MASHANDISIRWO ARI KUITWA MARI YENYU YEZVIPO
Zvivakwa Zvinokudza Murayiridzi Wedu Mukuru
1 JULY 2023
Jehovha anoda chaizvo kudzidzisa vanhu vake. Ndokusaka sangano rake rakaita kuti pave nezvikoro zvakasiyana-siyana zvinobatsira vadzidzi kuti vazokwanisa kuita mabasa avanenge vapiwa. Chimwe chezvikoro izvozvo Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo, (SKE). Mumakore achangopfuura, sangano raMwari ranga richivandudza zvinodzidzwa nevadzidzi uyewo zvivakwa zvinoitirwa zvikoro zvacho. Chinangwa chikuru chekuita izvi ndechekuti zvive nyore kuti varayiridzi vaite basa ravo uyewo zvive nyore kuti vadzidzi vadzidze zvakanaka. Mipiro yamuri kupa iri kutibatsira sei kuita izvi?
Kukwanisa Kudzidzisa Vadzidzi Vakawanda Muzvivakwa Zvakanaka
Kwemakore akawanda, zvikoro zvesangano zvaiitirwa muDzimba dzeUmambo kana kuti paDzimba Dzemagungano. Asi munguva ichangobva kupfuura, nei takavaka kana kugadziridza zvimwe zvivakwa kuti zvishandiswe kuitira zvikoro zvesangano chete? Ona zvikonzero zvitatu zvinotevera.
Pari kudiwa vanhu vakawanda vakapinda zvikoro. Christopher Mavor, anobatsira Komiti Yebasa yeDare Rinotungamirira akati: “Mahofisi emapazi akatiudza kuti pari kudiwa hama nehanzvadzi dzakawanda kuti dzinobatsira mundima. Semuenzaniso, muna 2019, bazi reBrazil raifungidzira kuti paidiwa vanhu vanosvika 7 600 vakapinda SKE kuti vabatsire mundima yebazi ravo.” Bazi reUnited States rakataura kuti paidiwa mapiyona akadzidziswa aigona kudzidzisa vamwe kuparidza munopfuura nevanhu vakawanda mumaguta, kuparidza munomira zvikepe uye mumajeri. Pari kudiwawo hama kuti dzishande muDhipatimendi Remapurani Nekuvaka uye muMakomiti Ekukurukura Nezvipatara. Vanhu vanenge vapinda chikoro cheSKE vanogona kubatsira pakuita zvinhu izvi.
Pari kudiwa kuti vadzidzi vakawanda vapinde. Mumapazi akawanda pane vakawanda vari kunyorera kupinda chikoro ichi vanopfuura nekure vanhu vavanokwanisa kutora. Semuenzaniso, muBrazil, mugore rimwe chete bazi rakagamuchira mafomu anenge 2 500 evanhu vaida kupinda chikoro ichi. Bazi rakangokwanisa kutora vanhu 950 chete nekuti rakanga risina nzvimbo dzakakwana dzekuti vadzidzi vese ivavo vapinde.
Pari kudiwa pekugara pakakodzera. Vadzidzi pavanopindira chikoro paImba yeUmambo kana kuti paImba Yemagungano, kazhinji kacho vanogara padzimba dzehama nehanzvadzi dziri munharaunda yacho. Urongwa ihwohwo hunoshanda munyika dzisingaitwi makirasi akawanda. Asi munyika dzinoitwa makirasi akawanda, hama dzingasakwanisa kugara nevadzidzi kwemwedzi yakawanda. Saka panoitwa urongwa hwekuti kuti pave nezvivakwa zvekuti vadzidzi vagare zvinenge zviri pedyo nepanoitirwa chikoro.
Zvichienderana nenzvimbo yacho nezvimwewo, panogona kudiwa mamiriyoni emadhora ekuAmerica kuti pavakwe kana kugadziridzwa zvivakwa zvinenge zviine kirasi imwe chete, pekugara pevarayiridzi nevadzidzi vanenge 30 nezvimwewo zvinhu zvinodiwa kuti vashandise.
Zvinenge Zvakaita Zvivakwa Zvacho
Kazhinji zvivakwa izvi zvinenge zviri munzvimbo dzisina ruzha kunze kwemaguta makuru asi dzisinganetsi kuwana zvekufambisa zveveruzhinji. Nzvimbo dzinonyanya kudiwa ndedziya dzinenge dziine vaparidzi vakawanda vanokwanisa kuzobatsira kuita kuti zvinhu zvifambe zvakanaka pachikoro pacho uye pagare pakanaka.
Pazvivakwa izvi panenge paine maraibhurari, nzvimbo dzekuverengera, makombiyuta, maprinda nezvimwewo. Kazhinji kacho panenge paine imba yekudyira kuitira kuti varayiridzi nevadzidzi vadye pamwe chete. Panenge painewo pekuitira maekisesaizi nenzvimbo dzekuti vanhu vambofurwa nemhepo.
Kirasi yacho inonyatsogadzirwa zvakanaka. Imwe hama inonzi Troy inoshanda muDhipatimendi Remapurani Nekuvaka Pasi Rese riri kuWarwick, New York yakati: “Takakurukura neDhipatimendi Rezvikoro Zvesangano kuti tiwane mazano pataigadzira mapurani emakirasi aizoita kuti vadzidzi vadzidze zvakanaka. Hama dzacho dzakatibatsira panyaya yekuti makirasi acho anofanira kunge akakura sei, zvinhu zvinofanira kunge zvakarongwa sei mukati macho, uyewo kuti munodiwa malights, magudzanzwi nezvekuonesa mavhidhiyo zvakaita sei.” Achitaura nezvekuiswa kwemagudzanzwi mukirasi, mumwe murayiridzi wechikoro cheSKE wekuHungary anonzi Zoltán akati: “Pakutanga, tainge tisina mamaikorofoni saka taitofanira kugara tichiyeuchidza vadzidzi kuti vataurise. Asi dambudziko racho rakagadziriswa nekuti iye zvino panenge pakagara vadzidzi panenge paine mamaikorofoni!”
“Vaenzi vaJehovha Vanokosha”
Zvivakwa izvi zviri kubatsira sei varayiridzi nevadzidzi? Angela, uyo akapinda chikoro cheSKE muPalm Coast, kuFlorida, U.S.A, akati: “Nzvimbo yacho yakanyarara. Zvinhu zvese zvakanyatsorongwa zvakanaka, kusanganisira mukirasi macho nemudzimba dzatinogara zvekuti tinokwanisa kuisa pfungwa pane zvatinenge tichidzidza.” Csaba, mumwe murayiridzi wekuHungary, anonakidzwa nekudya pamwe chete nevadzidzi. Anoti pavanenge vachidya vese, “vadzidzi vanowanzosununguka kutaura zvavakasangana nazvo muupenyu hwavo. Izvi zvinoita kuti tiwedzere kuziva vadzidzi zvekuti tinokwanisa kunyatsoita kuti zvatinenge tichivadzidzisa zvienderane navo.”
Vadzidzi nevarayiridzi vanoona zvivakwa izvi sechikomborero chinobva ‘kuMurayiridzi Mukuru’ Jehovha. (Isaya 30:20, 21) Imwe hanzvadzi yekuPhilippines yakapinda chikoro cheSKE pachivakwa chakanga chagadziridzwa kuti chishandiswe sechikoro yakati: “Zvakaita pachikoro apa zvakatiyeuchidza kuti taisangova vadzidzi chete asiwo kuti taiva vaenzi vaJehovha vanokosha. Anoda kuti tifare patinenge tichinyatsodzidza Shoko rake.”
Zvivakwa zvekuitira zvikoro zvinogona kuvakwa, kugadziridzwa, uye kuitwa kuti zvigare zvakanaka nemhaka yemari yezvipo yamuri kupa, yakawanda yacho muchishandisa chikamu chakanzi donate.pr418.com. Tinokutendai chaizvo nerupo rwenyu.
Panopindwa napo pachikoro chiri muPalm Coast, kuFlorida, U.S.A.
Chigadzirwa chinoratidza zvakanga zvakaita temberi munguva yaJesu, chiri panosvikira vaenzi pachikoro chiri muPalm Coast, kuFlorida, U.S.A.
Hanzvadzi mbiri dzichisvika paChikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo muBrazil
Chikoro chichiitwa muBrazil
Murume nemudzimai nehanzvadzi mbiri dzichisvika paChikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo muPhilippines
Vanhu vachidya pamwe chete vachifara muimba yekudyira yepachikoro muPhilippines