Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MASHANDISIRWO ARI KUITWA MARI YENYU YEZVIPO

Zviri Kuitwa Pakugadzira Mavhidhiyo aMashoko Akanaka Akataurwa naJesu

Zviri Kuitwa Pakugadzira Mavhidhiyo aMashoko Akanaka Akataurwa naJesu

1 OCTOBER 2024

 Gore rino Zvapupu zvaJehovha zvanga zvakamirira chaizvo kubudiswa kweVhidhiyo 1 yaMashoko Akanaka Akataurwa naJesu. Mamiriyoni evanhu akatoiona. Iyi ingori yekutanga pamavhidhiyo 18 achabudiswa! Zvii zviri kuitwa kuti mavhidhiyo aya azovapo uye uri kutsigirawo sei basa racho?

Kutsigira Vatambi Nevamwe Vavanenge Vachishanda Navo

 Kubazi reAustralasia, uko kuri kugadzirwa mavhidhiyo aMashoko Akanaka, vanhu vanenge 50 kusvika 80 vanenge varipo panotorwa chikamu chimwe nechimwe chevhidhiyo iyi. a Vanhu vese ava vanopiwa zvekudya zvemasikati, zvemanheru netumwewo twekungodyira-dyira. Zvavanodya zvacho zvinogara zvarongwa pachine nguva refu. Esther, uyo anoshanda kudhipatimendi rinoona nezvekudya anoti: “Tinotenga kwakasiyana-siyana zvekushandisa pakubika kuitira kuti tiwane zvakanaka nemutengo wakati dererei. Uye tinogara tichichinja mabikiro atinoita kuitira kuti pasava nechikafu chakawanda chinoraswa.” Zuva rega rega, tinoshandisa mari inoda kusvika US$4 pazvekudya zvemunhu mumwe chete.

 Vanhu vese ava vatinenge tiinavo vanodawo kudzivirirwa kuti vasanyanya kutsva nezuva. Kakawanda kuAustralia kunenge kuine zuva, asi zuva racho rinogona kupisa zvekukanganisa utano. Kuti vanhu vasanyanya kukanganiswa nezuva iri uye vasapera simba nekutsva, panoiswa matende nezvimwe zvinobatsira kuti vanhu vatonhorerwe, uyewo hama dzinoita kuti pagare paine mafuta ekuzora anoita kuti ganda risanyanya kutsva nezuva, maamburera, uye mvura yekunwa. Kevin uyo anoshanda neVanoona Nezvemabasa Ekurekodha anoti: “Hama nehanzvadzi dzakawanda dzinoita basa iri dzinouya kuzoshanda dzichibva kumba kwadzo. Dzinoita basa iri nemamwewo mabasa dzichizvininipisa uye dzichifara. Zvaizotiomera kuita basa iri dzisipo.”

Kugadzira Firimu Redu Tisiri Pamahofisi Edu

 Zvimwe zvikamu hazvinyatsobuda zvakanaka kana zvikaitirwa pahofisi yebazi pasinei nekuti magadzira pekutorera firimu racho here kana kuti muri mustudio. Pakadaro tinotoenda kunzvimbo dzakasiyana-siyana. Sezvo mavhidhiyo acho achifanira kubudisa zvinhu zvinoenderana nenguva yakararama Jesu pakwainge kusina tambo dzemagetsi, migwagwa yemazuva ano, uye dzimba dzemazuva ano, vanotora mavhidhiyo acho vanowanzoenda kunzvimbo dziri kure nemaguta. Vanotakura zvipfeko zvavanenge vachishandisa, makamera, nezvimwewo zvinenge zvichidiwa, vonyatsozvichengetedza zvakanaka pavanenge vachishandira pacho. Vasati vatanga kugadzira firimu ravo, hama dzinova nechokwadi chekuti pane majenareta, mvura yakachena yekunwa, uye zvimbudzi. Vanhu vacho vese vanenge vachigara mudzimba dzeZvapupu, mumahotera, uye muzvinhu zvakadai semacabin.

Kugadzira firimu musiri mustudio kunewo matambudziko akwo

 Kugadzira firimu muri pane imwe nzvimbo yamunenge maenda kunodhura, kunotora nguva, uye kunonetesa munhu wese anenge aripo. Saka muna 2023, Dare Rinotungamirira rakabvumira kuti patengwe screen rakakura chaizvo rinoita U.S$ 2,5 miriyoni iro rinoita kuti zviite sekuti mafirimu edu ari kuekitirwa kunzvimbo dzacho chaidzo kwakaitikira zvatinenge tichizoona. Screen racho rinobudisa mapikicha akanyatsojeka anonyatsooneka zvekuti unotofunga kuti zviri kuitirwa panze. Saka izvi zviri kuita kuti tichengetedze mari yataizoshandisa pakuenda kunzvimbo dziri kure kunotora mafirimu edu. Darren, uyo ari muDare reBazi reAustralasia akati: “Kugadzira mafirimu tichishandisa screen iri kuri kubatsira kuti vanenge vachiita basa racho vasanyanya kuneta uye kuri kuita kuti zvive nyore kudzokorora panenge pachida kudzokororwa. Semuenzaniso, kana tichitora firimu panze, tinenge tiine maminitsi mashoma ekuti titore mifananidzo yezuva parinenge rava kunyura. Asi kana tichishandisa screen iri tinogona kuita zvekugadzira kunyura kwezuva kwacho toramba tichidzokorora kusvikira zvatinenge tichida zvabuda.”

Kugadzirira uye kuona kuti screen ichangotanga kushandiswa pakutora mavhidhiyo iri kushanda zvakanaka here

“Handina Kumbonzwa Sekuti Ndine Zvandakarasikirwa Nazvo”

 Panodiwa vanhu vakawanda chaizvo vanoekita uye vamwe vanobatsira kuti vhidhiyo imwe neimwe yaMashoko Akanaka ibude. Vanhu vese ava vanonzwa sei nezvavanoitirwa nehama nehanzvadzi kuti vakwanise kuramba vachiita basa ravo zvakanaka?

 Imwe hanzvadzi inonzi Amber, iyo yakafamba makiromita anopfuura 700 kubva kumba kwayo kuMelbourne kuti inoita basa iri yakanyora kuti: “Kubvira pandakaburuka panhandare yendege, hama dzekuBheteri dzakandigamuchira zvakazonaka. Vanhu vakawanda vepaBheteri vaindikoka kunodya kana kuti kunonwa tii. Panzvimbo yataigadzirira firimu redu, munhu wese aiita kuti ndinzwe ndakagadzikana uye ndichidiwa. Basa iri rakaita kuti ndiwane makomborero akawanda. Handina kana kumbonzwa sekuti ndine zvandakarasikirwa nazvo!”

 Derek uyo anoshanda nevanogadzira mavhidhiyo aya anoti: “Pane madhipatimendi akawanda chaizvo akatibatsira kubvira patakatanga. Ndinoonga chaizvo kuti tine hama nehanzvadzi dzakawanda dzakazvipira kushandisa nguva yadzo, zvinhu zvadzo, uye simba ravo pabasa iri. Vanotsigira basa iri nemwoyo wese uye vane rudo. Zviri pachena kuti Jehovha ari kuvakomborera uye ari kutikomborerawo. Ndakanyatsozvionera ndega kuti Jehovha anokoshesa zvese zviri zviviri, basa ratinoita uye maitirwo ebasa racho.”

 Tinokutendai chaizvo nemari yenyu yezvipo yamuri kupa, kusanganisira yamunopa muchishandisa chikamu chakanzi donate.pr418.com kuti mutsigire basa rekugadzira mavhidhiyo aya.

a Bazi reAustralasia ndiro rinoonawo nezvebasa redu riri kuitwa munyika dzakawanda kusanganisira Australia nedzimwewo nyika dziri kuSouth Pacific. Bazi iri riri nechekunoperera guta rinonzi Sydney riri muAustralia.