3 JUNE 2022
BENIN
Bhuku raMateu Rakabudiswa Mumutauro weFon
Musi wa29 May 2022, hama Sylvain Bois, avo vari muDare Rebazi reBenin, vakabudisa Bhaibheri—Mashoko Akanaka Akanyorwa naMateu mumutauro weFon. Bhaibheri iri repafoni rakabudiswa papurogiramu yakarekodhwa ichibva yazotepfenyurwa kuvanhu vanenge 7 000. MaBhaibheri akaprindwa anotarisirwa kuti achange ava kuwanika panozosvika December 2023.
MaBhaibheri agara achiwanika mumutauro weFon asi maBhaibheri iwayo haana zita raMwari uye haatauri chokwadi chaiva muzvinyorwa zveBhaibheri zvekutanga. Uyewo maBhaibheri acho anodhura uye vamwe vatengesi havabvumi kutengesera Zvapupu zvaJehovha.
Bhuku iri reBhaibheri raMateu rakabudiswa rinotaura chokwadi sezvachaiva muzvinyorwa zvekutanga zveBhaibheri. Semuenzaniso, Mateu 10:28 inoti: “Musatya vaya vanouraya muviri vasingagoni kuuraya mweya.” Mashoko emuzasi ari pavhesi iyi inotsanangura kuti shoko rakashandurwa kuti “mweya” rinoreva “tariro yeupenyu.” Zvinhu zvakadai semashoko emuzasi zvichabatsira vaparidzi pavanenge vachidzidzisa vanhu muushumiri.
Hama Palle Bjerre, avo vari muDare Rebazi reBenin, vakati: “Pane mabhuku edu akawanda anotaura zviri mubhuku raMateu. Kuva neshanduro iyi yakarurama yeEvhangeri yaMateu kuchabatsira chaizvo pabasa rekuparidza uye pakudzidzisa mashoko akanaka. Tinotenda Jehovha nevashanduri nekushanda nesimba kwavakaita kuti tiwane bhuku iri.”
Tine chokwadi chekuti bhuku iri richabatsira hama nehanzvadzi dzinotaura chiFon kuti varambe vachiswedera pedyo naMwari uye vachibatsirawo vamwe kuti vaite izvozvo.—Mateu 5:3.