Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MILTIADIS STAVROU | NYAYA YEUPENYU

“Takaona Jehovha Achitichengeta Uye Achititungamirira”

“Takaona Jehovha Achitichengeta Uye Achititungamirira”

Kungofanana nevamwe vezera rangu, pandaiva nemakore 13 ndainakidzwa nekuona mota dzaipfuura nemumugwagwa wekwataigara muTripoli, kuLebanon. Pamota dzese dzandaiona, ndainyanya kufarira imwe mota tsvuku yekuAmerica yemumwe murume aibva kuSyria. Saka ndakashamisika chaizvo mupristi wechechi yedu yeOrthodox paakatiudza kuti titeme mota iyoyo nematombo nekuti muridzi wayo aiva Chapupu chaJehovha!

 Takaudza mupristi wacho kuti kana tikaitema, taigona kukuvadza mutyairi wacho. Akabva ati: “Muurayei. Kana mapedza, munogona kupukuta ropa rake nehembe dzangu!” Kunyange zvazvo ndaidada nechechi yangu yeGreek Orthodox, mashoko iwayo ehasha akaita kuti ndizoisiya. Pandinofunga zvakaitika musi uyu, ndinoona kuti ndizvo zvakaita kuti ndizoziva chokwadi nezvaJehovha.

Kuziva Chokwadi nezvaJehovha

 Pandaikura, guta reTripoli rainge rakazara nevanhu vanobva kwakasiyana-siyana uye vane mitauro nezvitendero zvakasiyana-siyana. Mhuri imwe neimwe yaidada nerudzi rwayo uye ndizvo zvaiitawo mhuri yedu. Ini nevakoma vangu takabatana nerimwe boka rainzi Soldiers of the Faith, a iro raipikisa Zvapupu zvaJehovha. Takanga tisati tambosangana neZvapupu, asi mupristi wedu akatiudza kuti zvaiva chikwata chairwisana nechechi yeGreek Orthodox uye kuti mutungamiriri wacho aiva murume ainzi Jehovha. Mupristi wedu aigara achitiudza kuti taifanira kurwisa Zvapupu pese pataizviona.

 Vakoma vangu vatatu vakanga vatomboonana neZvapupu zvaJehovha, asi ini ndaisazviziva. Pane kuvarwisa, vakabvuma kudzidza Bhaibheri navo kuti vangovaratidza kuti zvavaidzidzisa zvaiva zvenhema. Mumwe musi ari manheru, ndakasvika mumba makazara Zvapupu zvichikurukura Bhaibheri nemhuri yedu nevamwe vavakidzani. Ndakagumbuka chaizvo! Handina kunzwisisa kuti nei vakoma vangu vaiita zvinhu zvinoratidza kusavimbika kuchechi yedu yeOrthodox. Pandakanga ndava kuda kubuda panze mumwe muvakidzani wedu uyo aiva Chapupu uye chiremba wemazino aizivikanwa chaizvo akandiudza kuti ndigare pasi nditeerere. Mumwe sahwira wedu, aiverenga zvinonzwika kubva muBhaibheri rangu mashoko ari pana Pisarema 83:18. Ndakabva ndaziva kuti mupristi wedu akanga atinyepera. Jehovha aisava mutungamiriri wechikwata asi ndiye ega aiva Mwari wechokwadi!

Ndichangobva kubhabhatidzwa

 Ndaida kuziva zvakawanda nezvaJehovha, saka ndakatanga kubatana nevamwe vaidzidziswa Bhaibheri pamba pedu naHama Michel Aboud. Mumwe musi, shamwari yangu yakabvunza mubvunzo waindinetsa kubvira ndichiri mudiki. Akabvunza kuti, “Tiudzei kuti Mwari akasikwa naani?” Hama Aboud vakabva vanongedzera kukiti yakanga yakarara pasofa. Vakataura kuti kiti hadzikwanisi kunzwisisa zvinotaurwa nevanhu uye mafungiro avo. Saizvozvowo, hatikwanisi kunzwisisa zvinhu zvakawanda nezvaMwari. Muenzaniso iwoyo uri nyore wakandibatsira kunzwisisa kuti nei painge paine zvimwe zvinhu zvandaisanyatsonzwisisa nezvaMwari. Pasina nguva, ndakazvitsaurira kuna Jehovha Mwari uye ndakabhabhatidzwa muna 1946 ndava nemakore 15.

Kupayona Kwakaita Kuti Upenyu Hwangu Huve Nechinangwa

 Muna 1948, ndakatanga kushanda nemukoma wangu Hanna uyo aiva nebhizinesi rekutora mapikicha. Shopu yake yaiva padivi peshopu yehama yainzi Najib Salem, b iyo yaiita zvekutengesa pendi. Hama Salem vaiparidza mashoko akanaka neushingi, uye vakaramba vachidaro kuzosvikira pavakafa vava nemakore 100. Pandaienda kunoparidza navo kumamisha, ndaiona kuti vaiva neushingi pasinei nekupikiswa. Uyewo, vaigona kutanga kukurukura nezveBhaibheri nemunhu wese pasinei nechitendero chake. Ndakadzidza zvakawanda kubva pakushingaira kwavaiita pakuparidza.

Najib Salem (akamira kumashure, nechekurudyi) akandibatsira chaizvo

 Mumwe musi tiri kubasa, takashanyirwa neimwe hanzvadzi yechiLebanese yaibva kuUnited States yainzi Mary Shaayah. Hanzvadzi iyi yaiva piyona anoshingaira kunyange zvazvo yaiva amai uye vaine zvakawanda zvekuita. Kutishanyira kwavakaita kwakachinja upenyu hwangu. Vakaita maawa anopfuura maviri vachitiudza zvavaisangana nazvo muushumiri. Vasati vaenda, vakanditarisa ndokuti: “Milto, sezvo usina kuroora, unoregererei kupayona?” Ndakavaudza kuti ndaisakwanisa nekuti ndaifanira kushanda kuti ndiwane mari yekuzviriritira. Vakabva vandibvunza kuti: “Ndaita nguva yakareba zvakadini ndiinemi pano?” Ndakavati: “Anenge maawa maviri.” Vakati: “Handina zvakawanda zvandamboona uchiita mumaawa iwaya. Kana ukaparidza kwemaawa anenge 2 zuva rega rega, unokwanisa kupayona. Chimbozviedza kwegore rimwe chete wozosarudza kana uchida kupfuurira.”

 Kunyange zvazvo mutsika yedu vanhurume vasingawanzoteereri mazano anobva kuvanhukadzi, zvavakataura zvaiva nemusoro. Papera mwedzi miviri, muna January 1952, ndakatanga kupayona. Pashure perinenge gore nehafu, ndakakokwa kuti ndipinde kirasi yechi22 yeChikoro cheGiriyedhi.

Hama neshamwari dzakandioneka pandaienda kuChikoro cheGiriyedhi muna 1953

 Pandakagirajuweta, ndakanzi ndinoshanda kuMiddle East. Pasati papera gore, ndakaroora Doris Wood, mumishinari aibva kuEngland aishandawo kuMiddle East. Doris munhu anofara chaizvo.

Kuparidza muSyria

 Tichangobva kuchata, ini naDoris takanzi tinoshanda muAleppo, kuSyria. Sezvo basa redu rekuparidza rairambidzwa ikoko, vakawanda vevataidzidza navo Bhaibheri taivawana tichiita zvekuudzwa nevamwe vaifarira.

 Mumwe musi, takaenda kunoona mumwe mukadzi ainge aratidza kuti anofarira zvekudzidza Bhaibheri. Akavhura dhoo achidedera, ndokutiudza kuti: “Ngwarirai! Mapurisa abva pano izvezvi. Anga achida kuziva kuti munogara kupi.” Zvaiva pachena kuti mapurisa epachivande aiziva vanhu vataidzidza Bhaibheri navo. Takafonera hama dzaiona nezvebasa rekuparidza muMiddle East, uye dzakatiudza kuti tikurumidze kubuda munyika iyoyo. Kunyange zvazvo takarwadziwa nekusiya zvidzidzo zvedu zveBhaibheri, takaona kuti Jehovha aitidzivirira.

Kutungamirirwa naJehovha muIraq

 Muna 1955, takanzi tinoshanda muBaghdad, kuIraq. Kunyange zvazvo taiparidzira vanhu vese nekungwarira, muIraq tainyanya kuparidzira vaya vaizviti vaKristu.

Ndiine mamwe mamishinari muIraq

 Taiedzawo kutanga kukurukura nemaMuslim mumisika kana kuti mumigwagwa. Doris aiwanzotaura zvinhu zvaigona kufarirwa nevanhu vaaisangana navo. Semuenzaniso, aigona kuti: “Baba vangu vaindiudza kuti tese tichazvidavirira kuMusiki wedu.” (VaRoma 14:12) Aibva azoti: “Mashoko aya ari kundibatsira muupenyu hwangu. Imi munoaonawo sei?”

 Takanakidzwa nekushumira muBaghdad kwemakore anenge matatu tichibatsira hama dzeko kuronga basa rekuparidza nekungwarira. Taishandisa imba yedu yemamishinari kuita misangano mumutauro wechiArabic. Taifara kugamuchira vanhu verudzi rwechiAssyrian vaifarira chokwadi. Vakawanda verudzi urwu vaizviti vaKristu. Pavaizvionera vega pamisangano yedu kuti taidanana uye takabatana, vaibva vaona kuti tiri vadzidzi vaJesu vechokwadi.—Johani 13:35.

Taiita misangano yeungano paimba yedu yemamishinari muBaghdad

 Mumwe wevanhu vakakurumidza kugamuchira mashoko erugare ataiparidza ndiNicolas Aziz uyo aiva munhu munyoro uye aizvininipisa. Vabereki vake vaiva verudzi rwechiArmenian uye rwechiAssyrian. Nicolas nemudzimai wake Helen, vakakurumidza kugamuchira zvinodzidziswa neBhaibheri kuti Jehovha nemwanakomana wake Jesu vanhu vaviri vakasiyana. (1 VaKorinde 8:5, 6) Ndichiri kuyeuka zuva rakabhabhatidzwa Nicolas pamwe chete nevamwe vanhu 20 murwizi rwaEuphrates.

Kubatsirwa naJehovha muIran

Tiri kuIran muna 1958

 Pashure pekunge vapanduki vauraya Mambo Faisal II weIraq musi wa14 July 1958, takanga tava kufanira kutamira kuIran. Tava ikoko, takaramba tichiparidzira nekungwarira kuvanhu vaibva kune dzimwe nyika kweinenge mwedzi 6.

 Patakanga tava pedyo kubuda muTehran, guta guru reIran, ndakatorwa nemapurisa kuti ndinobvunzurudzwa. Izvi zvakaita kuti ndione kuti taiongororwa nemapurisa. Pandakapedza kubvunzurudzwa, ndakafonera Doris ndichimuudza kuti mapurisa aitiongorora. Kuti tirambe takachengeteka, takabvumirana kuti ndisadzokera kumba uye kuti tisagara tese kwenguva pfupi yakanga yasara kuti tibude munyika yacho.

 Doris akawana nzvimbo yakachengeteka yaaizogara kusvikira pataizosangana kunhandare yendege. Asi aizouya sei kunhandare yendege asingaonekwi nemapurisa? Doris akanyengetera kuna Jehovha nezvenyaya yacho.

 Kwakangoerekana kwanaya mvura yakasimba, zvikaita kuti vanhu vese kusanganisira mapurisa vatsvage pekuhwanda. Mumugwagwa makasara musina kana munhu zvekuti Doris akakwanisa kufamba akasununguka. Doris anoti: “Mvura iyoyo yakatsvotsvoma, chaiva chishamiso chaicho!”

 Patakabva kuIran, takanzi tinoshanda kune imwe ndima yataiparidzira vanhu vaibva kwakasiyana-siyana uye vaiva nezvitendero zvakasiyana-siyana. Pakazosvika 1961, tainge tava mudunhu tichishanyira hama dzedu munzvimbo dzakasiyana-siyana dzekuMiddle East.

Kuona Simba reMweya waJehovha

 Ndakava nemikana yakawanda yekuona mweya mutsvene waMwari uchibatanidza vanhu pataiita ushumiri hwedu kuMiddle East. Ndichiri kuyeuka kunakidzwa kwandaiitwa pandaidzidza Bhaibheri nevarume vaviri vekuPalestine, Eddy naNicolas. Vaifarira kupinda misangano yedu, asi vakazokurumidza kusiya zvekudzidza Bhaibheri nekuti vakanga vakanyura mune zvematongerwo enyika. Ndakanyengetera kuna Jehovha kuti aite kuti vagamuchire chokwadi. Pavakazoziva kuti Mwari aizogadzirisa matambudziko evanhu vese, kwete evanhu vekuPalestine chete, vakabva vatangazve kudzidza. (Isaya 2:4) Vakasiyana nekufunga kuti nyika yavo yaiva nani kupfuura dzimwe uye vakabva vabhabhatidzwa. Nicolas akazova mutariri wedunhu aishingaira.

 Pataifamba munyika dzakasiyana-siyana, ini naDoris takabaiwa mwoyo nekutendeka kwehama dzedu pasinei nezvinhu zvavaisangana nazvo. Sezvo vaitsungirira zvinhu zvakawanda, ndakava nechinangwa chekunyaradza hama nehanzvadzi dzangu pandaivashanyira semutariri wedunhu. (VaRoma 1:11, 12) Kuti ndikwanise kuita izvi, ndaiedza kuyeuka kuti ndakangofanana nehama nehanzvadzi dzangu. (1 VaKorinde 9:22) Ndainzwa kufara chaizvo pandaikurudzira vandainamata navo.

 Tiri kufara chaizvo kuona vanhu vakawanda vatakadzidza navo Bhaibheri vachiva vashumiri vaJehovha vakatendeka. Vamwe vakatamira kune dzimwe nyika nemhuri dzavo vachitiza hondo. Asi vari kubatsira chaizvo mundima yemutauro wechiArabic kuAustralia, Canada, Europe uye United States. Mumakore achangopfuura, vamwe vana vavo vakura vakadzokera kuMiddle East kunoshumira kunodiwa vaparidzi vane ushingi. Ini naDoris tiri kufara kushumira pamwe chete nehama nehanzvadzi dzedu idzi dzakaita sevana nevazukuru vedu pane zvekunamata!

Kuvimba naJehovha Nekusingaperi

 Muupenyu hwedu hwese, takaona Jehovha achitichengeta uye achititungamirira munzira dzakawanda. Ndinofara kuti akandibatsira kuti ndisiye zverusaruro uye kudada nenyika yangu zvandaiita ndichiri mudiki. Kudzidziswa kwandakaitwa nevamwe vandainamata navo vaiva neushingi uye vaisasarura kwakandibatsira kuti ndikwanise kuudza vanhu vaibva kwakasiyana-siyana chokwadi cheBhaibheri. Pataifamba munyika dzakasiyana-siyana, ini naDoris takasangana nematambudziko akawanda uye dzimwe nguva taisaziva zvataizosangana nazvo. Asi izvi zvakatidzidzisa kuti tinyatsovimba naJehovha Mwari, kwete kuzvivimba.—Pisarema 16:8.

 Pandinotarisa makore ese andashumira Jehovha, ndinoona kuti ndine zvakawanda zvandakaitirwa naBaba vangu vekudenga. Ndinobvumirana nemudiwa wangu Doris, uyo anogara achitaura kuti hapana chinofanira kutitadzisa kuti tizvipire zvakazara kuna Jehovha, kunyange kana tikatarisana nerufu! Ticharamba tichitenda Jehovha nekutibvumira kwaakaita kuti tiparidze mashoko erugare kuMiddle East. (Pisarema 46:8, 9) Tine chivimbo chekuti Jehovha acharamba achitungamirira uye achichengetedza vaya vanovimba naye.—Isaya 26:3.

b Nyaya yeupenyu yaNajib Salem yakabudiswa muNharireyomurindi yaSeptember 1 2001, mapeji 22-26.