Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

DORINA CAPARELLI | NYAYA YEUPENYU

Pasinei Nekunyara Kwandaiita, Ndaingoramba Ndichiriita!

Pasinei Nekunyara Kwandaiita, Ndaingoramba Ndichiriita!

Ndakagara ndiri munhu anonyara. Ndosaka ndichimboseka pandinofunga nezvemandakapinda namo ndichishumira Jehovha.

 Ndakaberekwa muna 1934 muPescara, guta riri nechepakati kumabvazuva kwemahombekombe eItaly, pedyo neAdriatic Sea. Ndini ndaiva wekupedzisira pavanasikana 4 vemumba medu. Baba vakatipa mazita vachitevedzera arufabheti kutangira pana “A.” Ndokusaka zita rangu richitanga na“D.”

 Baba vangu vainge vagara vachifarira kudzidza nezvaMwari. Vakatanga kunzwa nezveZvapupu zvaJehovha muna July 1943 mumwe murume ainzi Liberato Ricci, uyo aidzidza neZvapupu, paakataura navo nezveBhaibheri uye akavapa Nharireyomurindi. Pasina nguva, baba vakabva vatotanga kushingaira kuudza vamwe zvavakanga vachidzidza. Amai vakabva vatangawo kudzidza chokwadi. Pasinei nekuti vaisagona kunyora uye kuverenga, vakabva vatotangawo kuudza vamwe zvavakanga vachidzidza, uye vachitaura mavhesi avainge vabata nemusoro.

 Pamba pedu ndipo pakanga pava kuitirwa zvese. Misangano yechiKristu yaiitirwa ipapo. Uye kunyange zvazvo taingova nedzimba mbiri dzekurara, taigamuchira vatariri vanofambira nemapiyona pamba pedu.

 Dangwe remumba medu neanomutevera vaisafarira zveBhaibheri uye vakapedzisira vabva pamba vachinoroorwa. Asi inini naCesira uyo wandinotevera, taifarira kuteerera baba pavaiverenga Bhaibheri. Tainakidzwawo nehurukuro dzinokurudzira dzaipiwa nehama dzaishanyira kaboka kedu.

 Ndaiwanzobatana nababa pavaienda muushumiri nevamwe, asi ndainyara zvisingaiti zvekuti zvakanditorera mwedzi yakawanda kuti ndive neushingi hwekutaurawo chimwe chinhu kuna vanasaimba. Kunyange zvakadaro, kuda kwandaiita Jehovha kwakaramba kuchiwedzera uye ndakazobhabhatidzwa muna July 1950. Imwe hama ndiyo yakapa hurukuro yerubhabhatidzo pamba pedu tichibva tazoenda kugungwa kunobhabhatidzwa. Gore rakatevera, mumwe murume nemudzimai vaiva mapiyona chaiwo, vakanzi vanoshanda vari mundima yedu uye ndaiwanzoenda kunoparidza navo. Pandaiita nguva yakawanda ndiri muushumiri zvaibva zvandibatsira kuti ndisanyanya kunyara. Ndakabva ndasvika pakuda chaizvo ropafadzo iyi yebasa rakazonaka!

Chisarudzo Chakachinja Upenyu Hwangu

 Mutariri wedu wedunhu wekutanga aiva hama Piero Gatti. a Vakandikurudzira kuti ndipayone uyewo kutotamira kwaidiwa vazivisi veUmambo vakawanda. Izvi ndainge ndisina kumbobvira ndafunga nezvazvo. Munharaunda medu zvainge zvakajairika kuti vanasikana vanogara pamba kusvika panguva yavanoroorwa. Saka muna March 1952, ndakatanga kupayona ndichigara pamba. Handina kuziva kuti chisarudzo ichocho chaizochinja upenyu hwangu.

 Panguva iyoyo, imwe hanzvadzi yechidiki yainzi Anna yaidawo kutanga kupayona. Akauya kuzogara nesu kuti tinoparidza tese. Muna 1954, ini naye takanzi tinoshumira semapiyona chaiwo muPerugia, guta raiva makiromita 250 kubva kwataigara uye kwakanga kusina kana Zvapupu.

Anna, Baba, uye inini, tisati taenda kuPerugia

 Handina kumbobvira ndaita zvakadaro muupenyu hwangu! Ndaingova nemakore 20 uye handina kumbobvira ndabva muguta redu kunze kwepandakaenda nevabereki vangu kugungano. Ndainzwa sekuti ndakanga ndava kuenda kure chaizvo! Baba vaitityira kuti tinogara tega naAnna, saka vakaenda nesu kuti vanotibatsira kutsvaga pekugara. Takarenda imba yataishandisa seImba yeUmambo. Uye pakutanga taingopinda misangano tiri tega. Kunyange zvakadaro, tainakidzwa nekuparidza muPerugia nemumataundi uye mumisha yaiva pedyo, uyewo kushanda nesimba kwataiita kwakabva kwatanga kubereka zvibereko. Pashure perinenge gore, imwe hama yakatamira kuPerugia, uye ndiyo yakanga yava kuitisa misangano. Patakazochinjwa muna 1957, muPerugia makanga matova neungano diki.

Ndiine mudzimai wemutariri wedunhu naAnna pedyo neFontana (Fountain) Maggiore muPerugia, muna 1954

 Patakachinjwa takanzi tiende kunoshumira tiri muguta diki rinonzi Terni, nechepakati peItaly. Takafarira chaizvo kuparidzira muTerni sezvo makanga mutori nevanhu vakawanda vaifarira chokwadi cheBhaibheri. Asiwo paiva nematambudziko ataisangana nawo ikoko. Kunyange zvazvo hurumende yechiFascist yakanga yaguma zviri pamutemo muna 1943, vamwe vanhu vaiva nemasimba vairamba vachiedza kumisa basa reZvapupu zvaJehovha rekuparadzira mashoko eBhaibheri uye vaiti taifanira kuva nechitambi kuti tikwanise kuparidza paimba neimba.

 Zvapupu zvaJehovha zvaigara zvichiteverwa nemapurisa. Dzimwe nguva taigona kuvanzvenga nekupinda mumhomho dzevanhu, asi dzimwe nguva zvaisava nyore. Ndakamiswa navo uye ndakasungwa kaviri. Kekutanga, takanga tichiparidza nemutariri wedunhu. Mapurisa akatisunga achibva atiendesa kukamba yemapurisa, kwavakatipomera mhosva yekuti taiparidza zvisiri pamutemo uye vakabva vati tibhadhare faindi. Takaramba kubhadhara faindi; nekuti hatina mhosva yatakanga tapara. Hana yangu yakanga ichibika manhanga zvekuti ndainzwa kurova kwayaiita! Ndakatenda Jehovha kuti ndakanga ndisiri ndega. Ndakabva ndayeuka mashoko anozorodza ari pana Isaya 41:13 ekuti: “Usatya. Ndichakubatsira.” Takabva tasunungurwa, uye nyaya yacho payakanotongwa, mutongi akati takanga tisina mhosva. Ndakazosungwazve kechipiri pashure pemwedzi 6. Panguva iyi, ndakanga ndiri ndega. Uye zvakare mutongi akati ndakanga ndisina mhosva.

Mikana Yakawanda Yekushumira Jehovha

 Ndinoyeuka ndichifarira chaizvo gungano rakaitwa muna 1954 muNaples, kumaodzanyemba kweItaly. Pandakasvika ikoko, ndakazvipira kuita basa rekuchenesa nzvimbo yacho, uye ndakanzi ndinoshanda pedyo nechikuva. Ndiri ipapo ndakaona imwe hama yechidiki yakanaka yaiva murindiri yainzi Antonio Caparelli, piyona ainge abva kuLibya. Vemumhuri make vainge vatamira ikoko vachibva kuItaly makore ekuma1930 ava kunopera.

Antonio ari pamudhudhudhu waaishandisa kuLibya

Musi watakachata

 Antonio aimhanya-mhanya uye ainge akashinga. Aienda mukatikati meLibyan Desert nemudhudhudhu wake kuti anoparidzira vanhu vekuItaly vaigara ikoko. Tainyorerana tsamba apo neapo. Asi akazodzoka kuItaly nechekutanga kwegore ra1959. Akaita mwedzi mishoma ari paBheteri muRome asati aenda kunoshumira sapiyona chaiye muguta reViterbo, nechepakati peItaly. Kudanana kwataiita kwakaramba kuchiwedzera, uye takabva tachata musi wa29 September 1959. Uye ndakabva ndabatana naAntonio muViterbo.

 Takanga tava kuda imba yekugara uye yekuitira misangano. Pava paya, takazorenda rimwe kamuri rakaita sekachitoro kadiki uye raiva nekamba kekugezera nechekumashure. Takabva taisa mubhedha wedu nechekukona tichibva taisa chinouvharidzira nechepamberi. Ndoyaiva bhedhurumu yedu. Imwe nzvimbo yese yaiva yekutandarira kana kuti Imba yeUmambo, zvichienderana nekuti waiva musi upi. Zvaisava nyore kugara muimba iyoyo uye kudai ndakanga ndiri ndega, ndaisazogara muimba yakadaro. Asi ndaifara nekuti ndaiva naAntonio.

Tiri pamberi pechaivharidzira mubhedha wedu

 Muna 1961, Antonio akagadzwa kuti ashumire semutariri wedunhu. Asi aifanira kutanga apinda chikoro chevashumiri veungano kana kuti vatariri kwemwedzi wese. Zvaireva kuti ndaifanira kugara ndega kwemwedzi wese. Zvainge zvakandiomera kunyanya usiku pandainge ndiri ndega mukamuri iroro. Kunyange zvakadaro, ndaifara kuti Antonio ari kushandiswa naJehovha. Ini ndakarambawo ndiine zvakawanda zvekuita saka nguva yakabva yakurumidza kufamba.

 Basa remudunhu raireva kuti taifanira kugara tichifamba. Taibva kuVeneto, nharaunda yaiva kuchamhembe kweItaly, tichienda kuSicily, iyo yaiva kumaodzanyemba. Pakutanga takanga tisina mota, saka taishandisa mabhazi nezvimwewo. Pane imwe nguva, pashure pekunge tafamba nebhazi mumugwagwa waiva nemabhambu tichienda kumaruwa eSicily, hama dzakauya kuzotitambira dzakauya nedhongi kuti vazorishandisa kutakura mabhegi edu. Antonio akanga akapfeka sutu netayi, uye ini ndainge ndakapfeka hembe dzekupinda nadzo misangano. Vanhu vanofanira kunge vaitiseka pavaitiona tichifamba nehama idzi tiine dhongi rakatakura masutukezi edu netapureta yedu.

 Hama dzaitipa chero zvadzaiva nazvo, kunyange pavainge vasina zvakawanda zvekurarama nazvo. Dzimwe dzimba dzaisava nepekugezera kana mvura yemupombi. Pane imwe nguva takagara muimba yainge yava nemakore isingashandiswi. Hwava usiku pandainge ndakarara, ndaingoshanyarika shanyarika zvekuti Antonio akabva andimutsa. Patakasimudza machira, takabva taona pakazara masvosve! Hapana zvataikwanisa kuita sezvo pakanga pari pakati peusiku. Takangobvisa masvosve ataikwanisa tichibva taedza kurara zvakare.

Ndiina Antonio mubasa remudunhu kuma1960

 Asi izvi handizvo zvandingati zvaiita kuti ndinyanye kuomerwa. Dambudziko rangu guru raiva rekunyara. Patakashanyira ungano kekutanga, zvaindiomera kuumba ushamwari nevanhu. Asi ndaida chaizvo kukurudzira uye kubatsira hanzvadzi, saka ndakashanda nesimba kuti ndidaro. Ndichibatsirwa naJehovha, pakazopera vhiki, ndainge ndava kunzwa ndakasununguka. Yaiva ropafadzo yakakura chaizvo kushanda nehama nehanzvadzi uye kuona rupo rwavaiva narwo, kutendeka kwavo uye kuda kwavaiita Jehovha.

 Muna 1977, pashure pemakore mashoma tatanga kuita basa remudunhu neremuruwa, b takakokwa kuBheteri kuRome kuti tinobatsira kugadzirira gungano renyika dzakawanda raizoitwa muna 1978 raiva nemusoro wekuti “Victorious Faith” (“Kutenda Kunokunda.”) Pashure pemwedzi mishoma, takava nhengo dzemhuri yeBheteri. Pasina nguva Antonio akanzi ave muDare reBazi.

 Kugara paBheteri kwakanga kusiri nyore, uyewo kunyara kwandaiita dzimwe nguva kwaiita kuti zvindiomere. Asi ndakabatsirwa naJehovha uye nemhuri yepaBheteri, zvekuti pasina nguva ndainge ndisingachanyanyi kunetseka.

Mamwe Matambudziko

 Mumakore akatevera, takasangana nerimwe dambudziko. Raiva dambudziko reutano. Muna 1984, Antonio akaitwa oparesheni yemwoyo, uye papera makore 10 kubva ipapo, akatanga kungorwara-rwara. Uye muna 1999, akabva audzwa kuti aiva nekenza, inonzi malignant tumor. Aimbenge ari munhu anomhanya-mhanya, asi ainge ava kupedzwa simba nechirwere ichi. Pandaimuona achiramba achipera simba zvaiita kuti ndinetseke zvisingaiti. Ndainyengetera zvakasimba kuna Jehovha, ndichimukumbira kuti andipe simba rekuti nditsigire murume wangu wandaida. Uyewo ndaiwanzoverenga bhuku raPisarema. Mabhuku aya aindinyaradza pandainzwa ndichinetseka. Antonio akashaya musi wa18 March, 1999. Tainge tava nemakore anoda kusvika 40 takaroorana.

 Zvinoshamisa kuti dzimwe nguva unogona kunzwa kusurukirwa pasinei nekuti uri pakati pevanhu vakawanda. Kutaura chokwadi, nhengo dzemhuri yeBheteri uye hama nehanzvadzi dzatakasangana nadzo pataiva mubasa rekufambira dzakandiratidza rudo uye dzakandinyaradza. Kunyange zvakadaro, vanga riri mumwoyo mangu, kunyanya paya pandaienda mumba mangu manheru, rairwadza zvekuti handigoni kuzvitsanangura. Kunyengetera, kudzidza uye kufamba kwaiita nguva zvakandibatsira kuti ndinzwe zviri nani. Iye zvino, pandinotofunga nezvenguva yandainge ndiina Antonio ndinotonzwa kufara chaizvo. Ndinofarira kumbofunga nezvezvinhu zvataiita tiri tese, ndiine chokwadi chekuti Jehovha achiri kuyeuka Antonio uye kuti ndichamuona zvakare paachamutswa.

 Ndakashanda mabasa akasiyana-siyana paBheteri, asi iye zvino ndiri kushanda mudhipatimendi rekusona. Zvinondifadza chaizvo kuita basa rinobatsira mhuri yangu yepaBheteri. Ndinoedzawo chaizvo kuramba ndichiita ushumiri. Kunyange zvazvo ndisingachakwanisi kuita sezvandaiita kare, ndinofara pandinoudza vamwe mashoko akanaka eUmambo, ropafadzo yandakafarira chaizvo kubva ndiri kasikana. Ndosaka ndichifarira kukurudzira vechidiki kuti vapayone. Ndinoziva kufadza kunoita basa iri.

“Zvinondifadza chaizvo kuita basa rinobatsira mhuri yangu yepaBheteri”

 Pandinotarisa shure makore anoda kusvika 70 ndiri mubasa renguva yakazara, ndinoona kubatsirwa uye kukomborerwa kwandakaitwa naJehovha. Ndichiri munhu anonyara saka ndinoziva kuti kudai Jehovha asina kundibatsira, ndingadai ndisina kukwanisa kuita zvese zvandakaita. Ndakaenda kunzvimbo dziri kure tikaona uye tikasangana nezvinhu zvinokurudzira uye ndakaonana nevanhu vakandidzidzisa zvinhu zvinokosha. Kana ndaizopiwa mukana wekuti nditaure zvandinoda kuita muupenyu, iri ndiro basa randaisarudza kuita zvekare.

a Nyaya yeupeyu yaPiero Gatti yakanzi, “Ndaitya Rufu Asi Iye Zvino Ndamirira Upenyu Husingaperi,” iri muNharireyomurindi yaJuly 15, 2011.

b Mutariri weruwa aishanyira matunhu anoverengeka aiumba ruwa.