Enda pane zvauri kuda

29 NOVEMBER, 2021
ANGOLA

Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki Rakabudiswa Mumutauro weKimbundu

Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki Rakabudiswa Mumutauro weKimbundu

Musi weSvondo, 21 November 2021, Hama Eric Raffaeli, vari muDare Rebazi rekuAngola vakazivisa nezvekubudiswa kweBhaibheri repafoni reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki mumutauro weKimbundu. MaBhaibheri akaprindwa achange ava kuwanika muna 2022. Bhaibheri iri rakabudiswa pamusangano wakarekodhwa uchibva watepfenyurwa kuvanhu vangasvika 11 000.

Makore ekuma1900 achangotanga, hurumende yechiPortuguese iyo yakanga ichitonga Angola panguva iyoyo yakarambidza kuti mutauro weKimbundu nemimwe mitauro yemuAfrica ishandiswe muzvikoro. Iye zvino vanhu vanosvika 1,7 miriyoni vari muAngola vanotaura chiKimbundu. Vamwe vavo vanogara muguta guru reAngola rinonzi Luanda. Mutauro uyu ndemumwe wemitauro inonyanya kushandiswa munyika iyi.

Zvapupu zvaJehovha zvakatanga kubudisa mabhuku muchiKimbundu makore ekuma1990 achangotanga. Asi ungano yekutanga yechiKimbundu yakazovapo muna 2008. Iye zvino kwava neungano 55 dzechiKimbundu uye dzine vaparidzi 2 614.

Mumwe wevanoshandura chiKimbundu achishandira ari kumba

Vaverengi vakawanda vachaona shanduro iyi itsva iri nyore kunzwisisa kupfuura imwe shanduro yavaishandisa. Semuenzaniso mushanduro yavaishandisa, Mateu 5:3 yakashandurwa ichinzi: “Vakakomborerwa varombo pamweya.” Pavhesi iyi, Shanduro yeNyika Itsva inoti: “Vanofara vanoziva kuti vanoda kutungamirirwa naMwari.”

Mumwe mushanduri akati: “Ndine chokwadi chekuti Bhaibheri iri richabatsira chaizvo hama dzinotaura chiKimbundu. Richavabatsira kuswedera pedyo naJehovha pavacharishandisa kudzidza vari vega uye muushumiri. Chikomborero chaicho kuitawo chimwe chinhu pabasa iri. Zvinondiratidza kuti Jehovha ane rudo rusingachinji.”

Tinoziva kuti Bhaibheri iri rechiKimbundu richabatsira hama nehanzvadzi dzedu dzinotaura mutauro uyu kuti dzirambe dzichibatsira vanhu vanofarira chokwadi kuti vasvike ‘pakunzwisisa zvakavanzika zvitsvene zveUmambo hwaMwari.’—Ruka 8:10.