26 AUGUST, 2022
AUSTRALIA
Basa Rekurekodha Chikamu 1 Chedhirama Rinonzi Mashoko Akanaka Akataurwa naJesu Rakapera
Musi wa12 August 2022, basa rekurekodha Chikamu 1 chedhirama rinonzi Mashoko Akanaka Akataurwa naJesu rakapera. Basa richambotimirei zvishoma asi chikamu chechipiri chebasa rekurekodha chiri kutarisirwa kuti chichapera muna October 2022.
Sezvakambotaurwa, hama dzakatanga kurekodha dhirama iri musi wa20 May 2022. Pavakatanga vaiita zvekurekodhera mustudhiyo. Panguva iyoyo, vakanga vakamirira mapepa ekuti vapedzise kuvaka chimwe chivakwa uye kugadzira imwe nzvimbo iri panze yavachashandisa pakurekodha. Vakazowana mapepa ese aidiwa musi wa15 July 2022. Dhipatimendi Rekuvaka repaBazi reAustralasia rakazopa chivakwa chacho nenzvimbo yakagadzirwa yekurekodhera kuRegional Video Team (RVT). Zvivakwa zvacho zvese zvava kukwanisa kushandiswa pabasa rekurekodha.
Vanhu vanodarika 500 vemuAustralia neNew Zealand vakabatsira kuvaka zvivakwa izvi zvinoratidza zvaiva zvakaita nzvimbo dzekare. Nzvimbo yacho yakakura anoti pfuurei maeka 1,7. Hama Russell Grygorcewicz vanotungamirira Komiti Yekuvaka zvivakwa izvi, vanoti: “Kunyange zvazvo takambosangana nezvinhu zvakawanda zvaikanganisa basa redu, takanyatsoona kuti Jehovha aitibatsira kuzvikunda. Zviri pachena kuti mweya wake ndiwo wakaita kuti tipedze basa iri.”
Hama Ronald Curzan, vanobatsira Komiti Yekudzidzisa vaivapo pakatanga basa rekurekodha chikamu ichi. Vanoti: “Kushanda pamwe chete kwaiita vaibatsira pabasa rekuvaka uye mhuri yeBheteri kunoshamisa. Zvinofadza kuona zvivakwa izvi zvichitanga kushandiswa pashure pekunge vanhu vaita makore akawanda vanhu vachironga uye vachizvivaka. Takafarawo kuona hama nehanzvadzi dziri mundima yebazi reAustralasia dzichitsigira basa iri. Ichokwadi kuti dhirama iri rinoratidza upenyu hwaJesu rine zvikamu 18 richasvika pamwoyo yevanhu vakawanda vari pasi rese.”
Hama Kenneth Cook vari muDare Rinotungamirira, avo vakanga varipo pakapedziswa kurekodhwa Chikamu 1 chedhirama racho, vakati: “Zviri pachena kuti Baba vedu vane rudo Jehovha, vari kutsigira basa iri. Tinotenda Jehovha uye vese vakabatanidzwa pakuvaka uye kurekodha nekuzvipira kwavakaita uye kushanda kwavo nesimba. Tinonyengetera kuti dai dhirama iri rikabatsira vakawanda kuti vanyatsotevera makatsika naJesu, voswedera pedyo naJehovha.”
Danga remakwai riri nechekunze kwezvivakwa zvacho
Pikicha inoratidza zvivakwa zviri mukati macho
Pekupinda napo muzvivakwa zvinoratidza zvakanga zvakaita nzvimbo dzekare
Musika
Zvivakwa zvehurumende