Enda pane zvauri kuda

4 FEBRUARY 2022
AZERBAIJAN

Sangano reUN Human Rights Committee Rakatsigira Kodzero yeHanzvadzi Dzakasungirwa Kuparidza muAzerbaijan

Sangano reUN Human Rights Committee Rakatsigira Kodzero yeHanzvadzi Dzakasungirwa Kuparidza muAzerbaijan

Sangano reUN rinoona nezvekodzero dzevanhu rinonzi United Nations Human Rights Committee (CCPR) rakapa mitongo miviri muna November naDecember 2021 inotsigira kodzero yeZvapupu zvaJehovha yekuudza vamwe zvavanotenda. Mitongo iyi yakapiwa panyaya dzine chekuita nehanzvadzi dzedu dzakasungwa muAzerbaijan nemhaka yekuparidza.

Musi wa5 November 2021, sangano reCCPR rakatsigira kodzero yekuparidza yahanzvadzi Matanat Gurbanova nahanzvadzi Saadat Muradhasilova. Hanzvadzi idzi dzakasungwa pashure pekunge vamhan’arirwa nemumwe munhu kumapurisa muna November 2014. Vakanzi vabhadhare faindi yeUS$880. Sangano reCCPR rakapa mutongo wekuti kusungwa kwakaitwa hanzvadzi idzi hakusi pamutemo uye rakarayira kuti hurumende yeAzerbaijan iite zvese zvinodiwa kuti vanhu vasasungirwa zvakare kuudza vamwe zvavanotenda.

Matanat naSaadat, avo vari mukoma nemunin’ina vakati: “Kunyange zvazvo mapurisa nemutongi vaida kutityisidzira, kusungwa kwatakaitwa kwakatosimbisa kutenda kwedu. Jehovha akatiratidza zvakare kuti ruoko rwake haruna kupfupika uye kuti anoziva kuti anodzivirira sei vashumiri vake.”

Pane mumwe mutongo wakafanana neuyu wakapiwa musi wa21 December 2021. Sangano reCCPR rakati mapurisa emuAzerbaijan akatyora mutemo paakasunga hanzvadzi Jeyran Azizova nahanzvadzi Gulnaz Israfilova nemhaka “yekuita zvechitendero kune imwe nzvimbo yavasingagari.” CCPR yakati kuparidza kwakaitwa nehanzvadzi idzi kwakanga kusiri kutyora mutemo.

Pavakashanyira shamwari dzavo munharaunda yeGoranboy Region muAzerbaijan muna November 2016, Jeyran naGulnaz vakaudza vamwe vanhu zvinotaurwa neBhaibheri. Mumwe mushandi wehurumende akavamhan’arira kumapurisa vachibva vasungwa. Nyaya yacho payaitongwa mudare, mutongi akapomera hanzvadzi idzi kuti dzaiva vasori achibva avati vabhadhare faindi inosvika US$1 176. Nyaya iyi payakadzorerwa mudare, pakangopiwa mutongo wakafanana newakanga wambopiwa. Hanzvadzi idzi dzakabva dzakwidza nyaya yacho kusangano reCCPR.

Mitongo inopiwa mudare ichititsigira inotibatsira kuti tiite basa redu rinonyanya kukosha takasununguka. Tinofara nehanzvadzi dzedu dzakaratidza muenzaniso wakanaka wekuparidza mashoko akanaka neushingi.—Mateu 10:18.