Enda pane zvauri kuda

20 APRIL 2022
BELGIUM

Dare reEuropean Court of Human Rights Rinotsigira Zvapupu zvaJehovha zvekuBelgium Panyaya Yemitero

Dare reEuropean Court of Human Rights Rinotsigira Zvapupu zvaJehovha zvekuBelgium Panyaya Yemitero

Vatongi vese veDare reEuropean Court of Human Rights (ECHR) vakati hurumende yeBelgium yakasarura Zvapupu zvaJehovha payakaita kuti Dzimba dzeUmambo dzinoshandisa neungano 9 dziri munharaunda yeBrussels-Capital Region dzibhadhariswe mutero. Mutongo wakapiwa munyaya yaiva pakati peChristian Assembly of Jehovah’s Witnesses and Others v. Belgium, uyo wakapiwa musi wa5 April 2022, unogona kudzivirira kodzero yedu yekunamata takasununguka muBelgium uyewo mune dzimwe nyika dziri muEurope.

Kubvira kare kusvikira mugore ra2018, zvitendero zvese zviri munharaunda yeBrussels-Capital Region zvakanga zvisingafaniri kubhadhara mitero yedzimba dzavanoshandisa pakunamata. Asi mugore ra2018, mitemo yemitero yemunharaunda iyi yakachinjwa. Pakasarudzwa kuti “zvitendero zvinobvumirwa nehurumende” 6 chete zvisabhadhariswa mutero. Kuchinjwa kwakaitwa mutemo uyu kwakaita kuti Zvapupu zvaJehovha zvitange kubhadariswa mari yakawanda yemitero yeDzimba dzeUmambo dziri munharaunda yacho inoda kusvika US$49 025 pagore.

Dare reECHR rakati vakuru venharaunda yeBrussels-Capital Region pavakasarudza kuti “zvitendero zvinobvumirwa nehurumende” 6 chete zvisabhadhariswa mutero, vaitosarura Zvapupu zvaJehovha uye vakaputsa chibvumirano chinotaura nezvekodzero dzevanhu cheEuropean Convention on Human Rights.

Paraipa mutongo waro, dare reECHR rakati hurumende yeBelgium yaireva nhema payakati Zvapupu zvaJehovha zvaigona kunyorerawo kuti zvionekwe sechitendero chinobvumirwa nehurumende. Rakati kuti sangano rechitendero rikwanise kunyorera kuti rinzi rinobvumirwa muBelgium, zvinotobva nekuGurukota Rezvemutemo. Uyewo chisarudzo chekuti sangano rechitendero rinzi rinobvumirwa chinoitwa nehurumende zvichingobva pakuti ndezvipi zvairi kuda.

Parakapa mutongo waro, dare reECHR rakati muBelgium, hapana mutemo wakajeka unonyatsotevedzerwa kuti sangano rechitendero rinzi rinobvumirwa nehurumende. Rakatiwo hazvina musoro kuti masangano ezvitendero anyorere kuti anzi anobvumirwa nehurumende ipo pasina chinhu chinoratidza kuti vachabatwa zvakarurama panyaya iyi yemitero. Saka rakakurudzira hurumende yeBelgium kuti “isava nedivi rayakarerekera uye kuti isasarura” mamwe masangano ezvitendero akaita seZvapupu zvaJehovha.

Chisarudzo chakaitwa nedare reECHR chinosimbisa pfungwa yekuti hurumende haifaniri kutaura kuti zvinotendwa nevamwe vanhu ndezvechokwadi here kana kuti kwete kana kutemera vanhu kuti vanofanira kunamata sei. Chichaitawo kuti dzimwe nyika dzemuEurope dzisagadza mitemo ine chekuita nemitero inosarura sangano redu.

Tinotenda Jehovha nekukunda kwatiri kuita mumatare uko kuri kutibatsira kuti tizadzise chido chedu chekurumbidza zita rake.—Zvakazarurwa 15:4.