Enda pane zvauri kuda

Hama Seymur Mammadov vakasungwa nemhaka yekuti vakaramba kupinda muchiuto

20 OCTOBER 2022
AZERBAIJAN

Azerbaijan Haina Kutevedzera Mutongo Wakapiwa neEuropean Court of Human Rights Uye Yakasunga Seymur Mammadov Nekuti Akaramba Kupinda Muchiuto

Azerbaijan Haina Kutevedzera Mutongo Wakapiwa neEuropean Court of Human Rights Uye Yakasunga Seymur Mammadov Nekuti Akaramba Kupinda Muchiuto

Musi wa22 September 2022, dare reGoranboy District Court kuAzerbaijan rakatongera hama Seymur Mammadov kugara mujeri kwemwedzi 9 nemhaka yekuti vakaramba kupinda muchiuto. Hama Mammadov vane makore 22. Mutongo pawakangopiwa, vakabva vatovharirwa. Mutongo uyu unonyatsopesana nemitongo miviri yakapiwa Azerbaijan neEuropean Court of Human Rights (ECHR).

Kubva muna 2019, dare reECHR rakapa mitongo miviri richiti zvakaitwa nehurumende yeAzerbaijan hazvina kunaka. Nyaya yekutanga yaiva pakati paMamedov and Others v. Azerbaijan uye yechipiri yaiva pakati Mekhtiyev and Abilov v. Azerbaijan. Mitongo miviri iyi inotsigira Zvapupu zvaJehovha kuti zvine kodzero yekuramba kupinda muchiuto nemhaka yechitendero chavo uye mutemo uri muArticle 9 of the European Convention unotsigirawo izvozvo.

Pamitongo miviri iyi yakapiwa, hurumende yeAzerbaijan yakabvuma pamberi pedare reECHR kuti yakatyora kodzero dzehama dzedu uye yakati yaizvodzibhadhara. Asi kusunga kwavakaita hama Mammadov chiratidzo chiri pachena chekuti havasi kuteerera zvakataurwa neECHR.

Seymur Mammadov akadaidzwa kuState Service for Mobilization and Conscription kuGoranboy District musi wa4 May 2022. Akatsanangurira vakuru vakuru vanga varipo zvaanotenda achibva akumbira kupiwa rimwe basa risinei nechiuto. Vakaramba kumupa rimwe basa. Pasinei naizvozvo, hama Seymur vakaramba vakaomerera pane zvavanotenda.

Iye zvino, Seymur ari mujeri muguta reGanja. Pasinei nekuomeserwa kwaari kuitwa, Seymur ari kuramba aine mufaro wake. Anoti akaparidzira vamwe vasungwa vanosvika 30 uye vamwe vacho vari kufarira chaizvo kudzidza Bhaibheri.

Gweta raSeymur rakakwidza nyaya iyi kuti iongororwe zvakare. Tinovimba kuti dare reGanja Court of Appeals richanzwa chikumbiro ichi ropa mutongo wekuti hama yedu isunungurwe.

Tine chokwadi chekuti Jehovha acharamba achitsigira hama Seymur panguva iyi yakaoma.—Isaya 43:2.