Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pane basa rakakura chaizvo pakugadziridza bazi rekuJapan (kuruboshwe) uye kuwedzera zvivakwa zvebazi rekuAngola (kurudyi)

MASHANDISIRWO ARI KUITWA MARI YENYU YEZVIPO

Zvivakwa Zvinotibatsira Pakuparidza

Zvivakwa Zvinotibatsira Pakuparidza

20 OCTOBER 2023

 Dare Rinotungamirira rinoda chaizvo kushandisa mari yezvipo kuti tivakirwe zvivakwa zvinotibatsira kuti tikwanise kuita basa rekuparidza nezveUmambo. Semuenzaniso, mugore rebasa ra2023, masangano epamutemo anoshandiswa nemahofisi emapazi eZvapupu zvaJehovha akashandisa mari inopfuura US$500 miriyoni kutenga, kuvaka uye kugadziridza Dzimba dzeUmambo neDzimba Dzemagungano pasi rese. Asi panewo imwe mari yakashandiswa neungano pasi rese pakuchengetedza Dzimba dzeUmambo dzichishanda zvakanaka.

 Mari yezvipo inoshandiswawo kuvaka uye kuchengetedza zvivakwa zvemapazi, izvo zvinoshandiswa pakuronga uye kutsigira basa rekuparidza pasi rese. Takachinja maitirwo aiitwa zvimwe zvinhu pamapazi edu kuitira kuti mari yataimboshandisa pazvinhu izvozvo ishandiswe kuvaka uye kugadziridza Dzimba dzeUmambo neDzemagungano. Asi pachiri kudiwa mari yakawanda yekugadziridza mahofisi emapazi, kuavandudza kuti aenderane nenguva, kana kuti kuvaka mamwe kune imwe nzvimbo. Nei mabasa aya akakosha? Mahofisi emapazi anotsigira sei basa rinokosha riri kuitwa mundima? Ngationei.

‘Kuita Kuti Zvivakwa Zvigare Kwenguva Refu’

 Mahofisi emapazi akawanda ava nemakore anodarika 30 kana kuti 40 avakwa! Nicholas, uyo anoshanda muDhipatimendi Rinoona Nezvemapurani Nekuvaka Pasi Rese, anoti: “Kunyange chivakwa chinogara chichigadziridzwa chinopedzisira chasakara nekufamba kwenguva. Kugadziridza zvivakwa kunoita kuti zvigare kwenguva refu.”

 Zvivakwa zveBheteri zvinofanirawo kugadziridzwa kuti zvienderane nekuchinja kunenge kuchiita zvinhu musangano. Pasi rese, nhamba yevaparidzi yawedzera chaizvo kubva pakavakwa mapazi akawanda. Izvi zviri kuita kuti padiwe vanhu vakawanda vanozvipira kushanda pamahofisi iwayo. Saka izvi zvava kuita kuti zvimwe zvivakwa zviite zvidiki.

 Zvakakoshawo kuti tifunge nezveupenyu hwevanhu vanoshandisa zvivakwa zvedu. Sezvo tiri mumazuva ekupedzisira, tiri kuwirwa nenjodzi dzakawanda dzinongoitika dzega. (Ruka 21:11) Patinoshandisa nzira dzekuvaka dziriko mazuva ano pakugadziridza zvivakwa zvedu, zvinobatsira kuti upenyu hwevanhu vanoshandisa zvivakwa izvozvo husava pangozi. Zvivakwa izvi zvinogona kuzoshandiswawo pakuronga mabasa ekuyamura vaya vanenge vawirwa nenjodzi dzinongoitika dzega, uye kuramba tichitsigira basa riri mundima pashure penjodzi.

“Jehovha Akakomborera Chisarudzo Chacho”

 Mugore rebasa ra2023, Dare Rinotungamirira rakaita kuti paitwe basa rekuvaka pamapazi 43. Izvi zvinoreva kuti pane mamwe mabasa ekuvaka akaitwa painenge hafu yemaBheteri ari pasi rese. Ona zvimwe zvinoratidza kukosha kwebasa iri.

 Angola. Matt, uyo ari muDare reBazi rekuAngola akati: “Tine chikomborero chekuona uprofita huri pana Hagai 2:7 huchizadziswa nenzira inoshamisa. Mumakore 10 chete apfuura, takaona nhamba yevaparidzi ichiwedzera neinopfuura hafu! Mhuri yeBheteri yaitofanira kuwedzera zvakapetwa katatu kuti tigone kuita basa raidiwa. Asi zvivakwa zvedu zvaiva zvishoma, saka taisakwanisa kukoka vanhu vakawanda kuti vauye kuzogara paBheteri. Izvi zvakaita kuti vashandi vepaBheteri varemerwe nebasa uye vashande kwemaawa akawandisa pazuva.”

Mahofisi matsva (kurudyi) ari kuita kuti zvive nyore kuita basa

 Hama dzakapiwa basa rekuongorora zvavaifanira kuita kuti paBheteri pave nevashandi vakawanda. Pakutanga hama dzacho dzakafunga kuti zvinhu zvaizokurumidza kufamba kana vakagadziridza zvivakwa zvaitovapo kare pabazi. Asi pashure pekunge vanyatsoongorora, vakaona kuti kugadziridza zvivakwa zvaivapo nechekare yaisava nzira yakanakisisa yekushandisa mari yezvipo. Saka vakaona kuti zvaigona kubatsira kana pakatengwa chivakwa chaiva pedyo chobva chagadziridzwa. Matt akati, “Pakaudzwa Dare reBazi nyaya yekutenga uye kugadziridza chivakwa chaiva pedyo, taityira kuti chivakwa chacho chaisazoenderana nezvataida. Asi pachakagadziridzwa takazoona kuti chinonyatsoenderana nezvatinoda. Jehovha akakomborera chisarudzo chacho.”

Zvivakwa zviri paBheteri zviri kugarwa nevashandi zvinogona kuzogadziridzwa, zviri kuita kuti vashandi vakawanda vatsigire kuwedzera kuri kuita basa mundima

 Nekufamba kwenguva, zvimwe bazi rekuAngola richada kuzowedzera zvimwe zvivakwa. Asi pari zvino bazi iri riri kukwanisa kuramba richitsigira basa riri kuitwa mundima, iro riri kuramba richiwedzera nekuti vava nechivakwa ichi chitsva uye pane zvimwe zvivakwa zviri paBheteri zviri kugarwa nevashandi zvinogona kuzogadziridzwa kuti vamwe vashandi vazogara. Vari kurendawo dzimwe dzimba pedyo neBheteri kuti vashandi vagare.

Hanzvadzi dzakawanda dziri kunakidzwa nekushanda pabazi rekuAngola

 Japan. Zvivakwa zvinonyanya kushandiswa pabazi iri zvakavakwa anenge makore 40 adarika uye zvakawanda zvacho hazvina kumbobvira zvagadziridzwa zvakanyanya. Pasinei nekuti hama dzaiita zvese zvadzaigona kuti dzichengetedze zvivakwa zvacho, zvivakwa izvi zvashandiswa kwenguva yakareba kupfuura yazvaifanira kushandiswa. Ndosaka iye zvino tava kuzvigadziridza.

 Maitirwo ezvinhu paBheteri achinjawo mumakore adarika. Tisati tasvika mugore ra2015, mhuri yeBheteri yaibikirwa zvekudya zvese. Saka dzimba dzepaBheteri dzaiva nekicheni diki. Iye zvino kakawanda kacho vashandi vepaBheteri vava kuzvibikira vega. Pavari kugadziridza zvivakwa izvi, vari kuita kuti makicheni acho ati kurei kuitira kuti zvive nyore kuti vashandi vepaBheteri vabike zvekudya zvavo. Imwe hanzvadzi inoshanda pabazi rekuJapan inonzi Kumiko yakati, “Ndinonyatsonzwa ndakasununguka pandinenge ndiri mukicheni umu. Kugadziridzwa kwaitwa makicheni aya kuri kundibatsira kuti ndinyatsotsigira urongwa hutsva hwakaitwa paBheteri.”

Kicheni itsva (kurudyi) dzakagadziridzwa kuti dzinyatsoenderana nezvava kudiwa nemhuri yeBheteri

 Bazi rekuJapan rinoita basa rinokosha chaizvo pakutsigira kuparidzwa kwemashoko akanaka pasi rese. (Mateu 28:19, 20) Bazi reJapan ndiro rimwe remapazi maviri anoprinda maBhaibheri akazara. Saka rimwe basa riri kuitwa nderekuisa muchina wekubvisa guruva munoprindwa kuitira kuchengetedza utano hwevanoshanda imomo. Muchina uyu waida mari inoda kusvika US$1 000 000 kuti utengwe uye uiswe asi izvozvo zvichaita kuti bazi iri rikwanise kuramba richiprinda uye kutumira mabhuku kune dzimwe nyika.

Muchina wekubvisa guruva munoprindirwa uchachengetedza utano hwevanoshanda imomo

 Hama dzakava nechokwadi chekuti basa rekuprinda maBhaibheri raizoramba richienderera mberi paigadziridzwa zvivakwa zvacho. Imwe hama iri muDare Rebazi rekuJapan inonzi Trey yakati: “Paigadziridzwa zvivakwa, sangano redu rakaramba richibudisa maBhaibheri akawanda uye vanhu vakawanda pasi rese vaida maBhaibheri. Madhipatimendi akawanda aifanira kushanda pamwe chete nekambani yaiisa muchina mutsva kuti varonge kuti inguva ipi yavaizoita zvekuisa muchina wacho uye yavaizoprinda maBhaibheri nemabhuku.” Pasinei nekuoma kwazvanga zvakaita, maBhaibheri anoda kusvika 220 000 akaprindwa mwedzi wega wega kubva muna March kusvika muna August 2023. Mumwedzi iyi ndimo mainyanya kuitwa basa rakakura rekugadziridza munoprindwa. Mabasa ese aya akaitwa pasingashandiswi mari yakawanda kupfuura yakanga yakarongwa.

 Rimwe basa guru rakaitwa pakugadziridza zvivakwa izvi raiva rekuita zvinhu zvinoita kuti pachengetedzwe magetsi. Pachaiswa masolar matsva, ayo achaita kuti pachengetedzwe mari inoda kusvika US$120 000 gore rega rega. Pachaiswawo mahwindo achabatsira kuti muzvivakwa musanyanya kupisa kana kutonhora, zvoderedza kushandiswa kwezvinhu zvinoda magetsi. Izvi zvichachengetedza mari inoda kusvika US$10 000 gore rega rega. Kunyange zvazvo izvi zvichiita kuti mari inodiwa pakugadziridza zvivakwa izvi iti wedzerei, zvinhu izvi pazvichasakara zvekuti zvinenge zvava kuda kubviswa, tinenge tachengetedza mari inoda kusvika US$3 500 000. Izvi zvichaita kuti tisakanganisa nharaunda.

Mahwindo achabatsira kuderedza kushandiswa kwemagetsi

“Pachine Basa Rakawanda Rinoda Kuitwa”

 Basa rakaitwa pakugadziridza zvivakwa zvepamapazi aya maviri, rinoratidza kuti pane basa rakawanda rinoda kuitwa kuti zvivakwa zvedu zvemapazi zvikwanise kutsigira basa riri kuitwa mundima. Asi basa iri harisati rapera. Aaron uyo anoshanda muDhipatimendi Rinoona Nezvemapurani Nekuvaka Pasi Rese akati: “Pane zvakawanda zvakaitwa asi pachine basa rakawanda rinoda kuitwa.” Basa iri richaitwa sei? Anoenderera mberi achiti: “Tinotenda chaizvo mipiro iri kupiwa kuti tikwanise kuita mabasa aya uye vese vakazvipira kubatsira pamwe chete nevari kugadzirisa zvinhu muupenyu hwavo kuti vazobatsirawo mune ramangwana. Zviri kuitwa nehama nehanzvadzi zviri kunyatsotiratidza kuti Jehovha ari kukomborera basa iri.”—Pisarema 110:3.

 Mabasa edu ese ekuvaka uye kugadziridza zvivakwa anotsigirwa nemari yezvipo yamuri kupa, yakawanda yacho muchishandisa chikamu chakanzi donate.pr418.com. Tinokutendai chaizvo nezvipo zvamuri kuramba muchipa.