Enda pane zvauri kuda

Hama Royal Karimov naHama Seymur Mammadov vekuAzerbaijan

4 JANUARY 2023
AZERBAIJAN

Hama Royal Karimov naHama Seymur Mammadov Vakabudiswa Mujeri kuAzerbaijan

Hama Royal Karimov naHama Seymur Mammadov Vakabudiswa Mujeri kuAzerbaijan

Hama Royal Karimov naHama Seymur Mammadov vakabudiswa mujeri kuAzerbaijan. Hama idzi mbiri dzakaramba kuita zvechiuto nemhaka yehana dzavo.

Sezvakambobudiswa munhau dzino, rimwe dare rekuAzerbaijan rakaramba chikumbiro chaHama Seymur chekuti vapiwe rimwe basa risiri rechiuto. Musi wa22 September 2022, vakabva vanzi vane mhosva vachibva vatongerwa kugara mujeri kwemwedzi 9. Mutongo iwoyo waipesana nemitongo miviri yakanga yapiwa Azerbaijan nedare reEuropean Court of Human Rights. Magweta aimiririra Hama Seymur akakumbira kuti nyaya iyi idzoke zvakare mudare, uye musi wa12 December 2022, dare reGanja Court of Appeals rakachinja mutongo wacho. Panzvimbo pekuti vavharirwe mujeri, rakati mutongo wacho umbosendekwa padivi. Kunyange zvazvo iye zvino Hama Seymur vakasunungurwa, vakakwidza nyaya yavo kudare reSupreme Court of Azerbaijan kuti richinje mutongo iwoyo wavakapiwa.

Pavakanga vari mujeri, Hama Seymur vaisabvumidzwa kuva neBhaibheri kana kutumirwa tsamba, asi Jehovha akavasimbisa. Vanotsanangura kuti: “Pandaiti mangwana ndiri kunomira pamberi pedare kekupedzisira, ndakanyora mashoko ari pana Joshua 1:5, 6 pakapepa ayo anoti: ‘Ndichava newe, sezvandakava naMozisi. Handizokurasi kana kukusiya.’” Mashoko iwayo akasimbisa Hama Seymur pavakazosungwa vakavharirwa mujeri. Vanoti: “Mavhesi iwayo ndiwo akanga atova rugwaro rwangu rwezuva.”

Musi wa30 May 2022, Hama Royal vakashevedzwa kuti vanopinda muchiuto kuGadabay Region State Service for Mobilization and Conscription. Hama Royal vakaramba kupinda muchiuto nemhaka yehana yavo uye vakakumbira kuti vapiwe rimwe basa risiri rechiuto. Chikumbiro chavo chakarambwa. Musi wa25 July 2022, masoja akamusunga uye akavharirwa kukamba yemasoja kusvika musi wa1 November 2022. Izvozvo zvakanga zvisiri pamutemo. Hama Royal vari kukumbira kuti zvakaitwa nevanhu vekuGadabay Region State Service for Mobilization and Conscription zviongororwe.

“Pandakaudzwa kuti ndaisazobvumidzwa kubuda pakamba yemasoja, ndakanetseka chaizvo,” vanodaro Hama Royal. “Asi ndakazviyeuchidza kuti uyu waiva muedzo wekutenda kwangu.”

Hama Royal pavakanga vakavharirwa, hanzvadzi yavo yaibvumidzwa kuvaona. Yakavapa Bhaibheri uye Hama Royal vanoti rakavabatsira kuti varambe vaine kutenda kwakasimba. “Pane dzimwe nguva dzandaiora mwoyo. Asi panguva idzodzo, Jehovha aindisimbisa. Kuverenga Bhaibheri nekunyengetera kwakaita kuti ndive nerugare rukuru.”

Tinoramba tichinyengetera kuti dai hurumende yeAzerbaijan ikasiyana nezvekusunga hama dzedu nemhaka yekuti hana dzavo hadzivabvumiri kupinda muchiuto, yovapa mamwe mabasa asiri echiuto sezviri kuitwa mune dzimwe nyika.—1 Timoti 2:1, 2.