Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MASHANDISIRWO ARI KUITWA MARI YENYU YEZVIPO

Rubatsiro Panguva yeCOVID-19

Rubatsiro Panguva yeCOVID-19

1 JULY 2021

 Muna March 2020, sangano reWorld Health Organization rakazivisa kuti chirwere cheCOVID-19 chakanga chiri kupararira pasi rese, asi panguva iyi vakawanda havana kumbofunga kuti chirwere ichi chaizoita rinopfuura gore rese chiriko. Mamiriyoni evanhu kusanganisirawo Zvapupu zvaJehovha vari kusangana nematambudziko ari kukonzerwa nechirwere ichi akadai sekushaya chekurarama nacho, kushungurudzika, uyewo kurwara chaiko. Zvapupu zvaJehovha zviri kubatsira sei vanhu panguva ino yeCOVID-19?

Kubatsira Vari Kushayiwa

 Komiti Yevanoronga yeDare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha, yakaita kuti pave neMakomiti Ekubatsira Panoitika Njodzi anodarika 950 ari kubatsira panguva yeCOVID-19. Mune dzimwe nzvimbo, hama dziri kubatsirana, kumwewo Zvapupu zvaJehovha zviri kubatsirwa nehurumende. Makomiti Ekubatsira Panoitika Njodzi, akarongawo kuti hama dziwane rubatsiro.

 Semuenzaniso, munyika yeParaguay, rimwe pepanhau rakataura kuti nemhaka yechirwere cheCOVID-19, “mhuri dzakawanda dziri kushaya zvekudya zvakakwana muParaguay.” Asi Makomiti Ekubatsira Panoitika Njodzi ari muParaguay akanga atotanga kupa vanhu tsapo dzine zvinhu zvavanogona kushandisa kwemavhiki maviri. Tsapo dzacho dzaiva nezvekudya, mishonga yekuchenesa nezvimwewo zvinokwana mhuri ine vanhu 4. Zvinhu zvaiva mutsapo imwe neimwe zvaiita inenge US$30.

 Vanoshanda mumakomiti aya vanozvidzivirira sei pachirwere cheCOVID-19? Vanopfeka mamask uye havanyanyi kuswedera pedyo nevanhu. Vanova nechokwadi chekuti makambani anounza zvekudya anoshandira munzvimbo yakachena uye anotevedzera mitemo yekuzvidzivirira pachirwere ichi. Vaya vanorongedza zvinhu zvinoiswa mutsapo dzatambotaura, vanopfeka zvipfeko zvekuzvidzivirira nazvo. Vanogeza mota dzavo uye nzvimbo dzichazoiswa tsapo dzacho vachishandisa mishonga inouraya utachiona. Vanozoendesa tsapo dzacho havaswederi pedyo nehama dzavachanopa.

Kushandisa Mari Yemipiro Zvakanaka

 Kutanga muna January 2021, Komiti Yevanoronga yakapa mvumo yekuti pashandiswe mari inopfuura US$25 miriyoni pakubatsira panguva yeCOVID-19. Mapazi uye Makomiti Ekubatsira Panoitika Njodzi ari kushandisa mari iyi zvakanaka uyewo ari kushanda nesimba kutsvaga mutengo wakaderera pavanenge vachitenga zvinhu zvinodiwa. Semuenzaniso, muChile hama dzinoshanda mukomiti iyi dzaida kutenga 750kg dzenyemba. Asi mutengo wenyemba wakakwira zvakapetwa kaviri mumwedzi mumwe chete! Pashure pemaawa maviri hama dzabvuma kutenga nyemba nemutengo wakakwirira, mutengesi akavaudza kuti pane mumwe munhu akanga adzosa nyemba dzaakanga ambotenga. Saka vakazotengeserwa nyemba dzacho nemutengo wakaderera wemwedzi wanga wapfuura!

 Asi hama padzakazoenda kunotora nyemba dzacho, mutengesi uya akaramba kuvapa achiti vaipa zvekudya vachiita zvekusarura vamwe sezvaiitwa nemamwe masangano. Imwe hama yakanyengetera nechemumwoyo ichibva yatanga kumutsanangurira kuti ungano imwe neimwe yakanga yanyatsoongorora kuti vave nechokwadi chekuti vabatsira vaya vari kunyatsoshayiwa. Vakatsanangurawo kuti zvinhu zvinodyiwa nevanhu zvinosiyana-siyana zvichienderana netsika dzavo, saka mutsapo imwe neimwe maizoiswa zvinhu zvinoenderana nezvinoshandiswa nemhuri imwe neimwe patsika dzavo. Vakazomuudzawo kuti Zvapupu zvaJehovha zvinoshandisa mari inopiwa nevanhu vachiita zvekuzvidira uye kuti vanhu vaiita basa racho vaisabhadharwa. Mutengesi akashamiswa nezvavakataura. Akabvuma kuvatengesera nemari yakaderera uye akati pavaizodzoka kuzotenga dzimwe, aizovapawo chipo chake che400kg dzenyemba.

“Vane Rudo Rwechokwadi”

 Imwe hanzvadzi inonzi Lusu inogara muLiberia, inogara nemwanasikana wayo, nemukwasha nevazukuru 3. Rimwe zuva mangwanani pavaidya vachiverenga rugwaro rwezuva, muzukuru wahanzvadzi Lusu ane makore 7 akaona kuti zvekudya zvakanga zvapera. Akabvunza kuti, “Saka tichadyei?” Hanzvadzi Lusu vakamuudza kuti vakanga vanyengetera vachikumbira kubatsirwa uye kuti vaiva nechokwadi chekuti Jehovha aizovapa zvavanoda. Ava masikati hanzvadzi Lusu vakafonerwa nevakuru vemuungano yavo vachivaudza kuti vauye kuzotora zvekudya. Vakati: “Muzukuru wangu ava kunyatsoziva kuti Jehovha anonzwa uye kuti anopindura minyengetero nekuti Jehovha akapindura munyengetero wangu.”

Vana vemuDemocratic Republic of Congo vakadhirowa mapikicha vachitenda zvekudya zvavakapiwa

 Mumwe mukadzi anogara kuDemocratic Republic of Congo akavakidzana neZvapupu zvaJehovha. Pashure pekuona vavakidzani vake vachipiwa zvekudya nevamwe vavanonamata navo, mukadzi wacho akati: “Pachapera COVID-19, tichavawo Zvapupu zvaJehovha nekuti tanyatsoona kuti vanobatsirana panguva dzakaoma.” Murume wake akamubvunza kuti: “Saka uchava Chapupu nemhaka yesaga remupunga here?” Mukadzi wacho akati, “Aiwa, asi saga remupunga rinoratidza kuti vane rudo rwechokwadi.”

 Panguva yechirwere ichi cheCOVID-19, Zvapupu zvaJehovha zviri kukwanisa kukurumidza kubatsira hama nehanzvadzi dzinoshayiwa nemhaka yemipiro yenyu yamuri kupa. Tinokutendai chaizvo nenzira dzakasiyana-siyana dzamuri kushandisa kupa mipiro dziri pakanzi donate.pr418.com.