Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

JAY CAMPBELL | NYAYA YEUPENYU

Ndakatorwa Kumarara, Ndikakwidziridzwa

Ndakatorwa Kumarara, Ndikakwidziridzwa

 Ndakakura ndiri munhu anonyara. Ndaifarira kugara mumba uye ndakanga ndisingadi kuonana nevanhu. Kazhinji ndainzwa sekuti handibatsiri. Ndaisanyanya kutaura nevanhu paruzhinji uye ndaityira kuti vanhu vaizonditarisira pasi. Regai ndikuudzei nezveupenyu hwangu.

 Pandakanga ndava nemwedzi 18, muna August 1967, mumwe musi ndakangotanga kupisa muviri. Zuva rakazotevera ndakamuka makumbo angu asina simba. Pandakaongororwa muchipatara chiri muguta reFreetown, kuSierra Leone kwataigara, vanachiremba vakaona kuti ndakanga ndaita chirwere chinotapukira chinonzi polio. Kazhinji chirwere ichi chikabata vana vari pasi pemakore 5, chinoita kuti nhengo dzemiviri yavo dzisashanda. Kuita maekisesaizi hakuna kuita kuti makumbo angu avezve nesimba. Nekufamba kwaiita nguva, makumbo angu aipera simba zvekuti ndakapedzisira ndisisakwanisi kufamba kana kumira. Nemhaka yekuti ndakanga ndakaremara, baba vangu vaigara vachitaura kuti “ndaisava mwana akakwana.” Ndainzwa sekuti handibatsiri uye kuti ndakanga ndisingakoshi nekuti chandaingokwanisa kuita kukambaira chete.

Makuriro Andakaita Ndichiita Zvekukambaira

 Ndakakurira munzvimbo yaigara varombo. Ndaigara naamai vangu. Kunyange zvazvo vanhu vaindifarira, ndaishuvawo kudiwa nababa vangu asi vaisambondiratidza rudo. Vamwe vaiti ndakanga ndakaremara nekuti ndakaroyiwa. Vamwewo ndivo vaikurudzira amai kuti vanondisiya pamusiwo wemusha waichengetwa vana vakaremara. Vaifunga kuti izvozvo zvaizoita kuti vasaremerwa nekundichengeta. Amai havana kuvateerera uye vakashanda nesimba kundichengeta.

 Sezvo ndaisakwanisa kumira kana kufamba, ndaitofanira kuita zvekukambaira. Asi izvozvo zvaiita kuti ndiite maronda. Ndaipfeka hembe dzine jira rakakora kuitira kuti ndisanyanya kukuvara. Kuti ndisakuvara maoko, ndaipfeka mapatapata mumaoko. Ndakazopiwa zvimapuranga zvainyatsodzivirira maoko angu. Kuti ndibve pane imwe nzvimbo ndichienda pane imwe, ndaiisa maoko angu pazvipuranga zvacho. Ndaibva ndazviisa nechekumberi kwangu ndobva ndazokwevera muviri wangu wese ikoko. Ndairamba ndichingodaro kusvika ndasvika kwandaienda. Zvakanga zvisiri nyore asi ndiwo mafambiro andaiita. Zvairwadzisa maoko nemapendekete angu uye zvaida kushanda nesimba zvekuti ndaisawanzobuda munzvimbo mataigara. Ndaisakwanisa kuenda kuchikoro kana kutamba nevamwe vana. Ndainetseka kuti ndaizorarama sei kana amai vangu vakafa.

 Ndakanyengetera kuna Mwari ndichimukumbira kuti andibatsire kuti ndisasvika pakupemha. Ndaingofunga kuti kana ndikaswedera pedyo naye, ndonyatsomushumira sezvaanoda, aizondipa zvandaida muupenyu. Saka muna 1981, ndakashingirira kukambaira kuenda kune imwe chechi yaiva pedyo nekwataigara. Ndainzwa kusungikana nemhaka yematarisirwo andaiitwa nevanhu. Mufundisi haana kumbondigamuchira uye akatuka amai vangu nekuti ndakanga ndagara pabhenji rakanga rabhadharwa nevamwe. Ndakazviudza kuti ndaisazodzokera zvakare kuchechi ikoko.

Kuziva Baba Vangu Vekudenga

 Muna 1984, pandakanga ndava nemakore 18, ndakaenda mukamuri repamusoro kuti ndinogara pedyo nepahwindo. Ndaiswera ndiri ipapo ndichiona zvinenge zvichiitika kunze. Ndakafunga kudzika kuti ndiende panze nekuti paiwanzoswera pasina vanhu. Pandakaenda, ndakasangana nevarume vaviri vaiparidza paimba neimba. Vakandiudza nezveramangwana rakanaka pandaizenge ndisisina kuremara. Vakandiverengera Isaya 33:24 uye Zvakazarurwa 21:3, 4. Vakandipa kabhuku kane mapikicha akanaka kanonzi Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi! ndokundivimbisa kuti vaizodzoka vondidzidzisa zvakawanda.

 Pavakadzoka, vakandiudza kuti vaizouya nemumishinari akanga achangosvika muSierra Leone ainzi Pauline kuti aenderere mberi nekukurukura neni. Vakazouya naye uye ini naPauline takabva tava semwana naamai chaivo. Amai vangu vaindikurudzira kuti ndirambe ndichidzidza naPauline uyo akanga ava kuita saamai vangu vechipiri. Pauline aiva nerudo, mwoyo murefu, mutsa uye aiva nehanya neni. Aigara achida kunzwa kuti zvinhu zviri kundifambira sei. Pauline akandidzidzisa kuverenga uye akandibatsira kuziva Baba vangu vane rudo achishandisa bhuku rinonzi Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri.

Pauline, mumishinari, akadzidza neni Bhaibheri

 Zvandakadzidza muBhaibheri zvakaita kuti ndifare. Rimwe zuva ndakabvunza Pauline kana zvaiita kuti ndipinde musangano weZvapupu zvaJehovha wainzi Chidzidzo Chebhuku Cheungano. a Musangano wacho waiitirwa pamba pechimwe Chapupu chaJehovha chaigara pedyo nepataigara. Pauline akati zvaiita. Chipiri chakazotevera, akauya akandimirira ndichigeza nekupfeka kuti tiende tese. Mumwe munhu akandiudza kuti ndikumbire Pauline kuti andibhadharire tekisi, asi ndakamuudza kuti, “Ndichaenda ndichifamba nemapuranga angu.”

 Patakanga tava kuenda, amai vangu nevavakidzani vedu vakaramba vakamira vakanditarisa vachinetseka. Pataibva pamba, vamwe vavakidzani vakashevedzera vachiudza Pauline kuti, “Ndiwe uri kumumanikidza!”

 Pauline akandibvunza zvinyoronyoro kuti: “Jay, uri kuda kuenda here?” Iyi yaiva nguva yekuratidza kuti ndinovimba naJehovha. (Zvirevo 3:5, 6) Ndakabva ndati “Ndinoda! Ndizvo zvandasarudza.” Vavakidzani vedu vakaramba vakatarisa vakanyarara uye havana kuzoramba vachishevedzera. Pandaibuda pagedhi vakabva vatanga kushevedzera vachifara.

 Musangano iwoyo wakandinakidza! Wakandizorodza! Munhu wese aivapo akandigamuchira. Hapana akambonditarisira pasi. Ndainzwa ndakasununguka saka ndakanga ndava kugara ndichipinda misangano yacho. Pasina nguva, ndakakumbira kuendawo kumisangano yaiitirwa paImba yeUmambo yeZvapupu zvaJehovha. Ndaiva murombo uye ndaingova nemadhirezi maviri nemapatapata. Kunyange zvakadaro, ndaiva nechokwadi chekuti ndaizogamuchirwa nevanhu vaMwari. Uye ndizvo zvakaitika, vakandigamuchira nemaoko maviri.

 Kuti ndisvike kuImba yeUmambo ndaifanira kukambaira kusvika pandaikwirira tekisi ndonoburukira mujinga megomo maiva neImba yeUmambo. Hama dzaizouya dzonditakura kuenda paImba yeUmambo.

 Ndainzwa kuti ndakanga ndaravira kunaka kwaJehovha, saka ndaida kupotera kwaari. Ndakazviudza kuti ndaizoramba ndichipinda misangano nguva dzese. (Pisarema 34:8) Munguva yekunaya, ndaiwanzosvika ndakatota uye ndakazara madhaka. Ndaichinja hembe ndasvika paImba yeUmambo; asi kwaiva kushandira zviripo!

 Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra1985 rakataura nezvedambudziko rangu. Pashure pekuverenga nyaya yangu muBhuku Regore, imwe hanzvadzi yekuSwitzerland yainzi Josette yakanditumira wiricheya yaiva nemavhiri matatu yandinofambisa nemaoko. Inewo zvakaiswa nechepamusoro pemavhiri zvinobatsira kuti ndisaendwe nemadhaka painenge ichifamba. Nechekumashure kwayo kune zvakanamirwa zvinobatsira kuti vanhu vaione kana huri usiku. Ndainge ndava kukwanisa kufamba ndiine chiremerera. Vana vaitoyevedzwa newiricheya yangu uye vaitaura kuti vaifarira kundiona ndichifamba newiricheya yangu yakanaka. Ndakanga ndisisafanire kukambaira kana kunzwa sendisingabatsiri. Ndainzwa sekuti ndakanga ndava mambokadzi uye vanhu vakanga vasisanditarisiri pasi.

Kukwidziridzwa

 Zvaiva nyore kuti ndifambire mberi pakunamata nekuti ndainge ndichitorarama upenyu husina twakawandawanda uye ndaiva netsika dzakanaka. Wiricheya yangu yaindibatsira kubuda muushumiri uye ndakabhabhatidzwa musi wa9 August 1986. Kubhabhatidzwa kwakachinja upenyu hwangu uye kwakaita kuti ndive nemufaro wandaisambofungira. Ndakanga ndava naBaba vanondida uye mhuri yaiva nehanya neni zvechokwadi. Izvi zvakaita kuti ndifare, ndigutsikane, ndisazvitarisire pasi uye ndinzwe kuti ndinokosha.

 Ndaida kuratidza kuti ndinotenda zvandanga ndaitirwa naJehovha saka ndakafunga kutanga kupayona asi ndakanga ndisina chokwadi kuti ndaizozvigona here. (Pisarema 116:12) Ndakanyengetera nezvazvo ndokubva ndafunga kumbozviedza. Ndakatanga kupayona musi wa1 January 1988, uye nanhasi ndichiri kupayona. Izvi zvakandibatsira chaizvo! Ndine hama nehanzvadzi dzinondibatsira kusvitsa maawa anodiwa mwedzi wega wega. Ndiri kuona kutsigirwa kwandiri kuitwa naJehovha achishandisa mweya wake mutsvene.—Pisarema 89:21.

 Kupayona kwakandibatsira kuti ndisangoswera ndakagara. Izvi zvakatobatsira kuti makumbo angu ati wedzerei kusimba kunyange zvazvo ndakanga ndisingakwanisi kumira kana kufamba. Papera kanguva, ndakaenda pane chimwe chipatara chakanga chichangobva kuvhurwa ndichida kuti vandibatsire kuita maekisesaizi. Asi mumwe nesi aivapo akandiudza kuti ndisazvinetsa nekuita maekisesaizi nekuti ndakanga ndava pedyo nekufa. Mumwe nesi paakandiudzawo izvozvo, ndakabva ipapo ndaora mwoyo. Saka ndakadzokera kumba ndikanyengetera kuna Jehovha kuti andibatsire kutsungirira uye kuti ndikwanise kuwana mukana wekuita maekisesaizi.

 Ushumiri hwakandibatsira chaizvo kuti ndinzwe zviri nani. Hwaiita kuti ndigare ndichiekisesaiza. Papera makore, mumwe wemanesi aya akandiudza kuti ndakanga ndava pedyo nekufa akapfuura nepaImba yeUmambo achibva andiona. Akashamisika paakaona kuti ndakanga ndichiri mupenyu!

 Pasinei neurema hwangu, ndiri kuedza kuramba ndichishanda nesimba mubasa raJehovha. Hama dzinondirumbidza nekushingaira kwandinoita uye kukurumidza kwandinoita kusvika pamisangano. Ndinogara ndichikurumidza nekuti zvinondipa mukana wekukwazisana nehama nehanzvadzi dzangu uye wekunyatsovaratidza kuti ndinovada.

 Ndakaravira kunaka kwaJehovha uye ndakawana makomborero akawanda muupenyu hwangu. Ndinofara kuti ndakabatsira vanhu vatatu kusvika pakubhabhatidzwa. Mumwe wavo ndiAmelia, uyo akapinda kirasi yechi137 yeGiriyedhi. Ndakawana ropafadzo yekupinda Chikoro Chebasa Reupiyona kanopfuura kamwe chete! Jehovha anoita kuti ndifare, ndinzwe kuti ndinokosha, uye kuti ndisazvitarisire pasi. Iye zvino vanhu vava kundiremekedza. Handichanyari nezvandiri. Ndine shamwari dzakanaka dziri muchokwadi, kwete muFreetown chete mandinogara, asi munyika yedu yese uyewo pasi rese.

 Patova nemakore anenge 40 kubva pandakadzidza nezvevimbiso yaMwari yenyika itsva, umo munenge musisina vakaremara. Kuziva kuti vimbiso iyoyo ichazadziswa kunondikurudzira uye ndichiri ndakamirira kuti izadziswe. Ndichamirira nekuti ndinoziva kuti Mwari wangu, Jehovha, haazononoki. (Mika 7:7) Kumirira kwangu kwaita kuti ndiwane makomborero. Jehovha ari kundibatsira kutsungirira matambudziko akawanda. Anondibatsira panguva chaiyo yandinenge ndichida kubatsirwa. Ndinofara nekuti ndakatorwa kumarara, ndikakwidziridzwa kupfuura zvandaifungira.

a Iye zvino chava kunzi Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano.