9 DECEMBER 2022
ANGOLA
Kubudiswa Kwebhuku raMateu neraMabasa Mumutauro weChokwe neweIbinda
Musi wa3 December 2022, Hama Samuel Campos, vari muDare Rebazi rekuAngola vakabudisa bhuku raMateu neraMabasa mumutauro weChokwe neweIbinda. Mabhuku aya eBhaibheri akabudiswa ari epafoni papurogiramu yakanga yagara yakarekodhwa ichibva yazotepfenyurwa kuvanhu vanosvika 2 000.
Zvapupu zvaJehovha zvakatanga kushanda mundima yemutauro weChokwe pakatangwa boka rekutanga remutauro uyu muna 2007. Iye zvino kwava neungano 10 dzemutauro weChokwe muAngola uye 23 muDemocratic Republic of the Congo.
Mumwe mushanduri wemutauro weChokwe akati: “Pane shanduro dzakawanda dzeBhaibheri mumutauro weChokwe. Imwe shanduro inoshandisa mashoko ari nyore kunzwisisa asi inoita zvekutsanangura mashoko acho. Imwewo inonyatsotaura mashoko ari mumavhesi acho sezvaari asi yakaoma kunzwisisa. Asi pandakaverenga shanduro iyi, ndakanyatsonzwa kuti Jehovha ari kutaura neni.”
Ungano yekutanga yemutauro weIbinda yakatanga muna 2014. Iye zvino, kwava neungano 13. Mabhuku aya aMateu naRuka asati abudiswa mumutauro weIbinda kwakanga kusina Bhaibheri mumutauro uyu saka vaparidzi vaitoshandisa Shanduro yeNyika Itsva yemutauro wechiPortuguese. Mumwe mushanduri wemutauro weIbinda akati: “Pane mamwe mavhesi eBhaibheri andakaverenga kakawanda, asi iye zvino ndava kunyatsoanzwisisa. Iropafadzo chaiyo kuitawo basa iri. Rasimbisa kutenda kwangu.”
Tine chokwadi chekuti mabhuku aya eBhaibheri mumutauro weChokwe neweIbinda achabatsira hama nehanzvadzi dzedu kuti dziwedzere kuswedera pedyo naJehovha.—Jakobho 4:8.