Enda pane zvauri kuda

29 JUNE 2023
ARGENTINA

Kuparidza Mashoko Akanaka Munzvimbo Dziri Kwadzo Dzega muArgentina nemuUruguay

Kuparidza Mashoko Akanaka Munzvimbo Dziri Kwadzo Dzega muArgentina nemuUruguay

Bazi reArgentina rakaronga mushandirapamwe wekuparidza munzvimbo dziri kwadzo dzega muArgentina nemuUruguay kubva muna January kusvika muna April 2023. Vaparidzi vanodarika 9 500 vakazvipira kuenda kumushandirapamwe uyu vakarongwa mumapoka anoda kusvika 700. Vakabatsira ungano dzeZvapupu zvaJehovha dzinosvika 146 dziri munzvimbo idzi.

Vanhu vanodarika miriyoni imwe chete vanogara mumataundi madiki, uye kumaruwa kweArgentina neUruguay. Mumakore matatu adarika, zvaiva zvakaoma kuti vaparidzi vaende kunzvimbo idzi. Hama nehanzvadzi dzedu dzakafara chaizvo kutangazve kuparidza Shoko raMwari munzvimbo idzi dziri kwadzo dzega.

Hama Adrián Donadío nemudzimai wavo, Karina, vakafamba rwendo rwemakiromita angasvika 1 600 kuenda kwavaida kunoparidza kuTartagal, muArgentina. Adrián akati: “Patakaona kuti vanhu vaida kudzidza nezvaMwari, takafara kuti takakwanisa kuvazorodza nekuvaudza mashoko akanaka.”

Mutaundi reBarrancas, kuArgentina, vaparidzi vaviri vakashanyira vamwe sekuru nambuya vari kumakore ekuma90 avo vakatanga kudzidza Bhaibheri COVID isati yatanga. Sezvo vachigara kure nevamwe uye pamba pavo pasinganyatsobati indaneti, vakaita makore matatu vasingakwanisi kubatana neungano. Pasinei naizvozvo, vakaramba vachiverenga Bhaibheri mazuva ese uye vainyengetera kuti mumwe munhu auye kuzovashanyira. Vakafara zvekufara zviya hama dzedu padzakavashanyira pamushandirapamwe. Vakatenda Jehovha kuti akapindura minyengetero yavo uye pakaitwa urongwa hwekuti vaenderere mberi nekudzidza.

Mumwe murume nemudzimai vanopayona vanonzi Eduar naAlejandra Ferreira vakafamba rwendo rwemakiromita 400 kubva kuMontevideo, muUruguay, vachienda kune imwe nzvimbo iri kwayo yega munyika yacho kuti vanobatanawo nevamwe pamushandirapamwe uyu. Vakaenda nevana vavo vatatu vane makore 17, 15, ne11. Eduar akati: “Zvaifadza chaizvo kuona vana vedu vachiparidza vachifara. Tese zvedu semhuri tatononokerwa kuti mumwe mushandirapamwe utange!”

Tinofara chaizvo kuti Jehovha akakomborera zvakaitwa nehama nehanzvadzi dzedu padzaishanda nesimba ‘kupupura kwazvo’ mashoko akanaka munzvimbo idzi dziri kwadzo dzega.—Mabasa 10:42.