Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

DAVID MAZA | NYAYA YEUPENYU

Mhuri Inofara Yakasangana Nedambudziko Ikarikunda

Mhuri Inofara Yakasangana Nedambudziko Ikarikunda

Pandakadzidza Bhaibheri ndokushandisa zvarinotaura muupenyu hwangu, takatanga kufara mumhuri medu. Handina kumbobvira ndafunga kuti ndaizova nemhuri inofara. Ini nemudzimai wangu nevana vedu vatatu, takanga tava kushumira Jehovha pamwe chete uye nemwoyo wese.

Takanga tisingatarisiri kuti taizosangana nedambudziko ratakasangana naro musi wa24 April 2004.

 Mudzimai wangu, Kaye, paakasununguka mwanasikana wedu Lauren, ndakanga ndisingatombozivi kuti zvii zvaidiwa kuti ndive baba vakanaka. Patakazova nemwana wedu wechipiri, mukomana anonzi Michael, ndakanga ndisati ndava kuziva zvandaifanira kuita. Pandaikura, vabereki vangu vaigara vachinetsana uye vakazopedzisira varambana. Kunyange zvazvo ndaida kuva musoro wemhuri akanaka, ndaisaziva kuti ndozviita sei.

 Chakaita kuti zvinyanye kundiomera ndechekuti ndakatanga kunwa doro nekuita zvemadhiragi ndichiri kuyaruka uye ndakanga ndisisagoni kurarama ndisina doro uye madhiragi. Kunyange pandakanga ndava munhu mukuru, upenyu hwangu hwakanga husina chinangwa. Ndakanga ndakapindwa muropa nedoro, madhiragi uye kubheja, uye izvi zvakaita kuti ndiite zvisarudzo zvakaipa. Zvinhu zvakasvika pakuipa zvekuti Kaye akandisiya uye akaenda nevana vedu vaviri. Ndakarwadziwa zvisingaiti.

 Ndakabvunza Kaye zvandaifanira kuita kuti adzoke kumba. Panguva iyi, Kaye akanga ava kutodzidza Bhaibheri nechimwe Chapupu chaJehovha chinonzi Gloria, saka akangondiudza kuti: “Dzidza Bhaibheri.” Ndaisaziva kuti izvozvo zvairevei uye ndaisada kudzidza Bhaibheri, asi ndaida kuti Kaye adzoke kumba saka ndakabvuma kuonana naGloria nemurume wake, Bill.

Zvatakakurukura Zvakachinja Upenyu Hwangu

 Bill naGloria pavakauya kumba kwedu, ndakabayiwa mwoyo nekuwirirana kwavaiita. Ndakazoziva kuti vana vavo avo vakanga vakada kuenzana neni vairarama upenyu hwakanaka hune chinangwa. Ipapo ndipo pandakatanga kufunga kuti zvimwe Bhaibheri raigona kutibatsira kuti tifare mumhuri medu.

 Bill naGloria pavakauya vakataura neni nezvematambudziko andaiva nawo. Vakandiratidza zvinotaurwa neBhaibheri pana VaGaratiya 6:7 panoti: “Zvinodyarwa nemunhu, ndizvo zvaachakohwa.” Ndakabva ndafunga kuti, ‘Kudai ndakatevedzera zano iroro muupenyu hwangu, ndingadai ndisina kuzvipinza mumatambudziko akawanda kudai!’

Kaye naDavid

 Zvishoma nezvishoma, ndakatanga kuona kuti kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri kwaichinja upenyu hwangu. Ini naKaye takarega kusvuta uye ndakaregawo zvimwe zvinhu zvakanga zvakandipinda muropa. Muna 1985, patakazova nemwana wedu wechitatu, mukomana anonzi David uyo wataidana kuti Davey, ndakanga ndava kunzwa kuti iye zvino ndava kuziva zvinodiwa kuti ndive baba vakanaka.

Kushumira Jehovha Pamwe Chete

 Sevabereki, ini naKaye takaona kuti pataidzidzisa vana vedu kuti vade Jehovha, isu taiswederawo pedyo naye. Takadzidza zvakawanda kubva mumabhuku akadai serinonzi KuTerera kunoMudzidzisi muKuru! Uyewo, isu nevana vedu taidzidzawo zvakawanda kubva kumhuri dzaiva muungano yedu.

Michael nemudzimai wake, Diana

 Nekufamba kwenguva, vana vedu vese vakazotanga kupayona. Pakazotanga gore ra2004, Lauren akanga ava kupinda neungano yemutauro weSpanish. Michael akanga achangobva paBheteri nekuti akanga ava kuchata uye iye nemudzimai wake Diana, vakanga vava kuda kutamira kuGuam kunobatsira pabasa rekuparidza. Davey, uyo akanga ava nemakore 19, akanga achangobva kutanga kushumira kuDominican Republic.

 Ini naKaye taidada nezvisarudzo zvakanga zvaitwa nevana vedu. Tainzwa sekuti ndisu takataura mashoko ari pana 3 Johani 4 panoti: “Hapana chinondifadza kupfuura kunzwa kuti vana vangu vari kuramba vachifamba muchokwadi.” Hatina kuziva kuti rimwe zuva foni payaizorira upenyu hwedu hwaibva hwatochinja.

Dambudziko Rinorwadza

 Musi wa24 April 2004, ini naKaye takaenda kunodya kuresitorendi nedzimwe mhuri mbiri. Sezvo resitorendi yacho yaiva kure nemakiromita 100, tese tiri 6 takaenda nemota yangu. Patakapedza kudya, takaenda kune imwe resitorendi kuti tinodya dessert. Ndakaburutsa vamwe ndichibva ndasara ndichitsvaga pekupaka. Foni yangu yakarira. Yaiva shamwari yangu, ndakanzwa kuti inzwi rake rairatidza kuti pane zvakanga zvisina kumira zvakanaka.

 Akati: “Pane zvaitika, Davey aita tsaona.”

 Ndichitya zvaaizotaura, ndakabvunza kuti: “Haana kunyanya kukuvara here?”

 Pakutanga, akatadza kutaura. Achibva azondiudza kuti Davey akanga afa.

 Pandakapedza kutaura naye, ndakanyengetera kuna Jehovha kuti andipe simba. Ndakabva ndapinda muresitorendi ndichibva ndaudza vamwe kuti ndakanga ndisingachanzwi zvakanaka uye ndaida kuenda kumba. Ndaida kuzoudza Kaye zvakanga zvaitika tava pedu tega.

 Awa nehafu yandakadhiraivha kuenda kumba yakanga yakandiomera chaizvo. Ndainzwa Kaye achifara achiudza vamwe nezvekuuya kwaizoita Davey kuzotishanyira. Kaye asati atombozviziva kuti mwanakomana wedu ashaya, vanhu vakawanda vakanga vatozvinzwa uye vaitumira mameseji ekubata maoko pafoni yangu.

 Takapfuura tichisiya vamwe vataiva navo kudzimba dzavo tichibva taenda kumba. Kaye akanditarisa achibva aziva kuti pane zvakanga zvisina kumira zvakanaka. Akabva andibvunza kuti: “Chii chaitika?” Ndaiziva kuti zvandaizotaura zvaizochinja upenyu hwaKaye sekuchinjwa kwakanga kwaitwa upenyu hwangu nezvandakanga ndaudzwa maawa maviri anga adarika.

Kutsungirira Marwadzo Ekufirwa

 Ini naKaye takanga tambosangana nemamwe matambudziko uye taiziva kuti Jehovha anonyaradza vanhu vake. (Isaya 41:10, 13) Asi iri rakanga riri dambudziko rakatosiyana nemamwe atakanga tambosangana nawo. Ndairamba ndichingozvibvunza kuti, ‘Sei izvi zvaitika kuna Davey, iye aiitira Jehovha zvinhu zvakawanda kudai? Nei Jehovha asina kumuchengetedza?’

 Vamwe vana vedu vakarwadziwawo chaizvo. Lauren aida Davey semwana wake chaiye, saka rufu rwacho rwakamurwadza chaizvo. Michael akarwadziwawo. Kunyange zvazvo Michael akanga ava nemakore anenge 5 abva pamba, akanga ava kuyemura zvinhu zvakanaka zvaiitwa nemunin’ina wake.

 Ungano yedu yakabva yatotanga kutibatsira. Semuenzaniso, Kaye paakanga asati azvigamuchira kuti mwanakomana wedu afa, hama nehanzvadzi dzemuungano dzakauya kumba kuzotinyaradza nekutibatsira. (Zvirevo 17:17) Handimbofi ndakakanganwa rudo rwavakatiratidza!

 Kuti tigone kutsungirira marwadzo ataiva nawo, ini naKaye takaramba tichinyengetera, tichidzidza Bhaibheri uye tichipinda misangano yeungano. Izvi hazvina kuita kuti marwadzo edu apere. Asi taiziva kuti zvaikosha kuti tirambe tichiita zvinhu zvaizoita kuti tirambe tiri pedyo naJehovha.—VaFiripi 3:16.

Lauren nemurume wake, Justin

 Panguva iyi, Michael naDiana vakauya kuzogara pedyo nesu, uye Lauren akadzoka kuzopinda neungano yedu yeChirungu. Kuva pamwe chete kwemakore akazotevera kwakatibatsira tese kuti titange kunzwa zviri nani. Lauren paakazoroorwa, murume wake Justin, akabatsirawo mhuri yedu chaizvo.

Rwendo Rwainge Rwakaoma

 Davey achangobva kufa, pane chimwe chinhu chakaoma chatakaita asi zvatakaita izvozvo zvakatibatsira. Kaye achataura zvatakaita.

 “Murume wangu paakandiudza kuti Davey akanga afa, ndakagumirwa uye ndakaita nguva refu ndichishungurudzika. Ndairwadziwa chaizvo zvekuti zvakanga zvakandiomera kuti ndiite chero chii zvacho. Ndaigara ndichingochema. Kutaura chokwadi, dzimwe nguva ndaigumbukira Jehovha uye vamwe vanhu vese vakanga vachiri vapenyu. Ndakanga ndavhiringidzika zvekuti ndaisakwanisa kuona zvinhu sezvazviri.

 “Ndaida kuenda kuDominican Republic. Ndaida kuenda kwaigara Davey asati afa. Asi ndakanga ndichiri kurwadziwa uye ndainzwa sekuti ndakanga ndisati ndasimba zvekukwanisa kuita rwendo rwacho.

 “Imwe shamwari yedu yepedyo yakandibatsira, yakandiudza kuti shamwari dzaDavey dzekuDominican Republic dzairwadziwawo uye dzaida kuonana nemhuri yake. Kunditsigira kwaakaita kwakaita kuti ndiwane simba rekukwira ndege.

 “Rwendo irworwo rwakabatsira mhuri yedu chaizvo. Takaona kuti Davey akanga akaisa pfungwa dzake pakushumira Jehovha. Ungano yaipinda Davey yaiva nemukuru mumwe chete uye mukuru iyeye akati aivimba nemwanakomana wedu nekuti Davey aiita mabasa ese aainge apiwa.

 “Pataifamba mumugwagwa waigara Davey, vanhu vakauya kwatiri vachitiudza zvinhu zvakanaka zvaakavaitira. Ndaiziva kuti mwana wangu aiva munhu ane tsitsi, asi kunzwa zvaitaurwa nevanhu kwakandibatsira kuona kuti Davey aiedza chaizvo kutevedzera Jesu.

Davey achishumira kuDominican Republic

 “Takaonawo mumwe murume aidzidza Bhaibheri naDavey, murume uyu aigara mukamba kadiki-diki uye aigara akarara pamubhedha wake nekuti airwara. Murume uyu aiva murombo, asi hama nehanzvadzi dzemuungano dzakatiudza kuti Davey airemekedza murume uyu chaizvo. Izvi zvakaita kuti ndidade nemwana wangu!

 “Rwendo irworwo rwainge rwakandiomera chaizvo, asi kuchema pamwe chete nevamwe vaisuwa Davey uye kutaura navo nezvetariro yedu yeramangwana kwakatibatsira kuti tinzwe zviri nani. Zvakatibatsira kuti tisanyanya kurwadziwa.”

Kukurudzirwa Nezvaiitwa naDavey

 Mukai! ya8 January 2005, yaiva nenyaya yekufa kwaDavey uye kushumira kwaakaita kuDominican Republic. Panguva iyoyo, mhuri yedu yaisaziva kuti nyaya iyoyo yaizobatsira sei vanhu vaizoiverenga. Semuenzaniso, muna May 2019 imwe hama inonzi Nick yakatiudza mashoko anotevera:

 “Pakapera 2004, ndaiva kukoreji uye ndakanga ndisina zvinangwa zvekunamata. Ndakanga ndisina mufaro. Ndakanyengetera kuna Jehovha ndichimukumbira kuti andibatsire kuziva zvekuita neupenyu hwangu ndichiri mudiki. Pasina nguva, ndakaverenga nyaya yaDavey muMukai! Yaiva mhinduro yemunyengetero wangu!

 “Ndakabva ndasiya zvekoreji ndikatanga kupayona. Ndakavawo nechinangwa chekudzidzira chiSpanish uye kutamira kune imwe nyika. Ndakazonoshumira kuNicaragua uye ndakapindawo Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo nemudzimai wangu. Vanhu pavanondibvunza kuti chii chakandikurudzira kuti ndipayone, ndinovaudza nyaya yaDavey.”

 Takashamisikawo patakaonana neimwe hanzvadzi inonzi Abi, yaigara pahotera yataiva patakapinda gungano renyika dzakawanda ra2019 rakaitirwa kuBuenos Aires, muArgentina. Takaona kuti aiva munhu ane tsitsi uye ane rudo. Unhu hwake hwakatiyeuchidza Davey.

Nyaya yaDavey yakakurudzira Abi kuti atange kupayona uye kutamira kundima iri kwayo yega

 Patakadzokera muimba yataigara pahotera yacho, takatumira Abi nyaya yaitaura nezvaDavey yaiva muMukai! Pasina nguva akabva apindura. Aida chaizvo kutaura nesu, saka takanoonana naye munzvimbo yekutandarira. Abi akatanga kuchema uye akatiudza kuti nyaya yaDavey ndiyo yakanga yamukurudzira kuti atange kupayona muna September 2011, uye azoenda kunoshumira kundima iri kwayo yega. Akati, “Pese pandinosangana nematambudziko mubasa rangu, ndinodzokorora kuverenga nyaya yacho.” Aitova neMukai! yacho!

 Zvinhu izvi zvakaitika zvinotiratidza kuti tiri mhuri imwe chete iri pasi rese. Hapana vanhu vakabatana sezvakaita vanhu vaJehovha!

 Ini naKaye tinonyaradzwa nekuziva kuti zvakaitika kuna Davey zvakakurudzira vanhu vakawanda. Izvi ndizvo zviri kuitwawo nevechidiki vakawanda vari kuita zvese zvavanogona mubasa raJehovha. Dzimwe nguva vasingatombozvizive, vanokurudzira vanhu vanoona kushingaira kwavanoita uye zvese zvavanoita zvinokurudzira vamwe kuti vaite zvese zvavanogona pakushumira Jehovha.

“Kwaari Vese Vapenyu”

 Pana Ruka 20:37, Jesu akadzokorora mashoko akataurwa naJehovha ekuti Iye aiva “Mwari waAbrahamu, naMwari waIsaka naMwari waJakobho.” Jehovha haana kuti aiva Mwari wavo pavakanga vachiri vapenyu chete, asi akati akanga achiri Mwari wavo! Nei akadaro? Jesu anotiudza muvhesi 38 kuti: “Kwaari vese vapenyu.”

 Jehovha anoona vashumiri vake vakatendeka vakafa sekunge kuti vachiri vapenyu; izvozvo zvinoratidza kuti achatovamutsa! (Jobho 14:15; Johani 5:28, 29) Ndine chokwadi chekuti Jehovha ndiwo maonero aanoita Davey, nevamwe vashumiri vake vakarara murufu.

 Ndinoda chaizvo kuzoona Davey, asi chandinonyanya kuda, kuona Kaye achionana naDavey. Handisati ndamboona munhu achirwadziwa sezvakaita Kaye. Ndinoda chaizvo mashoko ari pana Ruka 7:15 anoti: “Murume wacho akanga akafa akabva agara, akatanga kutaura, uye Jesu akamupa kuna amai vake.”

 Muna September 2005, ndakabva ndatangawo kupayona pamwe chete naKaye. Chikomborero chaicho kushanda sapiyona, pamwe chete nemudzimai wangu, vana vedu uye vavakaroorana navo. Semhuri yakabatana, tinotsigirana uye tinoramba takaisa pfungwa dzedu patariro yedu yenyika itsva, umo matichazoonanazve naDavey, watinoda chaizvo.