Enda pane zvauri kuda

2 FEBRUARY 2022
ARGENTINA

Mhuri yeBheteri Iri Kufara Pamusha Wavo Mutsva muArgentina

Mhuri yeBheteri Iri Kufara Pamusha Wavo Mutsva muArgentina

Mhuri yese yeBheteri yekuArgentina yava kugara pabazi idzva. Kambani yakanga yakapiwa basa rekuvaka yakapedza kuvaka muna 2021. Mhuri yeBheteri nevanobatsira pabasa rekuvaka vari kupedzisa mamwe mabasa akasara akadai sekugadzira mimwe midziyo, kugadzira pombi dzemvura, uye kuita zvemagetsi.

Pabazi iri idzva pane chivakwa chine mahofisi 136 uye pane zvivakwa zviviri zvine dzimba dzekugara 98. Bazi rekare raiva nezvivakwa munzvimbo dzakasiyana-siyana. Bazi idzva iri rinoita kuti mhuri yeBheteri ikwanise kugara uye kushandira panzvimbo imwe chete. Nzvimbo yacho yakakura 8 524 square meters uye iri kunze kweBuenos Aires, guta guru reArgentina.

Hama Humberto Cairo avo vari muDare reBazi rekuArgentina vanoti: “Basa iri rinoratidza kuti Jehovha ane rupo chaizvo. Zvivakwa zvitsva izvi zvinoyevedza zvikuru, uye pava nechikwangwani chinonyatsooneka chejw.org.”

Hama Sebastian Rosso vari muDhipatimendi Rebasa vakati: “Ichi chipo chakazonaka chatakapiwa naJehovha. Nzvimbo iyi yakavakwa kuti ienderane nezvatinoda. Tinotenda chaizvo kuti tava nebazi rakanaka uye riri kutibatsira pabasa redu.”

Tine chokwadi kuti Bheteri idzva iri richaita kuti mhuri yese yeBheteri iwedzere kushanda nesimba uye richapa uchapupu munharaunda, zvoita kuti Jehovha akudzwe.—2 Makoronike 7:1.

 

Mhuri yeBheteri yekuArgentina yakatamira kubazi idzva riri muBuenos Aires. Vakatanga kutama muna July 2021 pachitevedzerwa mirayiridzo yekuzvidzivirira paCOVID-19. Pashure pekutama, vashandi vepaBheteri vakapedzisa tumwe tumabasa tudiki twainge twasara, kusanganisira kugadzira midziyo uye kuchenesa. Bazi idzva iri richapa uchapupu hwakakura munharaunda