Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

IRMA BENTIVOGLI | NYAYA YEUPENYU

Kushumira Mwari Anopa “Zvipo Zvese Zvakanaka”

Kushumira Mwari Anopa “Zvipo Zvese Zvakanaka”

 Takanzwa sairini ichirira yairatidza kuti pane mabhomba ari kuda kudonhedzwa nendege. Amai vangu vakabva vatakura kahanzvadzi kangu, uye tese takatiza tikaenda kunohwanda pasi pemiti yemichero yaiva pedyo. Ndaingova nemakore 6.

 Pashure pekudonhedzwa kwemabhomba, ndakaenda naamai kunotsvaga shamwari yavo yepamwoyo. Takarwadziwa patakanzwa kuti yainge yafa pakadonhedzwa mabhomba. Pashure pemazuva mashoma, kwakauya dzimwe ndege dzaidonhedza mabhomba zvakare, uye baba vangu vakabva vandiisa pamutanda webhasikoro, uye vakarichovha zvekuti huya uone tichitiza muguta iri.

 Hondo Yenyika II yakatsviriridza muItaly, uye ndichiri kunyatsorangarira zvakaitika. Asi chakanyanya kundibatsira kubvira ndichiri mudiki, kugara nevanhu vanoziva uye vanoda Jehovha zvakadzama.

Chipo Chekuziva Jehovha

 Muchando chegore ra1936, mwedzi mishomanana ndisati ndaberekwa, baba vangu vaishanda kunjanji nemumwe murume ainzi Vincenzo Artusi. Vincenzo akanga asati ava Chapupu chakabhabhatidzwa, asi aida chokwadi cheBhaibheri zvakadzama. Pavaiva kubasa vachifoshora chando munjanji, Vincenzo aiudza baba vangu zvinhu zvaakanga achidzidza.

 Baba vangu vakakurumidza kuona kuti zvavakanga vachiudzwa chaiva chokwadi. Baba vangu nevamwe vanhu vashoma vemunharaunda yataigara yainzi Faenza, vaida kuziva zvakawanda. Mumazuva iwayo, Zvapupu pazvaitambudzwa nehurumende yeudzvinyiriri, vakanga vasingakwanisi kuita misangano vakasununguka uye munhu aigona kungosungwa kana akawanikwa aine mabhuku anotsanangura Bhaibheri. Zvimwe Zvapupu zvaitova mujeri. Saka baba vangu neshamwari dzavo vainosangana kudzimba dzaiva kumamisha kuti vaverenge Bhaibheri nemabhuku anoritsanangura avaiva nawo. Uye vhiki rega rega, baba vaiita kuti tese semhuri tiungane manheru uye tidzidze Bhaibheri pamwe chete.

Kuwana Vanhu Vekudzidza Kubva Kwavari

 Muna 1943, Zvapupu zvakawanda zvainge zvasungirwa kuita zvechitendero zvakasunungurwa. Pakati pavo paiva neimwe hanzvadzi yainge isina kuroorwa yainzi Maria Pizzato. Paakanga ari munzira kudzokera kumba kwake kuchamhembe kweItaly, Maria akapfuura achirara pamba pedu. Ainge aita basa rakakura pakubatsira Zvapupu kuwana mabhuku uye pakufambisa mashoko pakati pehama dzaiva muItaly nebazi reSwitzerland, iro raitungamirira basa remuItaly panguva iyoyo. Kunyange zvazvo airatidzika semunhu akaneta-neta, Maria ainge akasimba uye aiva neushingi. Pakapera hondo, Maria aipota achiuya kuFaenza, uye taifarira chaizvo kushanya kwaaiita.

 Imwe hanzvadzi yandisingakanganwi ndiAlbina Cuminetti. Pandakanga ndichiri kuyaruka, chirikadzi iyi yainge yakwegura yaigara muchivakwa chataiitira misangano. Yaiva mushumiri wenguva yakazara muItaly makore ekuma1920. Albina akandiudza nyaya dzakawanda dzainakidza nezvebasa rakaitwa makore iwayo pakatanga kusvika chokwadi muItaly.

 Albina aiva nemabhuku edu ekare nezvimwewo zvinhu zvekare. Rimwe zuva ndakaona kapini kaiva nemuchinjikwa uye korona kaipfekwa neVadzidzi veBhaibheri (sekuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo). Ndaiziva kuti zvemuchinjikwa zvakatangwa nevahedheni, saka ndakangoerekana ndabatwa nesetswa. Albina akabva andiudza mashoko andisina kuzombokanganwa. Akataura pfungwa iri pana Zekariya 4:10 achiti: “Usashora zuva rezvinhu zvidiki!”

Pandaiva nemakore 14

 Mashoko iwayo akandidzidzisa chidzidzo chinokosha. Kunyange zvazvo Vadzidzi veBhaibheri vekare vakanga vasinganyatsonzwisisi zvimwe zvinhu zvinodzidziswa neBhaibheri, ndaifanira kuvaremekedza. Chimwewo chaiitika ndechekuti mamwe mabhuku aisawanika mumutauro weItalian, saka zvaitora nguva kuti hama dzizive zvimwe zvinhu zvainge zvagadziridzwa. Kunyange zvakadaro, Jehovha aifara nezvavaiedza kuita, uye ndizvo zvandaifanira kuitawo.

 Pasinei nekuti Albina aiva mukuru kwandiri nekure, ndaifarira kutaura naye. Ndakadzidza zvakawanda kubva kuna Albina, naMaria nedzimwe hanzvadzi dzaishumira dzakatendeka pasinei nematambudziko akakura adzaisangana nawo. Ndinotenda mikana yese yandakawana yekushamwaridzana navo.

Chipo Chekushanda paBheteri

 Muchirimo chegore ra1955, ndakaenda kunopinda gungano raiva nemusoro unoti, “Umambo Hunokunda.” Panguva iyoyo ndakashanyira Bheteri ndiine vamwewo vanhu vakanga vabva kune dzimwe nyika. Ndakati nechemumwoyo, ‘Ndingazoda chaizvo kushanda pano!’

 Musi wa18 December 1955, ndakabhabhatidzwa. Ndakanga ndichiri kuchikoro asi ndaida chaizvo kutanga basa renguva yakazara. Muna 1956, pagungano rakaitirwa muguta reGenoa pakapiwa chiziviso chekuti paidiwa vanhu vanozvipira kunoshanda paBheteri. Asi mumiririri webazi akati kuBheteri kwakanga kusiri kudiwa hanzvadzi.

 Ndakazotaura nemutariri wedu wedunhu, Piero Gatti, a nezvezvinangwa zvangu. Mushumiri uyu aishingaira akandipindura kuti, “Ndichanyorera vekubazi ndichikumbira kuti ugadzwe sapiyona chaiye.”

 Ndakazogamuchira tsamba yaibva kubazi. Ndakafunga kuti yaiva tsamba yekuti ndiende kunopayona, asi handizvo zvaivamo. Yaiva tsamba yaindikumbira kuti ndinyorere kuzoshanda paBheteri!

Ndiina Ilaria Castiglioni (akamira), mumwe wevashanduri, tiri paBheteri muna 1959

 Ndakatanga kushanda paBheteri muna January 1958. Kare ikako, mhuri yeBheteri yaiva nevanhu vasingapfuuri 12. Ndakakumbirwa kuti ndinobatsira vashanduri vaviri vaiva pabazi. Paiva nebasa rakawanda raida kuitwa, uye ndakanga ndisina ruzivo rwekushandura. Asi ndichibatsirwa naJehovha, ndakasvika pakuda basa rangu.

 Pashure peanenge makore maviri, pane zvinhu zvakachinja pabasa rekushandura, uye ndakabva ndanzi ndinopayona mundima. Ndakashamisika nekuti ndakanga ndatojaira upenyu hwepaBheteri. Nekufamba kwenguva, ndakazotanga kuona basa rangu idzva sechimwe chipo chaibva kuna Jehovha.

Chipo Chekushanda Nevaparidzi Vanoshingaira

 Musi wa1 September 1959, ndakatanga kushumira sapiyona chaiye muguta reCremona. Piyona wandaishanda naye ainzi Doris Meyer, aibva kuDenmark. Aiva mukuru kwandiri nemakore mashomanana, asi aiva piyona agara nebasa uye ndakadzidza zvakawanda kwaari. Doris aigona kutanga kukurukura nevanhu, aisatya uye aishingaira. Zvaikosha kuti tese tiri vaviri tigone kuita izvozvo kuti tikwanise kuparidza mundima yedu nekuti tisu tega taiva Zvapupu muguta iroro.

Ndakadzidza zvakawanda kubva kuna Doris (kuruboshwe) naBrunilde (kurudyi), avo vandakapayona navo muCremona

 Doris ndiye akatanga kusvika kuCremona, uye akanga aronga kuti misangano iitirwe mune chimwe chivakwa chekurenda. Vapristi vechechi yeRoma vakatsamwa pavakaona basa rataiita, vachibva vatanga kuparidza kumachechi avo kuti vanhu vativenge.

 Rimwe zuva takashevedzwa kumapurisa emunharaunda yedu. Mapurisa haana kutisunga asi akataura kuti Doris aifanira kubuda muCremona sezvo aisava chizvarwa chemo. Akazodzokera kuDenmark, kwaachiri kushumira Jehovha akatendeka.

 Pasina nguva, ndakatumirwa imwe hanzvadzi yainge isina kuroorwa yainzi Brunilde Marchi, kuti azoshanda neni kuCremona. Brunilde aiva munhu munyoro ane unhu hunoyemurika, uye aifarira basa rekuparidza. Takatanga zvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda, uye vamwe vacho vakafambira mberi.

 Ndinotenda Jehovha kuti ndine zvandakaitawo pamazuva aitanga basa rekuparidza muCremona. Iye zvino muguta iri mava neungano 5!

Zvinhu Zvinofadza Zvakaitika Ndisingatarisiri

 Ndakanga ndava nemakore asingasviki maviri ndiri muCremona pandakafonerwa nebazi. Pane basa rakawanda rekushandura raida kuitwa rezvinhu zvaida kuzoshandiswa pagungano remazuva 6 raiva nemusoro unoti, “Vanamati Vakabatana,” raida kuzoitwa muna July 1961. Saka ndakanzi ndidzoke kuBheteri. Ndakasvetuka nemufaro! Ndakadzokera kuBheteri musi wa1 February 1961.

 Taishanda maawa akawanda, asi chaiva chikomborero kubatikana zuva nezuva tichishandura zvinyorwa zvinotsanangura Bhaibheri. Mwedzi iyoyo yakandimhanyira chaizvo, uye pasina nguva gungano rainge ratosvika.

 Pagungano iroro, pakaziviswa kuti Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki raizoshandurirwa mumutauro weItalian. Ndakati nechemumwoyo, ‘Saka pane basa rakakura richada kuitwa.’ Ichi chaiva chokwadi. Ndakabva ndaudzwa kuti ndaizogara paBheteri kwenguva yakati rebei. Nanhasi ndichiripo, uye patopfuura makore 60!

Ndiri muDhipatimendi Reshanduro muna 1965

Zvimwe Zvipo Zvinokosha Zvakabva Kuna Jehovha

 Chimwe chipo chandava nemakore ndichikoshesa, kugara ndisina kuroorwa. Handisi kureva kuti handina kumbobvira ndafunga zvekuroorwa. Kutaura chokwadi, pane nguva yandaitombozvidya mwoyo nenyaya yekugara ndisina kuroorwa. Ndainyengetera kuna Jehovha. Anonyatsondiziva kupfuura chero ani zvake. Ndakamukumbira kuti andibatsire kusarudza zvinhu zvakanyatsondinakira.

 Ndakatanga kunyatsonzwisisa uye kukoshesa magwaro akadai saMateu 19:11, 12 uye 1 VaKorinde 7:8, 38. Ndinotenda Jehovha nekundibatsira kunzwisisa mavhesi aya uye nekundibatsira kuti ndisanyanya kunetseka. Handisati ndambozvidemba nechisarudzo chandakaita uye ndinofara kuti ndakashandisa chipo changu chekusaroorwa kuti ndishumire Jehovha ndichimupa zvese zvandinokwanisa.

 Kwemakore ese aya, ndakaona zvakawanda zvakachinja pamabasa eDhipatimendi Reshanduro. Zvinhu izvi zviri kuramba zvichichinja nekuti sangano raJehovha riri kuramba richishandisa ruzivo rwavako iye zvino uyewo “mukaka wemarudzi.” (Isaya 60:16) Kuchinja uku kwemaitirwo ezvinhu kuri kubatsira kuti vanhu vaJehovha vawedzere kubatana pasi rese. Semuenzaniso, muna 1985, Nharireyomurindi yechiItalian yakatanga kubudiswa panguva yaibudiswawo yeChirungu. Iye zvino, pane nyaya uye mavhidhiyo anowanika mumitauro yakawanda pajw.org, uye zvakawanda zvacho zvinobuda panguva imwe chete neinobuda zveChirungu. Zviri pachena kuti Jehovha anova nechokwadi chekuti vanhu vake vakabatana uye vari kuwana zvekudya zvekunamata panguva yakakodzera.

 Jehovha akandipa zvinhu zvakawanda chaizvo. Akandipa mukana wekuti ndishande sapiyona chaiye uye akandibatsira kuti ndibudirire pabasa racho. Akazadzisa chido changu chekushumira paBheteri, pandakawana shamwari dzemazera akasiyana-siyana uye dzinobva kwakasiyana-siyana. Uyewo, chimwe chikomborero chandakawana ndechekuona amai vangu vachibhabhatidzwa semushumiri waJehovha, vava nemakore 68. Ndine chido chekuzovaona uye chekuonawo vese vemumhuri medu pachamutswa vaya vari mumakuva evanoyeukwa naMwari.—Johani 5:28, 29.

 Ndatononokerwa nekuona zvichaitwa naJehovha kuvashumiri vake munguva iri kuuya, paachaita kuti “zvinhu zvese zvive zvitsva.” (Zvakazarurwa 21:5) Ndine chokwadi chekuti Jehovha haazomboregi kutidururira “zvipo zvese zvakanaka nezvipo zvese zvakakwana.”—Jakobho 1:17.

Ndichishanda muDhipatimendi Reshanduro iye zvino

a Nyaya yeupenyu yaPiero Gatti yakabuda muNharireyomurindi yaJuly 15, 2011, peji 20-23.