Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

TAPANI VIITALA | NYAYA YEUPENYU

Kuzadzisa Chishuwo Changu Chekubatsira Matsi

Kuzadzisa Chishuwo Changu Chekubatsira Matsi

 Pandakatanga kuonana neZvapupu zvaJehovha, vakandiratidza vimbiso yemuBhaibheri yekuti “nzeve dzematsi dzichavhurwa.” (Isaya 35:5) Asi sezvo ndakazvarwa ndiri matsi, zvaindiomera kuedza kufungidzira ndichinzwa. Saka vimbiso iyoyo haina kunyanya kundisvika pamwoyo. Ndakanyanya kubayiwa mwoyo pavakandiratidza kubva muBhaibheri kuti Umambo hwaMwari huchabvisa udzvinyiriri, hondo, zvirwere, uye kunyange rufu. Nekufamba kwaiita nguva, ndakatanga kuva nechido chakasimba chekuudzawo vamwe vanhu vaiva matsi zvandainge ndadzidza.

 Ndakaberekwa muna 1941 mutaundi rinonzi Virrat, muFinland, uye mumhuri medu tese tiri matsi. Vabereki vangu, veukama vakawanda, uye munin’ina wangu nehanzvadzi yangu, vaiva matsi. Taishandisa mutauro wemasaini.

Kudzidza Zvinhu Zvinoshamisa muBhaibheri

 Mutauro wemasaini waisabvumirwa pachikoro chandaipinda, icho chaiva makiromita anenge 240 kubva kumba. Panguva iyoyo zvikoro zvematsi muFinland zvaimanikidza matsi kuziva zvinenge zvichitaurwa nemunhu nekungotarisa mafambiro anenge achiita miromo yake. Vadzidzisi pavaitiona tichishandisa mutauro wemasaini, vaitirova zvisingaiti nerura kana kuti neshamhu zvekuti zvigunwe zvaiita mazuva zvakazvimba.

 Pandakapedza chikoro chesekondari ndakaenda kukoreji yaidzidzisa zvekurima. Vabereki vangu vaiva nepurazi, saka ndaida kudzidzira kuti ndizova murimi. Pandakadzokera kumba, ndakaona patafura paine magazini eNharireyomurindi neMukai! Baba vangu vakabva vandiudza kuti magazini iwayo aitsanangura zvinhu zvinoshamisa zviri muBhaibheri uye kuti ivo naamai vakanga vari kudzidziswa Bhaibheri nemumwe murume nemudzimai wake. Vaikurukura nevabereki vangu vachiita zvekunyorerana pamapepa.

 Baba vangu vakandiudza kuti Umambo hwaMwari huchaita kuti nyika ive paradhiso yakanaka uye kuti vakafa vachamutswa. Asi ndainge ndadzidziswa kuti vanhu pavanofa vanoenda kudenga. Ndakafunga kuti pamwe baba vainge vasina kunyatsobata zvakataurwa neZvapupu zvacho sezvo vainge vasingashandisi mutauro wemasaini pavaikurukura.

 Zvapupu zviya pazvakadzoka kuzokurukurazve nevabereki vangu, ndakavabvunza zvandakanga ndaudzwa nababa. Vakabva vati: “Zvawakaudzwa nababa vako ndezvechokwadi.” Vakabva vandiratidza zvakataurwa naJesu nezvekumutswa kwevakafa zviri pana Johani 5:28, 29. Vakatsanangura kuti Mwari achabvisa sei uipi panyika, uye vakandiudza kuti vanhu vachararama nekusingaperi vaine utano hwakanaka uye vaine rugare.—Pisarema 37:10, 11;Dhanieri 2:44; Zvakazarurwa 21:1-4.

 Ndaida kudzidza zvakawanda, saka ndakatanga kudzidza Bhaibheri nechimwe Chapupu chakanga chisiri matsi chainzi Antero. Aisagona mutauro wemasaini, saka ndaipindura mibvunzo yaiva mubhuku rataidzidza ndichiita zvekunyora mhinduro dzacho papepa. Antero aibva adziverenga, obva anyora mimwe mibvunzo kana mamwe mashoko ekuwedzera. Aindiratidza mwoyo murefu paaidzidza neni kwemaawa maviri vhiki rega rega tichishandisa nzira iyi.

 Muna 1960, ndakapinda gungano reZvapupu zvaJehovha, uye purogiramu yacho yaiturikirwa mumutauro wemasaini. Musi weChishanu masikati, pakapiwa chiziviso chekuti vanhu vaizobhabhatidzwa zuva raitevera. Saka musi weMugovera mangwanani, ndakabva ndatora hembe dzekutuhwina nadzo netauro ndichibva ndabhabhatidzwa! a Pasina nguva, vabereki vangu uye munin’ina wangu nehanzvadzi yangu vakabva vabhabhatidzwawo.

Vanhu vese vemumhuri medu vakazobhabhatidzwa

Kuudza Vamwe Chokwadi Chiri muBhaibheri

 Ndaida kuudza dzimwe matsi zvandainge ndadzidza, uye mutauro wavaizonyatsonzwisisa ndewemasaini. Pakutanga ndaishingaira kuparidzira matsi dzemunharaunda yedu.

 Pasina nguva ndakabva ndatamira kuTampere, guta rainge rakazara mafekitari. Ndaienda paimba neimba, ndichibvunza kana vaiziva vamwe vanhu vaiva matsi. Ndakawana zvidzidzo zveBhaibheri ndichishandisa nzira iyi, uye pashure pemakore mashoma, muTampere makanga matova nevaparidzi vari matsi vanopfuura 10.

 Muna 1965, ndakaonana neimwe hanzvadzi yainzi Maire. Takabva tachata gore rakatevera racho. Maire akakurumidza kudzidza mutauro wemasaini, uye akava shamwari yangu yakavimbika uye inoshanda nesimba kwemakore 50 atakashumira Jehovha pamwe chete.

Patakachata muna 1966

 Pashure pemakore maviri takava nemwana mukomana anonzi Marko, uyo asiri matsi. Akadzidza mutauro wechiFinnish pamba nekuti ndiwo mutauro waamai vake, uye akadzidzawo mutauro wemasaini wekuFinland. Marko akabhabhatidzwa aine makore 13.

 Nekufamba kwenguva, vanhu vakawanda vakabatana neboka redu remutauro wemasaini remuTampere. Saka muna 1974, takatamira kune rimwe guta rinonzi Turku, uko kwainge kusina Zvapupu zvaiva matsi. Takatanga kutsvaga vanhu vaiva matsi paimba neimba sezvandakanga ndamboita. Mumakore atakagara muTurku, vanhu 12 vandakadzidza navo Bhaibheri vakabhabhatidzwa.

Kuparidzira muEstonia, Latvia nemuLithuania

 Muna 1987, Marko akakokwa kuti ashande paBheteri. Boka redu remutauro wemasaini remuTurku rainge ranyatsosimba, saka takatanga kuronga kutamira kune imwe nzvimbo.

 Panenge panguva iyoyo, Zvapupu zvakanga zvava nerusununguko rwekuparidza muEastern Europe. Saka muna January 1992, ndakaenda neimwe hama yaiva matsi kuguta reTallinn muEstonia.

 Takabva taonana neimwe hanzvadzi yechiKristu yaiva nehanzvadzi yayo yaiva matsi. Kunyange zvazvo asina kufarira mashoko eUmambo, akatibatsira chaizvo kuwana matsi dzakawanda muEstonia. Manheru ekupedzisira tiri ikoko, akaenda nesu kumusangano waiitwa nesangano rinonzi Estonian Association of the Deaf in Tallinn. Takakurumidza kusvika kumusangano wacho tichibva tazadza tafura nemagazini uye mabhuku emutauro wechiEstonian nechiRussian. Takapa vanhu mabhuku anenge 100 uye magazini anoda kusvika 200, uye vanhu vanenge 70 vakatipa kero dzavo. Zvakaitika usiku ihwohwo zvakatoita kuti tive nepekutangira pakuparidza nemutauro wemasaini muEstonia!

Tichienda kunoparidza mune imwe yenyika dzataishanyira

 Pasina nguva, ini naMaire tainge tava kupota tichienda kuEstonia kunoparidza. Takaderedza maawa ataishanda kubasa tichibva tatanga kushumira semapiyona enguva dzese. Muna 1995, takatamira pedyo neguta reHelsinki kuti zvitiitire nyore kufamba nechikepe kuenda kuTallinn. Kuparidza muEstonia kwaipfuura nekure zvataifungidzira!

 Taiva nevadzidzi veBhaibheri vakawanda zvekuti taisakwanisa kuvapedza vese, uye 16 vavo vakafambira mberi kusvika pakubhabhatidzwa, kusanganisira vasikana vaviri vemudumbu rimwe chete avo vaisaona uye vaiva matsi. Ndaidzidza navo ndichiita zvekusainira mumaoko avo.

 Zvaisava nyore kudzidza nematsi. Panguva iyoyo, kwakanga kusina mabhuku akashandurirwa mumutauro wemasaini, saka ndainyanya kushandisa mapikicha anoyevedza emumabhuku edu, uye ndaianamira mubhuku randaiva naro.

 Hofisi yebazi yeFinland yakati ndiende kuLatvia nekuLithuania kuti ndinoona kuti basa rekuparidza nemutauro wemasaini raigona sei kuitwa munyika idzodzo. Takashanyira nyika idzi kakawanda, tichibatsira Zvapupu zveko kutsvaga matsi. Inenge nyika yega yega ine mutauro wayo wemasaini. Saka ndakadzidza mutauro wemasaini wemuEstonia, Latvia, newemuLithuania. Ndakadzidzirawo mutauro wemasaini wekuRussia, uyo unoshandiswa nevanhu vari matsi vekuRussia vanogara muEstonia, Latvia neLithuania.

 Zvinosuwisa kuti pashure pemakore 8 tichishanyira Estonia, Latvia neLithuania, Maire akabatwa chirwere chinonzi Parkinson, saka tainge tisisakwanise kuramba tichienderera mberi.

Urongwa Hwekubatsira Matsi

 Muna 1997, boka reshanduro remutauro wemasaini rakatangwa paBazi reFinland. Sezvo taigara pedyo, ini naMaire taikwanisa kubatsira pakugadzira mavhidhiyo ezvinyorwa zvemutauro wemasaini, uye nanhasi ndichiri kubatsira apo neapo. Taishanda pamwe chete nemwanakomana wedu Marko. Iye nemudzimai wake vakazobatsirawo pakudzidzisa mapoka eshanduro emutauro wemasaini mune dzimwe nyika.

Tichibatsira pakugadzira mavhidhiyo emutauro wemasaini wekuFinland

 Hofisi yebazi yakarongawo makirasi ekudzidzisa vaparidzi vakanga vasiri matsi mutauro wemasaini. Makirasi aya akaita kuti vakawanda vakwanise kubatana neungano dzemutauro wemasaini. Vaibatsira pabasa rekuparidza nepamisangano, uye vaiitawo mamwe mabasa muungano.

Chido Changu Chekubatsira Chichakasimba

 Muna 2004, ini naMaire takabatsira kutanga ungano yekutanga yemutauro wemasaini wekuFinland, muHelsinki. Pashure pemakore matatu, ungano iyi yakanga yava nevaparidzi vakasimba pakunamata, vanoshingaira, uye yakanga yava nemapiyona akawanda.

 Takabva tatangazve kuronga kutamira kunzvimbo yaidiwa vaparidzi vakawanda. Muna 2008, takatamira pedyo neTampere, ndokubva tadzokera muboka remutauro wemasaini ratakanga tasiya makore 34 akanga adarika. Pashure pegore, boka iroro remutauro wemasaini rakava ungano yechipiri yemutauro wemasaini muFinland.

 Asi panguva iyoyo urwere hwaMaire hwakaramba huchiwedzera. Ndakaramba ndichimutsigira kusvikira paakashaya muna 2016. Kunyange zvazvo ndichisuwa Maire chaizvo, ndinotarisira nemwoyo wese kuzomuona zvakare munyika itsva, umo muchange musisina zvirwere.—Isaya 33:24; Zvakazarurwa 21:4.

 Ndava nemakore 60 ndichiparidza mashoko akanaka kuvavakidzani vangu vari matsi uye chido changu chichakasimba chaizvo!

a Panguva iyi, urongwa hwekuti vakuru vanokurukura nevanenge vachida kubhabhatidzwa hwakanga husati hwavapo.