7 JANUARY 2022
ALBANIA
Makore 100 Ekuparidza Mashoko Akanaka muAlbania Pasinei Nekumbobhanwa Kwemakore Akawanda
Gore ra2022 igore rechi100 kubva pakatanga kuwanika Zvapupu zvaJehovha muAlbania.
Nasho Idrizi aiva mumwe wevanhu vekuAlbania vekutanga kugamuchira chokwadi. Akadzidza Bhaibheri neVadzidzi veBhaibheri makore ekuma1920 achangotanga, paaigara kuUnited States. Panguva iyoyo Zvapupu zvaJehovha zvaizivikanwa seVadzidzi veBhaibheri.
Nasho akadzokera kuAlbania muna 1922. Nekufamba kwenguva, vamwe vanhu vekuAlbania vakanga vava Vadzidzi veBhaibheri vari kuUnited States vakatanga kudzokera kunyika yavo kuti vanoudzawo vamwe zvavakanga vadzidza.
Thanas Duli aiva mumwe weVadzidzi veBhaibheri vekutanga muAlbania. Akati: “Muna 1925, muAlbania maiva neungano nhatu, uye maivawo neVadzidzi veBhaibheri nevanhu vaifarira vaigara munzvimbo dzakasiyana-siyana dzenyika yacho.”
Mumakore iwayo, mabhuku akati wandei akashandurirwa muchiAlbanian kusanganisira rainzi The Harp of God uye rainzi A Desirable Government. Nharireyomurindi yaDecember 1, 1925, yakati “mabhuku akawanda [emutauro weAlbanian] akapiwa vanhu uye vanhu vemuAlbania vari kunakidzwa nekudzidza Bhaibheri.”
Vanhu vakatanga kushevedza Zvapupu vachivati ungjillorë, shoko rinoreva kuti “vaevhangeri,” nekuti vaishingaira pabasa rekuparidza. Nasho Dori, uyo akabhabhatidzwa muna 1930, akati: “Muna 1935, ini nevamwe vandaiva navo takahaya bhazi rekuenda naro kutaundi reKëlcyrë kuti tinoparidza ikoko. Takazoronga kutenderera muAlbania, tichiparidza mumataundi ePërmet, Leskovik, Ersekë, Korçë, Pogradec, neElbasan. Takagumira muguta reTirana uye yakanga yatova nguva yeChirangaridzo.”
Muna 1939, hurumende yaidzvinyirira yeItaly yakatanga kutonga muAlbania uye yakabhana Zvapupu zvaJehovha. Hama dzairamba kupinda muchiuto panguva yairwisana Greece neItaly a uye izvi zvakaita kuti vatange kutambudzwa. Mumakore iwayo, hama 15 dzakasungwa dzikaiswa mujeri. Hama Nikodhim Shyti vakaendeswa kumusasa wevasungwa uye hapana anoziva kuti chii chakazoitika kwavari.
Muna 1944, Hondo Yenyika Yechipiri payakanga yava kunopera, Bato rechiKomonisiti rakatanga kutonga muAlbania. Hama dzakaramba dzichitambudzwa uye dzichiiswa mumajeri. Vamwe vakaendeswa kumisasa yevasungwa yaiva kure nemhuri dzavo. Mumakore ese iwayo, Albania yaisadyidzana nedzimwe nyika. Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra1959 rakati: “Kunyange zvazvo vatongi vakakwanisa kuparadzanisa hama dzemuAlbania nehama dziri kune dzimwe nyika, havagoni kutadzisa mweya mutsvene waMwari kubatsira hama dzedu dzemuAlbania.” Muna 1967, hurumende yeAlbania ndiyo yakava yekutanga kutaura kuti haitendi kuti kuna Mwari. Zvapupu zvishoma zvakasara munyika yacho zvakaramba zvichinamata asi vaizviita vakangwarira.
Pakaparara hurumende yechiKomonisiti, Zvapupu zvaJehovha zvakabvumirwa kunamata zviri pamutemo musi wa22 May 1992, pashure pekunge vaita makore anopfuura 50 vakabhanwa.
Iye zvino, kuAlbania kune Zvapupu 5 550 zviri muungano 89. Tiri kufara pamwe chete nehama dzedu kuti “shoko raJehovha rakaramba richikura zvine simba uye richikunda” pasinei nekutambudzwa.—Mabasa 19:20.
a Hondo iyi inozivikanwa seGreco-Italian War uye yakatanga musi wa28 October 1940 ikapera musi wa23 April 1941. Hondo iyi ndiyo yakatanga inonzi Balkan campaign yepaHondo Yenyika Yechipiri.