MILES NORTHOVER | NYAYA YEUPENYU
Jehovha Akakomborera Basa Remaoko Angu
Vabereki vangu vaigara vachitsigira sangano raJehovha. Semuenzaniso, hama dzepaBheteri rekuLondon padzaida kuchengeta mombe dzemukaka wekushandisa paBheteri, baba vangu vakavapa tsiru diki rainge raberekwa nemombe yedu yerudzi rweJersey. Taiwanzoseka zvedu nezvazvo tichiti tsiru iroro ndiro raiva rekutanga mumhuri medu kuenda kunoshanda kuBheteri. Vabereki vangu vakaita kuti ndive nechido chekupa Jehovha zvese zvandaikwanisa, ‘ndisingaregi maoko angu achizorora.’ (Muparidzi 11:6) Kutaura zvazviri, Jehovha akatondipa mukana wandaisambotarisira wekushandisa maoko angu mubasa rake. Uye akakomborera zvandaiedza kuita. Regai ndikuudzei nezveupenyu hwangu.
Ndakakura nasisi vangu namukoma kuUnited Kingdom, kumaruwa ari pedyo netaundi reBicester. Vabereki vangu vairenda imba yaiva pane rimwe purazi. Pandakanga ndava nemakore 19, ndakavawo piyona ndichitevedzera vamwe vana vemumhuri medu. Nekufamba kwenguva ndakasarudzwa kuti ndive piyona chaiye kuScotland. Muna 1970, ndava nemakore 23, ndakakokwa kuti ndizoshanda paBheteri kuLondon. Ndiri ikoko ndipo pandakaziva nezvemutauro wemasaini. Kuziva nezvemutauro uyu kwakachinja upenyu hwangu, uye kwakaita kuti ndiwane makomborero uye kugutsikana muupenyu.
Kudzidza Mutauro Wemasaini
Ndiri kuBheteri, ndakanzi ndinopinda neungano yeMill Hill yeZvapupu zvaJehovha, uye ikoko ndakasangana neZvapupu zvakati kuti zvaiva matsi. Ndaisada kuti kusaziva mutauro wavo kundiparadzanise navo. Saka ndakasarudza kugara nehama nehanzvadzi dzaiva matsi pamisangano yataiita.
Kare ikako muBritain maisava neungano dzemutauro wemasaini. Hama nehanzvadzi dzaiva matsi dzaipinda misangano yeChirungu, uye hama nehanzvadzi dzaiturikira misangano iyi mumutauro wemasaini asi dzichitevedzera matauriro eChirungu uye dzichishandura shoko rimwe nerimwe reChirungu. Kunyange zvakadaro, hama dzangu nehanzvadzi dzaiva matsi dzakandidzidzisa nemwoyo murefu mutauro wemasaini, uye ndakaona kuti mutauro wacho wakasiyana nemimwe, uye une marongerwo emashoko awo wega. Kwavari, Chirungu waitoita semutauro wekune imwe nyika wavaisaziva! Pandakazviziva, zvakandibata bata zvekuti ndakawedzera kuda uye kuremekedza shamwari dzangu dzaiva matsi nekuda kwekugara dzichipinda misangano yechiKristu. Ndakawedzerawo chido changu chekudzidza mutauro wemasaini.
Munyika yeBritain, matsi dzinoshandisa British Sign Language. Nekufamba kwaiita nguva, vaturikiri vepamisangano yedu vakadzidza kushandisa mutauro uyu wemhando yepamusoro pane kushandisa unodanwa kuti Sign Supported English. Izvi zvakaita kuti matsi dzitange kubatsirwa zviri nani nemisangano. Zvakaitawo kuti dziwedzere kubatana nehama nehanzvadzi dzisiri matsi. Iye zvino ndichitarisa makore anodarika 50 apfuura, ndinoona kuti Jehovha akakomborera zvikuru ndima yemutauro wemasaini. Regai ndikuudzei zvimwe zvinhu zvikuru zvakaitika, Jehovha paakandibatsirawo pakuvandudza ndima yemutauro uyu.
Kuvandudzika Kwendima Yemasaini
Muna 1973, rinenge gore pashure pekunge ndagadzwa kuva mukuru, imwe hama matsi inonzi Michael Eagers akataura pfungwa yekuti tiite mimwe misangano mumutauro weBSL. Tabvumirwa nebazi, ini nemumwe mukuru takaronga misangano yaiitwa pamwedzi yemutauro wemasaini kuDeptford, nechekumaodzanyemba kweLondon.
Zvakaitika zvaishamisa! Zvapupu zvaiva matsi zvekuLondon nedzimwe nzvimbo dzakatsaukana dzekumaodzanyemba kweEngland zvakapinda musangano wekutanga wemutauro weBSL. Iye zvino hama nehanzvadzi dzaiva matsi dzakanga dzava kukwanisa kudzidziswa zvekunamata mumutauro wavo chaiwo. Pashure pemusangano wacho, takava nemukana wekutaura zvakaitika uye kudya pamwe chete. Ndakavawo nemukana wekutaura mashoko ekukurudzira nekusimbisa hama nehanzvadzi.
Nekufamba kwenguva, misangano yemutauro wemasaini yakanga yava kuitwawo muguta reBirmingham neSheffield. Hama nehanzvadzi dzakati kuti dzaida kudzidza mutauro weBSL dzaipindawo misangano yacho. Vakawanda vavo vakatozobatsira pakuwedzera ushumiri hwemutauro wemasaini munyika yacho yese.
Mawaniro Andakaita Mudzimai
Muna 1974, ndakasangana neimwe hanzvadzi yaiva mhenya chaiyo, yainzi Stella Barker, uye aiva piyona chaiye muungano yaiva pedyo neBheteri. Takadanana tikazoroorana muna 1976, uye takatanga kushumira semapiyona chaiwo pamwe chete. Taipinda neungano yeHackney, iri kumaodzanyemba kweLondon. Tiri ikoko, Stella akandibatsira pakutsigira ndima yemutauro wemasaini. Ndichitarisa shure, ndinoona kuti kupayona pamwe chete kwakaita kuti wanano yedu itange zvakanaka.
Pasina nguva, ini naStella takakokwa kuti tipote tichishanda kuBheteri. Taiva nezvakawanda zvekuita muupenyu! Ndaishumirawo semutsivi wemutariri wedunhu, ndaiitisawo chikoro cheushumiri chevakuru, uye nekufamba kwenguva ndakatanga kubatsira pakuronga kuturikira magungano emunharaunda mumutauro wemasaini. Ndaimbonzwa kuneta asi ibasa raifadza uye raiita kuti ndinzwe kugutsikana.—Mateu 11:28-30
Muna 1979 takaita mwana mukomana ainzi Simon, uye muna 1982 takaita mumwe ainzi Mark. Chaiva chikomborero kuwana mufaro unobva pakurera vana. Takazvigona sei? Ini naStella takasarudza kuti pese pandaifanira kuenda kune imwe nzvimbo nemabasa ekunamata, taifanira kuenda tese semhuri, tichiita zvimwe zvinhu zvaitinakidza. Taida kuti vana vedu vaone kuti kushumira Jehovha kunoita kuti tifare! Zvakavabatsira sei? Vana vedu pavaikura, vakadzidza mutauro wemasaini uye vakatangawo kupayona. Pashure pemakore anenge 40 kubva pakatanga mhuru yedu basa repaBheteri, Simon naMark vakaendawo kunoshanda kuBheteri. Takafara zvekuti huyai muone!
Kuziva Zvaidiwa Nematsi
Kunyange pakasvika makore ekuma1990, hapana kana hama yaiva matsi yaiva mukuru muBritain, asi kwaingova nevashumiri veungano chete. Saka, hama dzaisava matsi uye dzaisakwanisa mutauro wemasaini ndidzo dzaifanira kuona kuti hama idzi dzaiva matsi ‘dzaikwanisa kudzidzisa’ here kuti dzishumire sevatariri. (1 Timoti 3:2) Imwe hama yaiva matsi uye yaiva mushumiri weungano yainzi Bernard Austin, yaipinda neungano yeChirungu. Yaiva hama yairemekedzwa chaizvo, yaida makwai aJehovha. Ndakafara pandakanzwa kuti Bernard akagadzwa kuva mukuru! Ndiye aiva hama yekutanga pamatsi kugadzwa semukuru weungano muBritain.
Muna 1996, pane chinhu chisingakanganwiki chakaitika—bazi rakabvumira kuti paumbwe ungano yekutanga yemutauro wemasaini muBritain. Yaiva kuEaling, nzvimbo iri nechekumavirira muguta reLondon. Kubvira ipapo, zvinhu hazvina kuzombomira, zvakaramba zvichifambira mberi.
Kubatsirwa Nemisangano Yese yechiKristu
Mumakore ekuma1980 nema1990, ndaishanda ndiri kumba ndichibatsira Dhipandimendi reBasa raiva kuBheteri pakupindura mibvunzo ine chekuita nemutauro wemasaini. Dzimwe nguva hama dzainyora dzichibvunza kuti dzingabatsira sei matsi kunzwisisa hurukuro dzaipiwa kumisangano nemagungano zvemutauro weChirungu. Pakutanga kwaisava neurongwa hwekubatsira matsi pamagungano uye kwaisava nemavhidhiyo ekubatsira matsi. Saka ndaiwanzokurudzira hama dzaiva matsi uye dzaisava matsi kuti dzive nemwoyo murefu dzichimirira Jehovha.
Kuva nemwoyo murefu kwakabatsira! Pasina nguva, bazi rakatanga kuronga kuturikirwa kwemisangano uye magungano mumutauro wemasaini. Chimwe chinofadza ndechekuti matsi dzaipiwa nzvimbo dzepamberi dzekugara, pavainyatsoona zvakanaka mukurukuri nemuturikiri. Iye zvino hama nehanzvadzi matsi dzakanga dzava kukwanisa kunyatsoona kuti Jehovha anodzida uye kuti dzinokosha mumhuri yevanamati vaJehovha.
Musi wa1 April, 1995, gungano rekutanga remutauro wemasaini rakaitirwa muImba Yemagungano yekuDudley kuWest Midlands. Ndakabatsira Hama David Merry, avo vaimbova mutariri wedunhu, pakuronga gungano racho. Dzimwe hama dzaiva matsi dzakafamba mazana emakiromita, dzichibva kure kure sekuScotland uye kuCornwall kuti dzipinde gungano iri. Ndinoyeuka mufaro usingatauriki waivapo vanhu vanopfuura 1 000 pavakauya kugungano iri risingakanganwiki.
Muna 2001, bazi rakakumbira ini naHama Merry kuti tironge gungano remunharaunda remutauro weBSL regore raitevera. Paiva nebasa chairo! Asi Jehovha akakomborera zvakaitwa nevanhu vakawanda vakazvipira, uye gungano racho rakabudirira uye harikanganwiki. Pashure pegungano iri, ndakava nechikomborero chekutungamirira pakuronga magungano emitauro yemasaini kwemakore akati kuti kusvikira Jehovha azoita kuti pave nehama dzechidiki dzaikwanisa kuita basa racho.
Mavhidhiyo Ekubatsira Matsi
Muna 1998, takafara zvisingaiti sangano raJehovha parakabudisa bhuku rekutanga remutauro weBSL rainzi Mwari Anodei Kwatiri? riri paVideocassette. Takarishandisa pakudzidzisa vanhu vakawanda Bhaibheri.
Pagungano ra2002 remunharaunda, takaimba nziyo dzeUmambo dzichiturikirwa mumutauro weBSL uye aka ndiko kaiva kekutanga. Iye zvino hama nehanzvadzi matsi dzakanga dzava kukwanisawo kuimba dzichitevedzera muturikiri wemasaini uye kukwanisawo kuona kuri kuenda nemumhanzi wacho. Ndinoyeuka ndichiona imwe hama yaiva mukuru uye matsi, ichibudisa misodzi yekufara payaishandisa mutauro wemasaini pakuimba, sezvo aka kaiva kekutanga kuzviita!
Pane chimwewo chinhu chinoshamisa chakabudiswa pagungano ra2002. Ungano yemutauro wemasaini yekuLondon yakakumbirwa kuti ibudise vhidhiyo yemutambo mumutauro wemasaini. Asi mubvunzo waiva wekuti taizozviita sei? Taisambova neruzivo nazvo! Jehovha akatibatsira zvakare, akaita kuti tiwane hama dzaiziva kuti kutora mavhidhiyo uye kuagadzira kunoitwa sei. Basa racho rakafamba zvakanaka! Uye chinofadza ndechekuti ruzivo rwandakawana rwakatozondibatsira kubva muna 2003 kusvika muna 2008 pandaitungamirira pakugadzirwa kwemavhidhiyo emitambo yepagungano emutauro weBSL.
Ini naStella tainakidzwa nekuva nevanakomana vedu paBheteri. Asi basa rainge risiri nyore! Pashure pemavhiki akati kuti ekudzidzira nekutora mavhidhiyo, vatambi pamwe chete nevaishanda pakutora mavhidhiyo acho vainge varukutika. Asi kwaiva kushandira zviripo! Mwoyo yedu yakafashukira nemufaro pataicherechedza hama dzedu matsi dzichiona nyaya dzemuBhaibheri sedziri kutoitika, uye vakawanda vacho vaiyerera misodzi yekufara pavaiona mavhidhiyo aya.
Makomborero akaramba achingouya. Muna 2015, takagamuchira Nharireyomurindi yekudzidza iri vhidhiyo yemutauro weBSL. Kwozotiwo muna 2019, pakabudiswa mavhidhiyo ebhuku reBhaibheri raMateu. Iye zvino mavhidhiyo emabhuku ese eMagwaro echiKristu echiGiriki uye Magwaro echiHebheru ari kugadzirwa. Hama nehanzvadzi matsi dzinoshaya kuti dzingatenda sei Jehovha zvinoenzana nezvaari kudzipa!
Sevanhu vaJehovha, tiri mumhuri yakabatana inoratidza kuti haina rusaruro, tichitevedzera Baba vedu vekudenga Jehovha. (Mabasa 10:34, 35) Ini nemhuri yangu tichiri kungoshamiswa nenguva, simba uye mari inoshandiswa nesangano redu pakubatsira vanhu vemarudzi ese, kusanganisira matsi nemapofu. a
Zvese izvi zvava nenguva zvichibatsira, nekuti iye zvino kwatova neungano dzakati kuti dzemutauro weBSL kuBritain. Kuvawo nezvandakaita pakatanga ungano idzi, kana kuti pamazuva “ezvinhu zvidiki,” kunoita kuti ndifare zvikuru uye ndigutsikane kuti ndakashandira zviripo. (Zekariya 4:10) Zviripo ndezvekuti mbiri tinoipa kuna Jehovha. Ndiye ari kutungamirira sangano rake. Anoita kuti vanhu vake vazivise mashoko akanaka kuvanhu vemarudzi ese. Uye anoitawo kuti mbeu yechokwadi cheUmambo ikure mumwoyo mevanhu vakakodzera.
a Ona chikamu chakanzi “Mashandisirwo Ari Kuitwa Mari Yenyu Yezvipo—Mabhuku eBraille Ari Kuchinja Upenyu Hwevanhu.”