Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

TERRY REYNOLDS | NYAYA YEUPENYU

Jehovha Akandibatsira Kuti Ndimushumire Nemwoyo Wese

Jehovha Akandibatsira Kuti Ndimushumire Nemwoyo Wese

 Pandaiva nemakore 14 imwe hama yechikuru yainzi Cecil yakandipa Bhaibheri. Ndiro Bhaibheri ravaishandisa kudzidza vari vega uye raiva nemanotsi kumucheto kwemapeji. Ndakangozviudza kuti, ‘Ichi chipo chakazonaka!’

 Cecil aizvininipisa uye aida vanhu. Muenzaniso wake uye waamai vangu nedzimwe hama nehanzvadzi dzaiva muungano yedu wakaita kuti ndive nechido chekupa Jehovha zvakanakisisa. (VaFiripi 2:13) Regai ndikuudzei nezvenyaya yeupenyu hwangu.

Kushingaira Kwaiita Amai Vangu Kwakandikurudzira

 Ndakaberekwa muna 1943. Vabereki vangu vaigara papurazi raiva pedyo neguta reBundaberg riri munharaunda inorimwa nzimbe muQueensland, kuAustralia. Manheru emusi weMugovera wega wega, vanhu vemunharaunda yataigara vaienda kutaundi kunotandara. Mamwe manheru emusi weMugovera, mugore ra1939, vabereki vangu vakaendawo kutaundi kunotandara nevamwe. Vari ikoko vakabva vaparidzirwa nemamwe mapiyona maviri (vashumiri venguva yakazara veZvapupu zvaJehovha). Vabereki vangu vakafarira zvavakadzidziswa uye vakazova Zvapupu zvaJehovha. Izvi zvakaita kuti ini nehanzvadzi yangu Jean, tikurire mumhuri yeZvapupu. Zvinosuwisa kuti baba vangu vakafa ndiine makore 7, pavakadonha pamasitepisi mumba medu. Ndakarwadziwa chaizvo pavakafa. Asi ndichiri kuyeuka kuti baba vangu vaishanda nesimba uye vaifara nevanhu. Ndinoda chaizvo kuzovaona pavachamutswa ndozonyatsovaziva!—Mabasa 24:15.

 Amai vangu vaiva nemutsa uye vainzwisisa. Vaiita kuti tisununguke kutaura zviri pamwoyo pedu. Asi kana pava panyaya yemitemo iri muBhaibheri uye nyaya dzekunamata, amai vaitiudza kuti tinofanira kuita zvinodiwa naJehovha. Taigara tichipinda misangano yechiKristu uye amai vedu vaitiudza kuti tisaita nguva yakawanda tiine vanhu vasiri Zvapupu patinenge tisiri kuchikoro. (1 VaKorinde 15:33) Ndichitarisa upenyu hwangu, ndinotenda chaizvo zvakaitwa naamai.

Pandaiva nemakore anenge 14

 Amai vaishingaira chaizvo pabasa rekuparidza uye vaigara vachishanda sapiyona wezororo (ava kunzi piyona webetsero.) Ndinoyeuka kuti vaigara vachiendesa magazini eNharireyomurindi neMukai! kuvanhu vanopfuura 50. Kunyange pavakanga vakwegura uye vasisina simba, vakaramba vachida kubatsira vanhu vaida chokwadi. Kuda kwavaiita vanhu uye kuda kwavaitiita kwakaita kuti tivadewo uye tiedze kuvatevedzera. Muna 1958, pandakanga ndava nemakore 14, ndakazvitsaurira ndichibva ndabhabhatidzwa.

Kukurudzirwa Kwandakaitwa Neshamwari Dzaida Jehovha

 Pasina nguva, mumwe mukomana wemuungano medu ainzi Rudolf uyo aiva nemakore 20 akabva abhabhatidzwawo. Rudolf akanga atamira muungano yedu achibva kuGermany. Musi weMugovera mangwanani, ini naRudolf taienda kunoparidzira vanhu vanenge vakagara mumota vakamirira vamwe vavo vanenge vaenda kunotenga.

 Rudolf aishingaira pabasa rekuparidza uye akandikurudzira kuti tipayone tese pandinenge ndiri pazororo rechikoro. Pane imwe nguva, takaita mavhiki 6 tichipayona mune rimwe guta riri kuchamhembe kweBundaberg. Guta racho rinonzi Gladstone uye riri kure neBundaberg nemakiromita anenge 190. Rudolf aindida semukoma wangu chaiye uye ndaifara pandaipayona. Izvi ndizvo zvakaita kuti ndide kuva piyona wenguva dzese. Pandakanga ndava nemakore 16 ndakazadzisa chinangwa changu uye ndakasarudza kushumira Jehovha mubasa renguva yakazara kweupenyu hwangu hwese.

 Pandakatanga kupayona, ndakanzi ndinoshumira muguta reMackay riri kuchamhembe kweBundaberg, pedyo neGreat Barrier Reef. Pashure perinenge gore, ndava nemakore 17, ndakagadzwa kuti ndishumire sapiyona chaiye a munzvimbo yekumaruwa muAustralia, iyo ine vanhu vashoma. Ndaipayona naBennett (Ben) Brickell, uyo aiva akazodzwa uye ari mukuru kwandiri nemakore 30. b Yaiva ropafadzo chaiyo kushanda napiyona agara nebasa uyo aizivikanwa nevakawanda kuti aishingaira pabasa rekuparidza!

Kuparidzira mukadzi wechiAborigine kumaruwa, muna 1963

 Ndima yataiparidza yaiva kuchamhembe kwakadziva kumadokero kwenharaunda yeQueensland uye yaiva pedyo gungwa reGulf of Carpentaria. Panguva iyoyo, tisu tega taiva Zvapupu munzvimbo iyoyo yaisava nevanhu vakawanda. Pamwe pacho taiita maawa akawanda tichityaira motokari kubva pane mumwe musha kuenda kune mumwe. Pataifamba mumigwagwa iyoyo isina tara, Ben aindiudza zvaakanga ambosangana nazvo muushumiri. Akandiudza nezvekuparidza kwavaiita vachishandisa motokari dzaiva negudzanzwi c panguva yeHondo Yenyika Yechipiri, basa reZvapupu zvaJehovha parakanga rakabhanwa muAustralia.

Imwe hama uye ini (pakati) tichiitisa chidzidzo cheBhaibheri kumaruwa

 Taiti kana tapedza kuparidza, totsvaga pekurara pakanaka padivi pemugwagwa. d Taitsvaga huni, tobatidza moto kuti tibike zvekudya zvemanheru. Kana tava kurara, ndaiwaridza jira rakaita setende pasi ndoisa magumbeze nechekutsamira. Pandaitarisa mudenga ndichiona nyeredzi dzakawanda ndisingavhiringidzwi nechiedza chemagetsi, ndaibva ndarumbidza Jehovha. Handimbozvikanganwi!

 Kufirwa nemotokari munzvimbo iyi iri kwayo yega kune njodzi. Mumwe musi, ekisero yemota yedu yakatyoka. Kunze kwaipisa uye takanga tasarirwa nemvura yekunwa shoma. Saka Ben akaenda kutaundi reCloncurry kunotsvaga imwe ekisero ndikabva ndasara ndakachengeta motokari kwemazuva 3. Mazuva ese iwayo, vatyairi vemota dzaipfuura vaindipa mvura. Mumwe murume akandipa bhuku rakasakara achibva ati: “Verenga bhuku iri! Pamwe rinogona kutokubatsira.” Ndakashamisika pandakaona kuti bhuku racho rakanga risina kubudiswa neZvapupu asi raitaura zvakaitika kuZvapupu zvaJehovha pazvaiva mumisasa yevasungwa yevaNazi!

 Ndakapayona naBen kwerinoda kusvika gore. Patakaparadzana, akandiudza kuti, “Ramba uchirwisa kuti urambe wakatendeka shamwari.” Muenzaniso waBen wekuzvipira kuna Mwari uye kushingaira kwaaiita zvakaita kuti ndive nechido chakasimba chekuramba ndiri mubasa renguva yakazara.

Kukokwa kuGiriyedhi Uye Kuenda kuTaiwan

 Papera makore akati ndichishanda sapiyona kumaruwa, ndakazonzi ndishande semutariri wedunhu. Basa racho raisanganisira kushanyira ungano uye mapoka ari kwawo ega kwevhiki kana kupfuura. Kwemakore akawanda, ndakabatsira matunhu 4, ayo aisanganisira ungano dzaiva muQueensland uye muNew South Wales. Muna 1971, ndakawana ropafadzo yakakura yekupinda kirasi yechi51 yeGiriyedhi, chikoro cheZvapupu zvaJehovha chinodzidzisa mamishinari chinoitirwa muNew York. Kunyatsodzidza Bhaibheri kwemwedzi mishanu uye kukurudzirwa nevamwe vadzidzi pamwe chete nevarayiridzi zvakandibatsira kuti ndigadzirire kuzoita basa idzva randakazopiwa rekushanda semumishinari muTaiwan.

Kirasi yedu yeGiriyedhi

 Vadzidzi 9 vemukirasi medu vakanzi vaende kuTaiwan, kusanganisira Ian Brown, aibva kuNew Zealand. Ndiye wandakazoshanda naye mubasa reumishinari. Hapana chataitomboziva nezveTaiwan. Taisatomboziva kwayaiva kusvikira tatarisa pamepu.

 Nharaunda iri kumaruwa kweQueensland yakatosiyana zvachose nenyika yeTaiwan! Chinhu chekutanga chakanga chakanyanya kutiomera kwaiva kudzidza mutauro weChinese. Ndakatora nguva ndisinganzwisisi zvaitaurwa pamisangano yeungano, apo patinodzidziswa zvinhu zvinosimbisa kutenda kwedu. Ndaisakwanisawo kunyatsokurukura nehama nehanzvadzi dzangu. Izvi zvakaita kuti ini naIan tinzwisise kuti nei takadzidziswa zvinhu zvakawanda kuchikoro cheGiriyedhi. Zvinhu zvatakadzidza kuGiriyedhi uye kugara tichidzidza Bhaibheri nekunyengetera nemwoyo wese zvakabatsira kuti kutenda kwedu kurambe kwakasimba panguva iyoyo. Kunyange zvazvo taisakwanisa kunyatsokurukura nehama nehanzvadzi dzedu, takakurudzirwa chaizvo nerudo rwavaitiratidza uye kuda kwavaiita Jehovha.

Kudzidza Chinese

 Tichangosvika muTaiwan, mamishinari ese akaita kosi yenguva pfupi yekudzidza Chinese. Taidzidziswa neimwe hanzvadzi yaibva kuAustralia yainzi Kathleen Logan, e iyo yakapinda kirasi yechi25 yechikoro cheGiriyedhi. Takanyatsoisa pfungwa dzedu pakudzidza mutauro uyu. Uye sezvatakanga tadzidziswa, takakurumidza kushandisa zvatakanga tadzidza. Zuva ratakatanga kubuda muushumiri, ini naIan takabata nemusoro mharidzo pfupi yataizoshandisa. Patainge tiri munzira, takataurirana kuti ndiani aizotanga kuparidza paimba yekutanga. Sezvo ndaiva mukuru kwaari ndakamubvunza kana aida kutanga. Saimba wacho aiva murume wechiChinese airemekedzeka. Ainyatsoteerera Ian paaitaura achisanganisa chiChinese neChirungu. Takashamisika murume wacho paakatibvunza neChirungu kuti chii chataida. Takakurukura kwekanguva, uye patakanga tava kupedza akatikurudzira kuti tirambe tichidzidzira chiChinese. Mashoko ake akaita kuti tive nechivimbo ‘chekuramba tichirwisa,’ sezvaigara zvichitaurwa naBen.

 Ndima yedu yaiva chikamu chakakura cheguta guru reTaipei. Panguva iyoyo maiva neZvapupu zvishoma saka vanhu vakawanda vakanga vasati vambonzwa mashoko akanaka. Izvi hazvina kutiodza mwoyo. Ini naIan takabva tatanga kushingaira kuparidza. Mumazuva iwayo, kazhinji taipa vanhu mazana emagazini mwedzi wega wega. Pamwe vamwe vanhu vaitora magazini edu kuti vangonzwa kuti taiva vanaani uye kuti taitaura nezvei! Asi takaita zvese zvataigona kuti tiparadzire mbeu yechokwadi cheUmambo, tiine chivimbo chekuti yaizodzika midzi mumwoyo yevanhu vaida chokwadi.

Kuwana Mubatsiri Mutsva Weupenyu Hwese

Ini naWen-hwa tiri muushumiri muna 1974

 Panguva iyi yandaiita ushumiri, ndakatanga kushamwaridzana neimwe hanzvadzi yemuTaiwan yainzi Wen-hwa. Aida chokwadi uye aida chaizvo kuparidzira vanhu vemunzvimbo iyoyo kuti vabatsirwe neBhaibheri sezvaainge aita. Saka akabatsira mamishinari akawanda, kusanganisira ini, kuti tigone kutaura chiChinese. Ndakatanga kuda hanzvadzi iyi yaiita zvakanaka uye takachata muna 1974.

 Wen-hwa akabatsira mamishinari kuti abudirire muushumiri. Semuenzaniso, akatibatsira kuti tinzwisise tsika nemafungiro evanhu vekuTaiwan, zvikaita kuti tinyatsogona mutauro wacho. Uye akatibatsira kuti tiite kuti mharidzo dzedu dzienderane nendima yedu, iyo yainge yakazara vanhu vechiBhudha uye chiTao. Vanhu vakawanda vainamata madzitateguru uye vakanga vasati vamboverenga kana kuona Bhaibheri. Saka tainyanya kutaura nezveMusiki, kuti zita rake ndiJehovha uyewo kuti nei tiine chokwadi chekuti ariko. Semuenzaniso, murimi kana mubati wehove paaitaura kuti, “Tinototarisa denga kuti tiwane mvura,” taipindura kuti: “Ndiani anoita kuti mvura yacho inaye? Haasi Mwari here ane simba guru, akasika zvinhu zvese uye akakodzera kunamatwa?”

Ndiina Wen-hwa muna 1975

 Nekufamba kwenguva, takaona kukomborerwa kwebasa redu. Vamwe vanhu vaida chokwadi vakagamuchira mashoko eUmambo. Vamwe vevadzidzi ava veBhaibheri vakashanda nesimba kuti vasiye dzidziso dzenhema uye tsika dzisingaenderani neBhaibheri. Vakabudirira kusiya zvinhu izvozvo vachibatsirwa nemamishinari uye vaparidzi vemunzvimbo yacho, uye upenyu hwavo hwakavandudzika chaizvo. (Johani 8:32) Hama dzakawanda dzakazogadzwa sevakuru uye vashumiri veungano muungano dzavo, uye hama nehanzvadzi dzakawanda dzakapinda mubasa renguva yakazara, kusanganisira kushanda paBheteri.

 Kutanga muna 1976, ndaiva neropafadzo yekushanda muDare Rebazi rekuTaiwan uku ndichishumira semumishinari mundima. Muna 1981, ini naWen-hwa takakokwa kuti tizoshanda kuBheteri, uko kwandakaramba ndichishumira mudare rebazi kwemakore akawanda. Ndava nemakore anodarika 60 ndiri mubasa renguva yakazara, uye anodarika 50 acho ndamaita ndiri muTaiwan. Ndavawo nemakore anoda kusvika 50 ndiri mubasa renguva yakazara nemudzimai wangu wandinoda chaizvo. Shamwari yangu Ian Brown uyo wandakamboshanda naye mubasa reumishinari akaramba ari mubasa renguva yakazara muno muTaiwan kusvikira paakazofa muna 2013.

Ndiri muhofisi yangu muTaiwan muna 1997

 Ini naWen-hwa tinoedza kuramba tichishanda nesimba paBheteri, muungano yedu yemutauro weChinese, uye mubasa rekuparidza. Tinotenda Jehovha nekutipa mabasa aya anokosha. Akandipa chido nesimba rekumushumira nemwoyo wese pandaiva kakomana, uye ndizvo zvaachiri kuita kunyange takwegura.

a Piyona chaiye mushumiri wenguva yakazara uyo anozvipira kuenda kunzvimbo yaanenge anzi aende nehofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha kunenge kuchidiwa vadzidzisi veBhaibheri vakawanda.

b Nyaya yeupenyu yaBennett Brickell yakabudiswa muNharireyomurindi yaSeptember 1 1972.

c Motokari idzi dzaiva nemagudzanzwi aiita kuti kunyange vanhu vari kure vanzwe mashoko eUmambo.

d Kuti uone kuparidza kwaiita hama muGulf Country, ona vhidhiyo inonzi Kuparidza Kunzvimbo Iri Kwayo Yoga—Australia.

e Nyaya yeupenyu yaHarvey naKathleen Logan yakabudiswa muNharireyomurindi yaJanuary 2021.