Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CAMILLA ROSAM | NYAYA YEUPENYU

Ndakaita Kuti Kuteerera Jehovha Kuve Pekutanga Muupenyu Hwangu

Ndakaita Kuti Kuteerera Jehovha Kuve Pekutanga Muupenyu Hwangu

 Muna 1906, mbuya nasekuru vangu vakadzidza zvichaitwa neUmambo hwaJehovha pashure pekunge mwana wavo afa nechirwere chediphtheria. Chiremba wavo aiva mumwe weVadzidzi veBhaibheri, sekuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Akavaudza nezvetariro inonyaradza iri muBhaibheri, kusanganisira tariro yerumuko. Izvi zvakaita kuti mbuya nasekuru vangu, uye amai vangu nemukoma wavo vave Vadzidzi veBhaibheri.

 Vese vakashumira Jehovha vachishingaira kwemakore akawanda. Pairatidzwa “Photo-Drama of Creation” muChicago, Illinois, muUnited States, mbuya, amai vangu, nemukoma wavo vaitoitawo basa rekupa vanhu pekugara. Zvinongorwadza ndezvekuti amai chete ndivo vakazoramba vachishumira Jehovha. Izvi zvaisava nyore kuna amai nekuti nguva yese iyi, kusvikira kuma1930, mhuri yese yainge yakabatana ichinamata pamwe chete. Kuvimbika kwavo uye kuteerera kwavaiita Jehovha kwakandikurudzira chaizvo. Ndakakurudzirwawo nezvaiitwa naBaba vangu avo vaivawo Mudzidzi weBhaibheri akatendeka.

Pikicha yemhuri yedu muna 1948

 Ndakaberekwa muna 1927 ndiri dangwe pavana 6. Tese takaramba tiri muchokwadi. Baba vaiita basa rekuveza uye taiva neimba yakanaka yaiva nechekunze kweguta reChicago. Taiva negadheni remuriwo rakakura uye taichengeta huku nemadhadha.

 Ndainakidzwa nekushanda. Rimwe remabasa andaiita nderekusona masokisi evanhu vepamba pedu anenge abooka. Mazuva ano hazvichanyanyi hazvo kuitwa, asi kare ikako, kana masokisi akabooka aisangoraswa. Panenge pabooka pacho paisonwa netsono neshinda. Kudzidza basa iri kwakandibatsira chaizvo nekuti ndakazosona zvinhu zvakawanda chaizvo muupenyu.

Vabereki Vangu Vakaratidza Muenzaniso Wakanaka

 Baba vangu vaiva nechokwadi chekuti mhuri yedu yaigara ichiita zvinhu zvekunamata. Saka taipinda misangano yese yechiKristu, taigara tichiita basa rekuparidza uye mazuva ese taiva nevhesi yeBhaibheri yataikurukura. Manheru emusi weMugovera taidzidza Bhaibheri tichishandisa Nharireyomurindi.

 Kuti vakwanise kuparidzira vavakidzani vedu, Baba vakaisa chikwangwani chaishandisa magetsi pahwindo remuimba yedu yekutandarira. Chikwangwani ichi chakagadzirwa nehama dzedu dzechiKristu uye chairatidza musoro wehurukuro yavose kana rimwe remabhuku edu. Chiedza chaiva pachikwangwani ichi chaibaka chichidzima, izvo zvaibva zvaita kuti vanhu vaipfuura vakurumidze kuchiona. Baba vakaisawo zvimwe zvikwangwani zviviri pamotokari yedu.

Amai vachienda nesu kunoparidzira nemagiramufomu

 Baba vangu vakatidzidzisa nezvavaitaura uye zvavaiita kuti kuteerera Jehovha kunokosha. Amai vaitsigirawo baba pane zvese zvavaiita. Amai vakatangawo kushumira sapiyona wenguva dzese, munin’ina wangu gotwe paaiva nemakore 5 uye vakaramba vachipayona kweupenyu hwavo hwese. Ndaiva nevabereki vakazonaka.

 Kare ikako upenyu hwainge hwakasiyana chaizvo nezvahwava mazuva ano. Takanga tisina TV, saka ini nevanin’ina vangu nehanzvadzi dzangu taigara pasi tichiteerera redhiyo pachibudiswa zvirongwa zvakasiyana-siyana zvainakidza. Asi chainyanya kutinakidza semhuri kuteerera mapurogiramu ekunamata aibudiswa nesangano raJehovha paredhiyo.

Magungano, Magiramufomu Uye Zvikwangwani

 Tainakidzwa nekupinda magungano eZvapupu zvaJehovha. Pagungano rakaitwa muna 1935, takadzidza kuti “boka guru,” rinotaurwa pana Zvakazarurwa 7:9, 14 iro richapona “kutambudzika kukuru,” rine tariro yekurarama nekusingaperi muParadhiso panyika. Gore ra1935 risati rasvika vabereki vangu vaidya chingwa nekunwa waini paChirangaridzo. Asi pashure pegungano iroro, Baba vangu chete ndivo vakanga vava kudya nekunwa. Amai vakanga vava kuziva kuti tariro yavo yaisava yekunotonga naKristu kudenga asi yekurarama nekusingaperi panyika.

 Muna 1941, pagungano rakaitwa kuSt. Louis, Missouri, Joseph Rutherford, uyo aitungamirira basa reZvapupu makore iwayo, akabudisa bhuku rinonzi Children. Vanhu vakaombera zvisingaiti! Ndaiva nemakore 14 uye ndakanga ndabhabhatidzwa gore rakanga rapfuura racho. Ndichiri kunyatsoyeuka ndakamirawo mumutsetse nevamwe vana tichifamba takananga kuchikuva kuti ndinotorawo bhuku rangu.

Ndiina Lorraine muna 1944

 Mumakore iwayo, ushumiri hwaiitwa zvakasiyana nezvahwava kuitwa mazuva ano. Kuma1930, taishandisa magiramufomu kuti tiridzire vanasaimba hurukuro dzeBhaibheri dzakarekodhwa. Tisati tagogodza pasuo, taitanga nekuwainda giramufomu, tova nechokwadi chekuti rekodhi netsono yacho zviri panzvimbo. Saimba paaibuda, taipa sumo pfupi tobva taridza hurukuro yacho yainge yakareba maminitsi 4 nehafu, tobva tazopa munhu wacho chinyorwa. Vanhu vaiva munharaunda yedu vainyatsoteerera. Handiyeuki kana paine munhu aisatigamuchira zvakanaka. Pandakatanga kupayona ndiine makore 16, Baba vangu vakandipawo giramufomu rangu rekuti ndishandise muushumiri, uye ndaidada naro. Ndaipayona neimwe hanzvadzi yakazonaka yainzi Lorraine

 Imwe nzira yataishandisa kuparidza ndeyekufora tiine zvikwangwani. Taiita zvekupfeka zvikwangwani izvi, chimwe chiri nechemberi, uye chimwe chiri kumashure. Zvaiva nemashoko akadai seekuti “Chitendero Musungo uye Chinonyengera” uye ekuti “Shumira Mwari naKristu Mambo.”

Mufananidzo watakatorwa tichiparidza nezvikwangwani

 Misangano yedu yaibatsira kuti tigare takagadzirira kupikiswa uye yaitidzidzisa zvekutaura kuti tidzivirire chokwadi. Takazopikiswawo zvechokwadi. Semuenzaniso, patakatanga kuparidzira tichipa vanhu magazini pane zvimwe zvitoro panouya vanhu vakawanda, mapurisa akatitora akaenda nesu kukamba. Vakatisunungura pashure pemaawa akati kuti, uye takaenda hedu tichifara kuti takanga tatambudzirwa kuteerera Jehovha.

Kuroorwa, Giriyedhi Uye Kudaidzwa kwaEugene Kuchiuto

Ini naEugene musi watakachata

 Nekufamba kwenguva, Lorraine akaita kuti ndizivane neimwe hama inonzi Eugene Rosam, yaakanga asangana nayo pagungano rakaitirwa muguta reMinneapolis, kuMinnesota. Eugene akakurira muguta reKey West, kuFlorida. Paaiva mugiredhi rechi10, akadzingwa chikoro nekuti akaramba kubatanidzwa pachiitiko chekukudza nyika. Akabva angotanga kupayona ipapo. Rimwe zuva akasangana nemumwe musikana waaidzidza naye kuchikoro. Musikana uyu akashamisika kuti nei Eugene akanga adzingwa chikoro nemagonero aaiita. Mhinduro dzaEugene dzaibva muBhaibheri dzakaita kuti musikana uyu ade kudzidza Bhaibheri. Akazobhabhatidzwa akava hanzvadzi yakatendeka.

Pataiva muguta reKey West muna 1951

 Ini naEugene takachata muna 1948. Takabva tangotanga kupayona pamwe chete muKey West. Pava paya, takazodaidzwa kuti tipinde kirasi yechi18 yeChikoro cheGiriyedhi, iyo yakazogirajuweta kutanga kwa1952. Kuchikoro ichi, takadzidziswawo mutauro wechiSpanish saka taitarisira kuti tizoendeswa kunoshumira semamishinari kune imwe nyika inotaura chiSpanish. Asi handizvo zvakaitika. Pataiva kuGiriyedhi, hondo yekuKorea yaipisa uye Eugene akabva adaidzwa kuti apinde muchiuto. Izvi zvakatishamisa nekuti pairwiwa Hondo Yenyika Yechipiri, Eugene ainge abvumirwa kuti asapinda muchiuto nekuti aiita zvechitendero. Nemhaka yekushevedzwa kwaainge aitwa kuti apinde muchiuto, takabva taudzwa kuti tigare muUnited States. Zvakandiodza mwoyo zvekuti ndakachema. Papera makore maviri, Eugene akazopiwazve rusununguko rwake rwekuti asapinde muchiuto. Kunyange zvazvo takamboodzwa mwoyo, takawana chidzidzo chinokosha chekuti kana mumwe mukana ukavharika, Jehovha anogona kuvhura mumwe, uye ndizvo zvakaitika. Taingofanira kuva nemwoyo murefu.

Kirasi yedu yeGiriyedhi

Basa Remudunhu Uye Kuenda kuCanada

 Muna 1953, pashure pekunge tapayona mune imwe ungano yechiSpanish muguta reTucson, kuArizona, takapiwa basa remudunhu. Takaita basa iri tiri mumatunhu eOhio, California, uye York City. Muna 1958, takatanga basa reruwa a muCalifornia nemuOregon. Taigara mudzimba dzehama. Muna 1960, takabva taenda kuCanada uye ikoko Eugene akashanda semurayiridzi weChikoro Cheushumiri hweUmambo chevatariri veungano. Takagara muCanada kusvika muna 1988.

 Chimwe chezvinhu zvandinonyanya kuyeuka nezvekuCanada chine chekuita neimwe mhuri yatakaona tichiparidza paimba neimba ndiine imwe hanzvadzi. Takatanga kuonana naamai vacho vanonzi Gail, avo vakatiudza kuti vanakomana vavo vainge vakasuwa nekuti sekuru vavo vakanga vafa. Vana vacho vakabvunza kuti “Nei sekuru vakafa?” “Vakaenda kupi?” Gail akatadza kupindura. Saka takamuudza zvinotaurwa neBhaibheri, uye takamuverengera magwaro anonyaradza.

 Panguva iyoyo, Eugene ainge ashanyira ungano iyi semutariri wedunhu, saka takangoita vhiki rimwe chete tiri ikoko. Asi hanzvadzi yandaishanda nayo muushumiri yakazodzokera kunoona Gail. Chii chakazoitika? Gail akagamuchira chokwadi pamwe chete nemurume wake Bill, nevanakomana vavo vatatu vanoti: Christopher, Steve, naPatrick. Chris anoshanda semukuru mune imwe ungano kuCanada. Steve murayiridzi wezvikoro zvesangano muPalm Coast, kuFlorida. Uye Patrick inhengo yeDare reBazi kuThailand. Kwemakore ese aya, ini naEugene takaramba tiine ushamwari hwepedyo nemhuri iyi. Ndinofara kuti ndinewo zvishoma zvandakaita pakuvabatsira kuti vazive Jehovha!

Kushanyira Zvipatara Uye Kutanga kweMakomiti Ekukurukura Nezvipatara

 Pataiva muCanada, Jehovha akavhurira Eugene mumwe mukana waiva nezvakawanda zvekuita uye wainakidza. Regai ndikuudzei nezvawo.

 Makore akawanda apfuura, vanhu vaisanzwisisa kuti nei tisingabvumi kuwedzerwa ropa, uye zvakaguma zvaita kuti vanhu vasatione zvakanaka. MuCanada yese, mapepanhau aibudisa nyaya dzaitaura kuti vana veZvapupu vari kufa nekuti vabereki vavo vari kuramba kuti vawedzerwe ropa. Murume wangu aiva neropafadzo yekubatsira kufumura nhema idzodzo.

 Gungano renyika dzakawanda rakaitwa muBuffalo, New York muna 1969 parakanga rava kuda kuitwa, Eugene akaenda nedzimwe hama kuzvipatara zvikuru munharaunda iyoyo kunotsanangura kuti Zvapupu zvinosvika 50 000 zvaibva muCanada nemuUnited States zvaizopinda gungano iri. Kana zvaizoitika kuti mumwe munhu aiva pagungano iri aita dambudziko reutano, zvaizobatsira kana vanachiremba vachinzwisisa patimire panyaya yeropa uye zvikonzero zvacho. Hama dzakapa vanachiremba nyaya dzinotaura nezvekurapa pasingashandiswi ropa, vachidzitora kubva mumabhuku airemekedzwa navanachiremba vacho. Vanachiremba vacho vakabvumirana nazvo uye zvakabva zvakurudzira Eugene nedzimwe hama kuti dzitange kushanyira zvipatara zvakawanda muCanada. Vakabatsirawo vakuru vemuungano kuti vazive zvekuita kana nyaya dzine chekuita neutano dzangoerekana dzamuka.

 Zvishoma nezvishoma, zvese zvavaiita izvi zvakava nemigumisiro yakanaka. Kutaura chokwadi zvakaita kuti pave nezvimwe zvinhu zvatanga tisina kumbobvira tafungidzira. Zvakafamba sei?

Ndainakidzwa nekushandira muimba yekusonera

 Kumakore ekuma1985, Eugene akafonerwa naMilton Henschel uyo aiva kumahofisi makuru muBrooklyn, New York. Dare Rinotungamirira raida kuti purogiramu yekupa vanachiremba mashoko ane chekuita neZvapupu iyo yakanga iri kushanda muUnited States itangwewo mune dzimwe nzvimbo kuitira kuti vanachiremba vakawanda vawane mashoko aya. Saka ini naEugene takabva taenda kuBrooklyn uye muna January 1988, Dare Rinotungamirira rakaita kuti pave nedhipatimendi kumahofisi makuru rinonzi Dhipatimendi Ramashoko Echipatara. Gare gare, murume wangu nedzimwe hama mbiri vakabva vapihwa basa rekuti vaite misangano yekudzidzisa vamwe, vachitangira muUnited States, ndokuzoenda kune dzimwe nyika. Pasina nguva, mumapazi makanga mava nedhipatimendi rinonzi Dhipatimendi reMashoko Ane Chekuita Nezvipatara uye Makomiti Ekukurukura Nezvipatara akagadzwa mumaguta akasiyana-siyana. Zvapupu zvakawanda nevana vavo vakabatsirwa chaizvo neurongwa uhwu hwakabva kuna Jehovha. Eugene paaiitisa misangano yacho uye paaishanyira zvipatara, ini ndaishandira paBheteri remunyika yatinenge tiri uye kakawanda kacho ndaishandira munoitwa zvekusona kana kuti mukicheni.

Kirasi yeKomiti Yekukurukura Nezvipatara kuJapan

Dambudziko Rakanyanya Kundiomera

 Muna 2006, mudiwa wangu Eugene akashaya. Iri ndiro dambudziko rakanyanya kundiomera randati ndambosangana naro. Ndinomusuwa chaizvo. Chii chiri kundibatsira kuti nditsungirire dambudziko iri? Pane zviri kundibatsira. Semuenzaniso, ndinogara ndiri pedyo naJehovha nekunyengetera uye nekuverenga Bhaibheri nguva dzese. Ndinoteerera panenge pachikurukurwa rugwaro rwezuva nemhuri yeBheteri. Ndinoverenga chitsauko cheBhaibheri chinenge chatorwa rugwaro rwacho. Uye ndinogara ndakabatikana nebasa rangu repaBheteri muDhipatimendi Rekusona uye ndinoiona seropafadzo kuita basa iri. Ndakatombowanawo mukana wekubatsira pakugadzira maketeni anoshandiswa mudzimba dzemagungano dzemuNew Jersey nemuNew York. Iye zvino ndiri kushanda ndiri paBheteri riri kuFishkill kwandiri kuita mabasa akasiyana-siyana ekusona. b

 Muupenyu hwangu, ndinonyanya kukoshesa kuda Jehovha uye kumuteerera pamwe chete nesangano rake. (VaHebheru 13:17; 1 Johani 5:3) Ndinofara kuti ini naEugene takaita kuti zvinhu izvozvo zvive pekutanga muupenyu hwedu. Izvozvo zvinoita kuti ndive nechivimbo chakakura chekuti Jehovha achatipa mubayiro weupenyu husingaperi muParadhiso panyika, kusanganisira mufaro wekuzoonana zvakare.—Johani 5:28, 29.

a Basa remutariri wedunhu nderekushanyira ungano imwe neimwe asi basa remutariri weruwa raiva rekushanyira matunhu uye kupa hurukuro pamagungano edunhu.

b Hanzvadzi Camilla Rosam vakashaya muna March 2022 nyaya ino payakanga iri kunyorwa. Vakanga vava nemakore 94.