenje.” Imwe hama yekuNigeria inonzi Odebode, inoti: “Tinoona nhepfenyuro iyi semhuri katatu pavhiki. Vana vangu vanofara chaizvo mazuva atinoona nhepfenyuro iyi. Kunyange pamazuva atisina kuronga kuiona, vanotokumbira kuti tiione.” Rose uyo anogarawo kuNigeria anoti: “Pane kungogara ndichiona nhau nguva dzese, iye zvino ndava kuona nhepfenyuro yeJW. Pandaiona nhau, ndaikurumidza kusvotwa nezvandaiona uye BP yangu yaitokwira. Asi JW Broadcasting inokurudzira uye inozorodza! Ndiyo nhepfenyuro yandinonyanya kufarira. Chipo chakakura chinobva kuna Jehovha.”

Mhuri yekuMalawi ichiona vhidhiyo yevana panhepfenyuro yedu yepaTV

 Mumwe mutariri wedunhu wekuMozambique anoti Dzimba dzeUmambo dziri mudunhu rake dzakaiswa zvinhu zvinoita kuti vanhu vakwanise kuona nhepfenyuro iyi. Hama dziri muungano idzi dzinosvika pachiine inenge awa kana kupfuura misangano isati yatanga kuti dzione JW Broadcasting.

Ungano yekuEthiopia yakanakidzwa nekuona JW Broadcasting vasingashandisi Indaneti muna 2018

 Pagungano renyika dzakawanda rakaitwa muna 2019 muJohannesburg, kuSouth Africa, nhepfenyuro iyi yakashandiswa kuti vamwe vaiva munzvimbo 9 vakwanise kunzwa hurukuro dzinokosha kusanganisira dziya dzaipiwa nehama iri muDare Rinotungamirira. Sphumelele, uyo anoshanda muDhipatimendi reBroadcasting pabazi rekuSouth Africa anoti: “Kare taishandisa Indaneti kuti vanhu vakwanise kunzwa hurukuro idzi. Asi izvi zvinoda Indaneti inoshanda zvakanaka uye Indaneti yacho inenge ichida kubhadharwa. Nhepfenyuro yeJW haidhuri uye inoshanda zvakanaka.”

 Zvipo zvenyu zvamuri kupa kubasa remunyika yese zviri kuita kuti hama nehanzvadzi dzedu dziri muAfrica dzikwanise kuona JW Broadcasting pamasatellite dish. Tinokutendai chaizvo nezvipo zvamuri kupa muchishandisa nzira dzakasiyana-siyana dziri pakanzi donate.pr418.com.

a Mari yese iri kutaurwa munyaya ino, imari yekuAmerica.