Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MASHANDISIRWO ARI KUITWA MARI YENYU YEZVIPO

Nziyo Dzinotiswededza Pedyo naMwari

Nziyo Dzinotiswededza Pedyo naMwari

1 NOVEMBER 2021

 Mimhanzi chipo chakanaka chatinopiwa naJehovha. Inogona kuchinja mafungiro nemanzwiro edu uye inotikurudzira. Izvi ndizvo zvinoitwa nenziyo dzedu dzinobuda paJW Broadcasting. Nziyo idzi dzinotiswededza pedyo naJehovha.

 Kubvira muna 2014, paJW Broadcasting pabudiswa nziyo dzinodarika 70 uye dzimwe dzinowanika mumitauro inodarika 500. Asi wakambozvibvunza here kuti, ‘Ndivanaani vanogadzira nziyo idzi uye zvinofamba sei kuti dzizosvika pakubudiswa?’

Basa Rinoitwa Kuti Pazova Nenziyo

 Nziyo dzinobuda paJW Broadcasting dzinobudiswa neboka rehama nehanzvadzi rinoita zvemimhanzi rinoshanda riri muDhipatimendi Rinoona Nezvemabasa Ekurekodha, uye dhipatimendi iri rinoshanda riri pasi peKomiti Yekudzidzisa yeDare Rinotungamirira. Boka iri rine hama nehanzvadzi 13 dzinobatsira pakunyora, pakurekodha uye pakuita mamwe mabasa anoita kuti nziyo dzacho dzibude zvakanaka. Uyewo, Komiti Yekudzidzisa yakabvumira kuti hama nehanzvadzi dziri munyika dzakasiyana-siyana dzinoshanda dziri kumba dzibatsire dzichiita zvekunyora nziyo, kuridza zviridzwa uye kuimba. Hama nehanzvadzi idzi dzinoratidza kuzvininipisa nekushandisa unyanzvi hwadzo dzisingazvitsvagiri mukurumbira.

 Zvinofamba sei kuti nziyo izobuda paJW Broadcasting? Chekutanga, Komiti Yekudzidzisa inosarudza kuti nziyo yacho inofanira kubva pamavhesi api uye kuti inofanira kuita kuti vateereri vanzwe sei. Boka rinoita zvemimhanzi rinobva rapa basa kune vanoita zvekunyora nziyo. Vanobva varekodha nziyo yacho kuti vari muKomiti Yekudzidzisa vanzwe kana iri kubuda zvakanaka uye kana paine pari kuda kugadziriswa. Vari muboka rinoita zvemimhanzi vanozogadzirisa panenge pachida kugadziriswa vobva vazorekodha kekupedzisira nziyo inozobudiswa paJW Broadcasting. Vanorekodha nziyo idzi munzvimbo dzakasiyana-siyana kusanganisira pamahofisi emapazi uye mudzimba.

 Hama nehanzvadzi dzedu dzinoshandisa mapurogiramu epakombiyuta akasiyana-siyana kuti dzinyore uye dzirekodhe nziyo. Basa iri rinodawo kuti pave nezvinhu zvakadai sezviridzwa, maamplifier, maspeaker, mamaikorofoni nezvimwewo. Maikorofoni imwe chete inogona kuita US$100 kana kutopfuura US$1 000. Muna 2020, takashandisa inosvika US$116 000 pakutenga zvinhu zvinodiwa pakurekodha mimhanzi.

 Zvii zviri kuitwa kuti mari ichengetedzwe? Pane kuita kuti pave neboka rakakura revanhu vanoita zvemimhanzi paBheteri, vakawanda vari kushanda vari kumba. Uyewo pane kuita kuti vanhu vakawanda vaungane panzvimbo imwe chete vachiridza zviridzwa, hama dziri kushandisa mapurogiramu epakombiyuta kugadzira mimhanzi.

“Dzinosimbisa Kutenda Kwangu”

 Hama nehanzvadzi dzinofarira kuteerera nziyo dzinobuda paJW Broadcasting. Tara, uyo anogara kuGermany anoti: “Nziyo idzi dzinondizorodza pandinenge ndichinetseka. Pandinodziteerera mumutauro wangu ndinonzwa sekuti Jehovha ari kundimbundira.” Imwe hama iri kuKazakhstan inonzi Dmitry inoti: “Ndinonakidzwa nekuteerera nziyo idzi nekuti pandinenge ndichidzinzwa handimbonetseki nekufunga kuti pamwe dzine mashoko anondikurudzira kuita zvinhu zvakaipa. Chinotonyanya kukosha ndechekuti dzinondibatsira kuti ndirambe ndichifunga zvinhu zvine chekuita nekunamata.”

 Delia ari kuSouth Africa, anotsanangura manzwiro aanoita nezvenziyo dzinobuda paJW Broadcasting. Anoti: “Dzinosimbisa kutenda kwangu. Pandinenge ndakasuruvara kana kuti ndiine dambudziko, ndinowana nziyo inondibatsira inenge ichienderana nezvandiri kusangana nazvo. Kakawanda kacho kungonzwa chuni yenziyo chete kunotoita kuti ndifare!”

 Vamwe vatova nenziyo dzinobuda paJW Broadcasting dzavanonyanya kufarira kudarika dzimwe. Lerato ari kuSouth Africa anoti: “Nziyo inonzi ‘Yatosvika’ neinonzi ‘Nyika Itsva’ dzinoita kuti ndifungidzire pachamutswa mhamha vangu. Pese pandinoteerera nziyo idzi ndinobva ndatovaona vachimhanya vachiuya kuzondimbundira.”

 Pane imwe nziyo yakabuda paJW Broadcasting yakanyanya kubatsira mumwe musikana ari kuSri Lanka. Anoti: “Mudzidzisi wangu wesainzi akandituka pamberi pekirasi yese nekuti ndiri Chapupu chaJehovha. Ndakatya uye ndakashaya zvekutaura. Pandakadzoka kumba amai vangu vakandikurudzira kuti nditeerere nziyo inonzi ‘Dzidza Ukure.’ Nziyo iyoyo yakandibatsira kuti ndione kuti ndinofanira kutsvakurudza uye kugadzirira zvekuzopindura. Zuva rakatevera racho ndakataura nemudzidzisi wangu. Akateerera zvandaitaura uye akati akanga ava kunyatsonzwisisa zvinotendwa neZvapupu zvaJehovha. Ndinotenda sangano raJehovha nekutipa nziyo dzinokurudzira kudai.”

 Mari iri kushandiswa pakubudisa nziyo idzi inobva kupi? Iri kubva pamari yezvipo iri kupiwa kubasa remunyika yese. Zvakawanda zvacho zviri kupiwa pachishandiswa nzira dzakasiyana-siyana dziri pakanzi donate.pr418.com. Tinokutendai chaizvo nezvipo zvamuri kupa.